Bhuku Rekutanga raSamueri 31:1-13
-
Kufa kwaSauro nevanakomana vake vatatu (1-13)
31 Zvino vaFiristiya vakanga vachirwa nevaIsraeri.+ Varume veIsraeri vakatiza vaFiristiya, uye vakawanda vakaurayiwa muGomo reGiribhoa.+
2 VaFiristiya vakaramba vakati name name naSauro nevanakomana vake, uye vaFiristiya vakauraya Jonatani,+ Abhinadhabhi, naMariki-shua, vanakomana vaSauro.+
3 Hondo yacho yakanga yava kupisa ichiomera Sauro, uye vaya vaipfura neuta vakamuwana vakamukuvadza zvakaipisisa.+
4 Sauro akabva ati kumutakuri wezvombo zvake: “Vhomora bakatwa rako undibaye naro, kuti varume ava vasina kuchecheudzwa+ varege kuuya kuzondibaya, vondiitira utsinye.” Asi mutakuri wezvombo zvake akanga asingadi kumubaya, nekuti aitya chaizvo. Saka Sauro akatora bakatwa racho, akawira pariri.+
5 Mutakuri wezvombo zvake paakaona kuti Sauro akanga afa,+ iyewo akabva awira pabakatwa rake akafa pamwe chete naye.
6 Saka Sauro nevanakomana vake vatatu, nemutakuri wezvombo zvake, nevarume vake vese, vakafa zuva iroro.+
7 VaIsraeri vaiva munharaunda yebani nevaiva munharaunda yeJodhani pavakaona kuti varume vaIsraeri vakanga vatiza uye kuti Sauro nevanakomana vake vakanga vafa, vakatanga kubuda mumaguta acho vachitiza;+ vaFiristiya vakabva vauya vakaatora.
8 Mangwana acho, vaFiristiya pavakauya kuzotora zvipfeko nezvimwe zvinhu zvevanhu vakanga vaurayiwa, vakawana Sauro nevanakomana vake vatatu vakafa muGomo reGiribhoa.+
9 Saka vakadimbura musoro wake, vakatora zvipfeko zvake zvehondo, vakatumira shoko munyika yese yevaFiristiya kuti vasvitse mashoko acho+ mudzimba* dzezvidhori+ zvavo nekuvanhu.
10 Vakabva vaisa zvipfeko zvake zvehondo muimba yezvifananidzo zvaAshtoreti, vakaroverera chitunha chake parusvingo rweBheti-shani.+
11 Vagari vekuJabheshi-giriyedhi+ pavakanzwa zvakanga zvaitirwa Sauro nevaFiristiya,
12 varwi vese vakabva vasimuka, vakafamba usiku hwese, vakanobvisa mutumbi waSauro nemitumbi yevanakomana vake parusvingo rweBheti-shani. Vakadzokera kuJabheshi, vakapisa mitumbi yacho ikoko.
13 Vakabva vatora mapfupa avo+ vakaaviga pasi pemuti wemutamarisiki waiva muJabheshi,+ vakatsanya kwemazuva 7.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mutemberi.”