Bhuku Rekutanga reMakoronike 28:1-21
28 Dhavhidhi akabva aunganidza machinda ese eIsraeri kuJerusarema: machinda emadzinza, vakuru vemapoka+ aishumira mambo, vakuru vezviuru nevakuru vemazana,+ vakuru vezvinhu zvese nezvipfuwo zvese zvamambo+ nezvevanakomana vake,+ pamwe chete nevakuru vemumuzinda, nemurume wese aiva nesimba uye akashinga.+
2 Mambo Dhavhidhi akabva asimuka, akati:
“Pamusoroi hama dzangu nevanhu vangu. Ndaiva nechido mumwoyo mangu chekuvaka imba yekuti areka yesungano yaJehovha izororere uye ive chekutsika chetsoka dzaMwari wedu,+ uye ndakagadzirira zvinodiwa pakuvaka.+
3 Asi Mwari wechokwadi akati kwandiri, ‘Hauzovakiri zita rangu imba+ nekuti uri murume wehondo uye wakadeura ropa.’+
4 Zvisinei, Jehovha Mwari waIsraeri akandisarudza paimba yese yababa vangu kuti ndive mambo weIsraeri nekusingaperi,+ nekuti akasarudza Judha kuti ave mutungamiriri+ uye muimba yaJudha akasarudza imba yababa vangu,+ uye pavanakomana vababa vangu, ndini waakafarira, kuti andigadze kuva mambo weIsraeri yese.+
5 Jehovha akandipa vanakomana vakawanda uye pavanakomana vacho vese,+ akasarudza mwanakomana wangu Soromoni+ kuti agare pachigaro cheumambo chaJehovha achitungamirira vaIsraeri.+
6 “Akati kwandiri, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achavaka imba yangu nezvivanze zvangu, nekuti ndamusarudza kuti ave mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake.+
7 Ndichasimbisa umambo hwake nekusingaperi+ kana akanyatsozvipira kuramba achichengeta mirayiro yangu nemitongo yangu+ sezvaari kuita iye zvino.’
8 Saka ndiri kutaura pamberi pevaIsraeri vese, iyo ungano yaJehovha, Mwari wedu achinzwa, ndichiti: Nyatsochengetai uye tsvagai mirayiro yese yaJehovha Mwari wenyu, kuti mutore nyika yakanaka+ moita kuti ive nhaka yevanakomana venyu vanokuteverai yavacharamba vainayo.
9 “Zvino iwe mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, umushumire nemwoyo wakaperera*+ uye nemweya* unofara,* nekuti Jehovha anoongorora mwoyo yese,+ uye anonzwisisa kese kangafungwa nemunhu.+ Kana ukamutsvaga, achaita kuti umuwane,+ asi kana ukamusiya achakuramba nekusingaperi.+
10 Funga nezvazvo, nekuti Jehovha akusarudza kuti uvake imba kuti ive nzvimbo tsvene. Shinga utange basa.”
11 Dhavhidhi akabva apa mwanakomana wake Soromoni purani+ yevharanda neyedzimba dzayo,+ nedzimba dzayo dzekuchengetera zvinhu, nedzimba dzepadenga rayo, nedzimba dzayo dzemukati, neimba yechekukwidibirisa chekuyananisa.*+
12 Akamupa purani yezvinhu zvese yaakanga apiwa achiita zvekufemerwa* yezvivanze+ zveimba yaJehovha, yedzimba dzese dzekudyira dzaiva kumativi ese, yedzimba dzekuchengetera pfuma yeimba yaMwari wechokwadi, uye dzimba dzepfuma yezvinhu zvakatsveneswa;*+
13 akamurayirawo zvekuita pamusoro pemapoka evapristi+ neevaRevhi, pamusoro pebasa rese repaimba yaJehovha, nemidziyo yese yebasa repaimba yaJehovha;
14 uye pamusoro peuremu hwegoridhe, goridhe remidziyo yese yemabasa akasiyana-siyana, neuremu hwemidziyo yese yesirivha, uye hwemidziyo yese yemabasa akasiyana-siyana;
15 neuremu hwezvigadziko zvemarambi zvegoridhe+ nemarambi azvo egoridhe, uremu hwezvigadziko zvemarambi zvakasiyana-siyana nemarambi azvo, neuremu hwezvigadziko zvemarambi zvesirivha, hwechigadziko chimwe nechimwe chemarambi nemarambi acho zvichienderana nezvachaishandiswa;
16 uyewo uremu hwegoridhe rematafura ezvingwa zvinoturikidzaniswa,*+ retafura imwe neimwe, pamwe chete nesirivha yematafura esirivha,
17 nemaforogo, ndiro, nemajagi zvegoridhe rakanatswa, neuremu hwendiro diki dzegoridhe,+ hwendiro diki imwe neimwe, neuremu hwendiro diki dzesirivha, hwendiro diki imwe neimwe.
18 Akamupawo uremu hwegoridhe rakanatswa reatari yerusenzi,+ neremufananidzo wengoro,+ kureva makerubhi+ egoridhe ainge akatambanudza mapapiro awo, akavharidzira pamusoro peareka yesungano yaJehovha.
19 Dhavhidhi akati: “Ruoko rwaJehovha rwaiva pandiri, uye akandipa njere dzekuti ndigone kunyora zvese+ zviri papurani+ yacho.”
20 Dhavhidhi akabva ati kumwanakomana wake Soromoni: “Shinga usimbe, utange basa. Usatya kana kuvhunduka, nekuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe.+ Haazokuregi kana kukusiya,+ asi achava newe kusvikira basa rese reimba yaJehovha rapera.
21 Aya ndiwo mapoka evapristi+ neevaRevhi+ ebasa rese reimba yaMwari wechokwadi. Une vanhu vane chido uye unyanzvi hwekuita mabasa ese,+ pamwe chete nemachinda+ nevanhu vese avo vachaita zvese zvaunovaudza kuti vaite.”
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “wakanyatsozvipira.”
^ Kana kuti “unoda.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “neimba yekuyananisa.”
^ ChiHeb., “apiwa nemweya.”
^ Kana kuti “zvakatsaurwa.”
^ Kureva, zvingwa zvekuratidza.