Dheuteronomi 33:1-29
33 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi munhu waMwari wechokwadi achikomborera vaIsraeri asati afa.+
2 Akati:
“Jehovha akauya achibva kuSinai,+Uye akavapenyera achibva kuSeiri.
Akapenya achibwinya kumakomo ekuParani,+Uye akanga aine makumi ezviuru evatsvene,+Kurudyi rwake kuine varwi vake.+
3 Aida vanhu vake;+Vatsvene vavo vese vari muruoko rwenyu.+
Vakanga vakagara patsoka dzenyu;+Vakatanga kuteerera mashoko enyu.+
4 (Mozisi akatipa murayiro, mutemo,+Senhaka yeungano yaJakobho.)+
5 Uye akava* mambo muJeshuruni,*+Vakuru vevanhu pavakaungana pamwe chete,+Pamwe nemadzinza ese aIsraeri.+
6 Rubheni ngaararame arege kufa,+Uye varume vake ngavarege kuva vashoma.”+
7 Uye akakomborera Judha nemashoko aya:+
“Haiwa Jehovha, inzwai inzwi raJudha,+Uye mudzosei kuvanhu vake.
Maoko ake akarwira zvinhu zvake,Uye mubatsirei kurwisa mhandu dzake.”+
8 NezvaRevhi akati:+
“Tumimu yenyu* neUrimu+ yenyu ndezvemurume akavimbika kwamuri,+Wamakaedza paMasa.+
Makatanga kurwisana naye pedyo nemvura yeMeribha,+
9 Murume akati kuna baba vake naamai vake, ‘Handina basa navo.’
Kunyange hama dzake haana kudzibvuma,+Uye haana kuva kurutivi rwevanakomana vake.
Nekuti akachengeta shoko renyu,Uye akachengeta sungano yenyu.+
10 Ngaadzidzise Jakobho mitongo yenyu+Uye ngaadzidzise Israeri Mutemo wenyu.+
Ngaape rusenzi kuti inhuhwirire zvakanaka kwamuri*+Nemupiro unopiswa wese paatari yenyu.+
11 Haiwa Jehovha, komborerai simba rake,Uye farirai basa remaoko ake.
Tyorai makumbo evaya* vanomupandukira,Kuti vaya vanomuvenga varege kusimukazve.”
12 NezvaBhenjamini akati:+
“Anodiwa naJehovha ngaagare akachengetwa naye;Paanenge akamudzivirira zuva rese,Achagara pakati pemapfudzi ake.”
13 NezvaJosefa akati:+
“Nyika yake ngaikomborerwe naJehovha+Nezvinhu zvakanaka chaizvo zvekudenga,Nedova uye nemvura yemuzvitubu zvakadzika,+
14 Nezvinhu zvakanakisisa zvinobudiswa nezuvaNegoho rakanakisisa remwedzi nemwedzi,+
15 Nezvinhu zvakanakisisa zvinobva mumakomo ekare kare*+Uye zvinhu zvakanakisisa zvemuzvikomo zvekare,
16 Nezvinhu zvakanakisisa zvenyika nezvizere mairi,+Uye nekubvumira kwaIye anogara mugwenzi reminzwa.+
Ngazviuye pamusoro waJosefa,Panhongonya yemunhu akatsaurwa kubva pahama dzake.+
17 Runako rwake rwakaita serwenzombe inotanga kuberekwa,Uye nyanga dzake inyanga dzenzombe yemusango.
Achatunga marudzi nadzoEse pamwe chete kusvikira kumigumo yenyika.
Ndivo makumi ezviuru aEfremu,+Uye ndivo zviuru zvaManase.”
18 NezvaZebhuroni akati:+
“Fara, haiwa iwe Zebhuroni, paunobuda,Newe Isakari, fara mumatende ako.+
19 Vachashevedza marudzi kuti auye kumakomo.
Ikoko vachabayira zvibayiro zvekururama.
Nekuti vachatora* pfuma papfuma yakawanda yemakungwaNepfuma yakavanzwa mujecha.”
20 NezvaGadhi akati:+
“Akakomborerwa munhu anowedzera miganhu yaGadhi.+
Anorara ipapo seshumba,Yakagadzirira kubvambura ruoko, kunyange nhongonya.
21 Achazvisarudzira mugove wekutanga,+Nekuti ikoko ndiko kwakachengetwa mugove wemunhu anopa mitemo.+
Vakuru vevanhu vachaungana.
Achatonga zvakarurama achimiririra Jehovha,Uye achapa mitongo yake kuna Israeri.”
22 NezvaDhani+ akati:
“Dhani mwana weshumba.+
Achakwakuka achibva muBhashani.”+
23 NezvaNaftari akati:+
“Naftari anogutswa nekufarirwaUye akazara nechikomborero chaJehovha.
Tora kumavirira nekumaodzanyemba.”
24 NezvaAsheri akati:+
“Asheri akakomborerwa nevanakomana.
Ngaafarirwe nehama dzake,Uye ngaanyudze* tsoka dzake mumafuta.
25 Simbi nemhangura ndiwo makiyi emagedhi ako,+Uye uchange wakachengeteka mazuva ako ese.*
26 Hakuna mumwe akaita saMwari wechokwadi+ waJeshuruni,+Anofamba nemudenga achiuya kuzokubatsiraUye anotasva makore muukuru hwake.+
27 Mwari inzvimbo yekupotera kubvira kare kare,+Maoko ake asingagumi ari pasi pako.+
Uye achadzinga muvengi pamberi pako,+Uye achati, ‘Vaparadzei!’+
28 Israeri achagara akachengeteka,Uye chisipiti chaJakobho chichagara chiri kwacho chegaMunyika yezviyo newaini itsva,+Ine denga richadonha dova.+
29 Unofara, haiwa iwe Israeri!+
Ndiani ariko akaita sewe,+Rudzi ruri kufadzwa nekuponeswa naJehovha,+Uyo anokudzivirira senhoo+Uye sebakatwa rako rinokudzwa?
Vavengi vako vachadedera pamberi pako,+Uye uchatsika misana yavo.”*
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, Mwari.
^ Kureva kuti “Akarurama; Akatendeseka,” zita rekuremekedza raIsraeri.
^ Kureva, yaMwari.
^ ChiHeb., “mumhino dzenyu.”
^ Kana kuti “hudyu dzevaya.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “mumakomo ekumabvazuva.”
^ ChiHeb., “vachayamwa.”
^ Kana kuti “ngaageze.”
^ ChiHeb., “Uye simba rako richafanana nemazuva ako.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo dzavo dzakakwirira.”