Bhuku Rekutanga reMakoronike 3:1-24
3 Ava ndivo vaiva vanakomana vaDhavhidhi vakaberekerwa muHebroni:+ dangwe raiva Amnoni,+ akaberekwa naAhinoamu+ wekuJezreeri; wechipiri aiva Dhanieri, akaberekwa naAbhigairi+ wekuKameri;
2 wechitatu aiva Absaromu+ mwanakomana waMaaka mwanasikana waTarimai mambo weGeshuri; wechina aiva Adhonija+ mwanakomana waHagiti;
3 wechishanu aiva Shefatiya, akaberekwa naAbhitari; wechi6 aiva Itreyamu, akaberekwa naEgra mudzimai waDhavhidhi.
4 Vana 6 ava vakaberekerwa muHebroni; akatonga imomo kwemakore 7 nemwedzi 6, uye akatonga muJerusarema kwemakore 33.+
5 Ava ndivo vakaberekerwa muJerusarema:+ Shimea, Shobhabhu, Natani,+ naSoromoni;+ Bhati-shebha+ mwanasikana waAmieri ndiye aiva amai vavo vese vari vana.
6 Uye vamwe vanakomana 9 vaiva Ibhari, Erishama, Erifereti,
7 Noga, Nefegi, Jafiya,
8 Erishama, Eriyadha, naErifereti.
9 Vese ava vaiva vanakomana vaDhavhidhi, tisingabatanidzi vanakomana vevarongo,* uye Tamari+ aiva hanzvadzi yavo.
10 Mwanakomana waSoromoni aiva Rehobhoamu,+ baba vaAbhija,+ uyo aiva baba vaAsa,+ uyo aiva baba vaJehoshafati,+
11 uyo aiva baba vaJehoramu,+ uyo aiva baba vaAhaziya,+ uyo aiva baba vaJehoashi,+
12 uyo aiva baba vaAmaziya,+ uyo aiva baba vaAzariya,+ uyo aiva baba vaJotamu,+
13 uyo aiva baba vaAhazi,+ uyo aiva baba vaHezekiya,+ uyo aiva baba vaManase,+
14 uyo aiva baba vaAmone,+ uyo aiva baba vaJosiya.+
15 Vanakomana vaJosiya vaiva Johanani dangwe rake, wechipiri ari Jehoyakimu,+ wechitatu ari Zedhekiya,+ wechina ari Sharumu.
16 Mwanakomana waJehoyakimu aiva Jekoniya+ uyo aiva nemwanakomana ainzi Zedhekiya.
17 Vanakomana vaJekoniya musungwa vaiva Sheatiyeri,
18 Marikiramu, Pedhaya, Shenazari, Jekamiya, Hoshama, naNedhabhiya.
19 Vanakomana vaPedhaya vaiva Zerubhabheri+ naShimei; vanakomana vaZerubhabheri vaiva Meshuramu naHananiya (hanzvadzi yavo yaiva Sheromiti);
20 uye vamwe vanakomana vashanu vaiva Hashubha, Oheri, Bherekiya, Hasadhiya, naJushabhi-hesedhi.
21 Vanakomana vaHananiya vaiva Peratiya naJeshaya; mwanakomana* waJeshaya aiva Refaya; mwanakomana* waRefaya aiva Anani; mwanakomana* waAnani aiva Obhadhiya; mwanakomana* waObhadhiya aiva Shekaniya;
22 uye vanakomana vaShekaniya vaiva Shemaya nevanakomana vaShemaya: Hatushi, Igari, Bhariya, Neariya, naShafati, vese pamwe chete vari 6.
23 Vanakomana vaNeariya vaiva Erioenai, Hizkiya, naAzrikamu, vari vatatu.
24 Vanakomana vaErioenai vaiva Hodhavhiya, Eriyashibhi, Peraya, Akubhu, Johanani, Dheraya, naAnanai, vari 7.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “vanakomana.”
^ ChiHeb., “vanakomana.”
^ ChiHeb., “vanakomana.”
^ ChiHeb., “vanakomana.”