Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu akanga asiri kuremekedza kana kuva nomutsa nenzira yaakataura nayo naamai vake pamutambo womuchato muKana here?—Johani 2:4.

Nguva pfupi abhabhatidzwa, Jesu nevadzidzi vake vakakokwa kumutambo womuchato muKana. Amai vake vaivepowo. Waini payakapera, Mariya akaudza Jesu kuti: “Havasisina waini.” Achipindura, Jesu akati kuna amai vake: “Ndinei newe iwe mukadzi? Awa yangu ichigere kusvika.”—Johani 2:1-4.

Nhasi, kuti mumwe munhu ataure naamai vake achiti “iwe mukadzi” uye kuti ati kwavari “ndinei newe?” zvinogona kutaurwa kuti kusaremekedza, kana kuti kuzvidza. Asi kupomera Jesu izvozvo kungave kusava nehanya netsika dzepanguva iyoyo, mashandiro omutauro wacho, uye zvaiitika paakazodaro. Kunzwisisa kushandiswa kwaiitwa mashoko aya munguva dzeBhaibheri kuchatibatsira.

Maererano neshoko rokuti “mukadzi,” Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words rinoti: “Shoko iri rinoshandiswa kureva mukadzi, harisi rokutsiura kana rehasha, asi romutsa uye rokuremekedza.” Mamwe mabhuku anobvumirana neizvi. Somuenzaniso, The Anchor Bible rinoti: “Uku hakusi kutsiura, kana shoko risiri rokuremekedza, kana chiratidzo chisiri chorudo . . . Yakanga iri nzira yokuremekedza iyo Jesu aishandisa pakutaura nevakadzi.” The New International Dictionary of New Testament Theology rinotaura kuti shoko racho “rinoshandiswa pakutaura nomunhu risingamborevi kusaremekedza.” Uye Theological Dictionary of the New Testament yaGerhard Kittel inoti uku kushandiswa “hakusi kusaremekedza kana kutuka.” Saka hatifaniri kugumisa kuti Jesu akanga asingaremekedzi kana kusava nomutsa kuna amai vake paakataura navo achiti “iwe mukadzi.”—Mateu 15:28; Ruka 13:12; Johani 4:21; 19:26; 20:13, 15.

Zvakadii nemashoko okuti “ndinei newe?” Iri idimikira rechiJudha rinozivikanwa rinowanika kakawanda muBhaibheri. Somuenzaniso, pana 2 Samueri 16:10, tinoona Dhavhidhi achirambidza Abhishai kuuraya Shimei achiti: “Ndinei nemi, imi vanakomana vaZeruya? Muregei atuke, nokuti Jehovha ati kwaari, ‘Tuka Dhavhidhi!’” Saizvozvowo, tinoverenga pana 1 Madzimambo 17:18 kuti chirikadzi yeZarefati payakaona kuti mwanakomana wayo akanga afa, yakati kuna Eriya: “Ndinei nemi, haiwa imi munhu waMwari wechokwadi? Makauya kwandiri kuti kukanganisa kwangu kuyeukwe uye kuti muuraye mwanakomana wangu.”

Kubva mumienzaniso iyi yomuBhaibheri, tinoona kuti mashoko okuti “ndinei newe?” anowanzoshandiswa, kwete kuratidza kuzvidza kana kuzvikudza, asi kuramba kubatanidzwa pane chimwe chinhu kana zvinenge zvakumbirwa kana zvanzi zviitwe kana kuratidza kusiyana mumaonero kana mafungiro. Saka toti kudini nezvamashoko aJesu kuna Mariya?

Mariya paakaudza Jesu kuti: “Havasisina waini,” zviri pachena kuti aisangoudza Jesu nezvemamiriro acho ezvinhu asi aimukumbira kuti aite chimwe chinhu. Jesu akashandisa dimikira iroro kuramba chikumbiro chaMariya, uye mashoko ake okuwedzera anoti: “Awa yangu ichigere kusvika,” anotibatsira kuona chikonzero nei akadaro.

Kubva panguva yaakabhabhatidzwa uye yaakazodzwa muna 29 C.E., Jesu aiziva kwazvo kuti Jehovha aida chaizvo kuti saMesiya akapikirwa, ararame upenyu hwokutendeka hwaizoguma norufu rwake, kumuka uye kukudzwa. Jesu akati: ‘Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’ (Mateu 20:28) Sezvo nguva yokufa kwake yakanga yava kusvika, Jesu akaratidza izvi pachena achiti: “Awa yasvika.” (Johani 12:1, 23; 13:1) Saka paainyengetera usiku hwezuva raakazofa, Jesu akati: “Baba, awa yasvika; kudzai mwanakomana wenyu, kuti mwanakomana wenyu akukudzei.” (Johani 17:1) Uye pakupedzisira apo mhomho yevanhu yakauya muGetsemane kuzosunga Jesu, akamutsa vaapostora vaiva vakarara akati: “Awa yasvika! Tarirai! Mwanakomana womunhu ava kutengeswa mumaoko evatadzi.”—Mako 14:41.

Zvisinei, pamutambo womuchato muKana, Jesu akanga achangotanga ushumiri hwake saMesiya, uye “Awa” yake yakanga isati yasvika. Chinangwa chake chaiva chokuita kuda kwaBaba vake sezvavakanga vamurayira uye panguva yacho chaipo, uye hapana aigona kupindira zvaakanga asarudza. Mukutaura izvi kuna amai vake, Jesu akanga akasimba asi kwete nenzira yokusaremekedza kana isina mutsa. Uyewo Mariya haana kunzwa anyadziswa kana kutukwa nomwanakomana wake. Chokwadi, anzwisisa zvaitaurwa naJesu, Mariya akaudza vakanga vachishumira pamuchato kuti: “Itai zvinhu zvose zvaanokuudzai.” Pane kuti aite seakanga asina kunzwa zvakanga zvataurwa naamai vake, Jesu akaita chishamiso chake chokutanga saMesiya—achichinja mvura kuva waini yakanaka kwazvo—zvichiratidza kuva pakati nepakati mukuita kuda kwaBaba vake uye achiita chimwe chinhu pakushushikana kwaamai vake.—Johani 2:5-11.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Jesu akanga aine mutsa asi akasimba zvikuru paaitaura naamai vake