Tsamba Yekutanga kuvaKorinde 6:1-20
6 Zvingadaro sei kuti kana mumwe wenyu akanetsana nemumwe wake+ ari kushinga kumuendesa kumatare evanhu vasina kururama, asingamuendesi pamberi pevatsvene?
2 Kana kuti hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika?+ Uye kana nyika ichizotongwa nemi, hamuna kukodzera kutonga tunyaya tudiki here?
3 Hamuzivi here kuti tichatonga ngirozi?+ Saka munoregererei kutonga nyaya dzeupenyu huno?
4 Saka kana muine nyaya dzeupenyu huno dzinofanira kutongwa,+ vanhu vanozvidzwa neungano ndivo vamungagadza kuva vatongi here?
5 Ndiri kuzvitaura kuti munyare. Pakati penyu hapana munhu akachenjera anogona kutonganisa hama dzake here?
6 Asi hama inoendesa imwe hama kudare, pamberi pevasingatendi chaipo!
7 Kana mava kumhan’arirana zvinoreva kuti matokundikana. Madii zvenyu kungobvuma kuitirwa zvakaipa?+ Madii zvenyu kungobvuma kubiridzirwa?
8 Panzvimbo pekudaro, muri kuita zvakaipa, muchibiridzira, apa muchizviitira hama dzenyu!
9 Kana kuti hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazogari nhaka yeUmambo hwaMwari?+ Musatsauswa.* Mhombwe,*+ vanhu vanonamata zvidhori,+ vanhu vasina kuvimbika muwanano,*+ varume vanobvuma kuitwa vakadzi nevamwe varume,+ varume vanoita vamwe varume vakadzi,*+
10 mbavha, vanhu vane makaro,+ zvidhakwa,+ vanotuka, uye makororo, havazogari nhaka yeUmambo hwaMwari.+
11 Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena;+ makatsveneswa;+ makanzi makarurama+ muzita raShe wedu Jesu Kristu uye nemweya waMwari wedu.
12 Zvinhu zvese zvinobvumirwa kwandiri, asi hazvisi zvinhu zvese zvinobatsira.+ Zvinhu zvese zvinobvumirwa kwandiri, asi handibvumi kuitwa muranda nechimwe chinhu.
13 Zvekudya ndezvedumbu, uye dumbu nderezvekudya, asi Mwari achaparadza zvese zviri zviviri.+ Muviri hausi weupombwe,* asi ndewaShe,+ uye Ishe ndewemuviri.
14 Asi Mwari akamutsa Ishe+ uye achatimutsawo murufu+ nesimba rake.+
15 Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu?+ Saka ndingatora nhengo dzaKristu ndodzibatanidza nepfambi here? Hazviiti!
16 Hamuzivi here kuti munhu anobatanidzwa nepfambi anova muviri mumwe chete nayo? Nekuti iye anoti, “vaviri vacho vachava nyama imwe.”+
17 Asi wese anobatanidzwa naShe ari pamwe naye mumweya.+
18 Tizai upombwe!*+ Chimwe chivi chese chingaitwa nemunhu chiri kunze kwemuviri wake, asi wese anoita upombwe ari kutadzira muviri wake.+
19 Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi+ yemweya mutsvene uri mamuri, wakabva kuna Mwari?+ Uyewo, hamusi venyu pachenyu,+
20 nekuti makatengwa nemutengo.+ Saka kudzai Mwari+ nemiviri yenyu.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “ngochani.” ChiGir., “varume vanorara nevarume.”
^ Kureva, munhu anorara nemurume kana mudzimai asiri wake.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”
^ Kana kuti “Musanyengerwa.”
^ Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.