Ezekieri 6:1-14

  • Kuprofita pamusoro pemakomo eIsraeri (1-14)

    • Zvidhori zvinosemesa zvichashaya basa (4-6)

    • “Muchaziva kuti ndini Jehovha” (7)

6  Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti:  “Mwanakomana wemunhu, tarisa kumakomo eIsraeri uprofite pamusoro pawo.  Unofanira kuti, ‘Haiwa imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha: Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kumakomo, kuzvikomo, kuhova, nekumapani: “Inzwai! Ndichaunza bakatwa rekukurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.  Atari dzenyu dzichaparadzwa, zvigadziko zvenyu zvekupisira rusenzi zvichaputswa,+ uye ndichakanda vanhu venyu vanenge vaurayiwa pamberi pezvidhori zvenyu zvinosemesa.*+  Ndichakanda zvitunha zvevanhu veIsraeri pamberi pezvidhori zvavo zvinosemesa, uye ndichaparadzira mapfupa enyu kumativi ese eatari dzenyu.+  Kwese kwamunogara, maguta achaparadzwa,+ uye nzvimbo dzakakwirira dzichaputswa, dzova matongo.+ Atari dzenyu dzichaparadzwa uye dzichaputswa, zvidhori zvenyu zvinosemesa zvichaparara, zvigadziko zvenyu zvekupisira rusenzi zvichaputswa uye zvamakagadzira zvichatsvairwa.  Uye vanhu vanenge vaurayiwa vachati rabada pakati penyu,+ uye muchaziva kuti ndini Jehovha.+  “‘“Asi ndichasiya vamwe, nekuti vamwe venyu vachapukunyuka bakatwa pakati pemarudzi, pamuchange mapararira nenyika.+  Uye vaya vanopukunyuka vachandiyeuka vari pakati pemarudzi anenge avatapa.+ Vachaziva kuti ndakarwadziswa nemwoyo yavo isina kutendeka,* iyo yakatsauka ichindisiya+ uye nemaziso avo ane ruchiva anotevera zvidhori zvavo zvinosemesa.+ Vachanyara uye vachasemeswa nezvinhu zvakaipa uye zvinosemesa zvavakaita.+ 10  Vachaziva kuti ndini Jehovha uye kuti mashoko angu ekuti ndichaunza dambudziko akanga asiri ekunyepa.”’+ 11  “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ombera, ubinhe pasi netsoka yako, ucheme nekuda kwezvinhu zvese zvakaipa uye zvinosemesa zvakaitwa neimba yaIsraeri, nekuti vachaurayiwa nebakatwa, nenzara, nedenda.+ 12  Munhu ari kure achafa nedenda, munhu ari pedyo achaurayiwa nebakatwa, uye munhu wese achapona pazvinhu izvi, osara ari mupenyu, achafa nenzara. Ndichanyatsoratidza hasha dzangu pavari.+ 13  Uye muchaziva kuti ndini Jehovha,+ kana vanourayiwa vavo vati rabada pakati pezvidhori zvavo zvinosemesa, kumativi ese eatari dzavo,+ pamusoro pezvikomo zvese zvakakwirira, pamusoro pemakomo ese, nepasi pemiti yese yakasvibirira, nepasi pemapazi emiti mikuru yese pavakapira zvinonhuhwirira kuti vafadze zvidhori zvavo zvese zvinosemesa.+ 14  Ndichavatambanudzira ruoko rwangu, ndoita kuti nyika yacho ive dongo, uye nzvimbo dzavo dzese dzavanogara dzichasara dzisina chinhu kupfuura renje riri pedyo neDhibra. Uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

Mashoko Emuzasi

Shoko racho rechiHebheru rinogona kunge rakafanana neshoko rinoshandurwa kuti “ndove” uye rinoshandiswa pakuzvidza.
Kana kuti “inoda unzenza; inoda upfambi.”