Dheuteronomi 8:1-20
8 “Munofanira kuchenjerera kuti muchengete mirayiro yese yandiri kukupai nhasi, kuti murambe muchirarama+ uye muwande, mupinde munyika yakapikirwa madzitateguru enyu naJehovha moitora.+
2 Yeukai nzira yakareba yamakafambiswa nayo naJehovha Mwari wenyu kwemakore 40 aya murenje,+ achida kukuninipisai uye kukuedzai+ kuti azive zvaiva mumwoyo menyu,+ kuti maizochengeta mirayiro yake here kana kuti kwete.
3 Saka akakuninipisai, akakuregai muchinzwa nzara,+ akakupai mana+ kuti mudye, yamakanga musina kuziva imi kana madzibaba enyu, kuti muzive kuti munhu haararami nechingwa chete, asi kuti munhu anorarama nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.+
4 Zvipfeko zvenyu hazvina kusakara, uye tsoka dzenyu hadzina kuzvimba kwemakore 40 aya.+
5 Munonyatsoziva mumwoyo menyu kuti sekururamisa kunoita munhu mwanakomana wake, Jehovha Mwari wenyu aikururamisai.+
6 “Saka munofanira kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nekufamba munzira dzake uye nekumutya.
7 Nekuti Jehovha Mwari wenyu ari kukupinzai munyika yakanaka,+ nyika ine hova dzemvura, zvitubu nezvisipiti zvinoyerera mubani nemumakomo,
8 nyika yegorosi nebhari, yemizambiringa, mionde, nemipomegraneti,+ nyika yemafuta emaorivhi neuchi,+
9 nyika isingazoshayikwi zvekudya uye isina chamunozoshayiwa, nyika ine matombo ane simbi uye yamuchachera mhangura mumakomo ayo.
10 “Pamunenge madya maguta, munofanira kurumbidza Jehovha Mwari wenyu nekuti akakupai nyika yakanaka.+
11 Chenjererai kuti musakanganwa Jehovha Mwari wenyu nekutadza kuchengeta mirayiro yake, nemitongo yake, nemirau yake yandiri kukurayirai nhasi.
12 Pamunodya moguta, uye movaka dzimba dzakanaka, mogara madziri,+
13 mombe dzenyu nemakwai enyu zvowedzera, uye sirivha yenyu negoridhe zvowedzera, zvinhu zvenyu zvese zvowanda,
14 musarega mwoyo yenyu ichizvikudza+ yoita kuti mukanganwe Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti, muimba yeuranda,+
15 akakufambisai nemurenje guru rinotyisa,+ maiva nenyoka dzine uturu, nemarize,* nevhu rakaoma risina mvura. Akaita kuti mvura ibude padombo rakaomarara+
16 uye akakupai mana+ murenje kuti mudye, yakanga isina kuzivikanwa nemadzibaba enyu, kuti akuninipisei+ uye kuti akuedzei kuti zvizokubatsirai mune ramangwana.+
17 Kana mukazoti mumwoyo menyu, ‘Pfuma iyi ndakaiwana nesimba rangu nemaoko angu,’+
18 yeukai kuti ndiJehovha Mwari wenyu anopa simba rekuti muwane pfuma,+ kuti azadzise sungano yake yaakapikira madzitateguru enyu, sezvazvakaita nhasi.+
19 “Kana mukangokanganwa Jehovha Mwari wenyu, motevera vamwe vanamwari movashumira uye movakotamira, ndinokupupurirai nhasi kuti chokwadi muchaparara.+
20 Muchaparara semarudzi ari kuparadzwa naJehovha pamberi penyu, nekuti munenge maramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “nezvinyavada.”