Genesisi 20:1-18
-
Sara anonunurwa kubva kuna Abhimereki (1-18)
20 Abrahamu akabva atamisa musasa wake kubva ipapo,+ akaenda kunyika yeNegebhu, akatanga kugara pakati peKadheshi+ neShuri.+ Paakanga achigara* muGerari,+
2 Abrahamu akatizve nezvaSara mudzimai wake: “Ihanzvadzi yangu.”+ Saka Abhimereki mambo weGerari akatumira shoko kuti aunzirwe Sara, akabva amutora.+
3 Mwari akazouya kuna Abhimereki kuhope usiku akati kwaari: “Wangofanana nemunhu akafa nemhaka yemukadzi wawatora,+ nekuti akaroorwa, mukadzi wemunhu.”+
4 Asi Abhimereki akanga asina kuswedera pedyo naye.* Saka akati: “Jehovha, mungauraya rudzi rusina mhosva* here?
5 Handiti ndiye akati kwandiri, ‘Ihanzvadzi yangu,’ naiyewo mukadzi wacho akati, ‘Ihanzvadzi yangu’? Izvi ndakazviita ndisina pfungwa yekuita zvakaipa uye handina kumboziva kuti ndiri kukanganisa.”*
6 Mwari wechokwadi akabva ati kwaari kuhope: “Ndinoziva kuti wakazviita usina pfungwa yekuita zvakaipa, saka ndakakudzivisa kuti urege kunditadzira. Ndokusaka ndisina kukubvumira kumubata.
7 Iye zvino chimudzorera mudzimai wake nekuti murume wacho muprofita,+ uye achakunyengeterera+ uye iwe ucharamba uchirarama. Asi kana ukasamudzorera, ziva kuti zvechokwadi uchafa, pamwe nevanhu vako vese.”
8 Abhimereki akafumomuka, akashevedza vashandi vake vese, akavaudza zvese izvi, uye vakatya zvikuru.
9 Abhimereki akabva ashevedza Abrahamu akati kwaari: “Chiiko chawakatiitira ichi? Ndakakutadzirei zvekuti ungaunza chivi chikuru kudaro pandiri nepaumambo hwangu? Zvawakandiitira hazvina kunaka.”
10 Abhimereki akaenderera mberi achiti kuna Abrahamu: “Wakazviitireiko?”+
11 Abrahamu akati: “Ndakazviita nekuti ndakafunga kuti, ‘Chokwadi munzvimbo ino hamuna vanhu vanotya Mwari, saka vachandiuraya kuti vatore mudzimai wangu.’+
12 Asi pasinei naizvozvo, iye ihanzvadzi yangu zvechokwadi, mwanasikana wababa vangu, asi vanaamai vedu vakasiyana, uye akazova mudzimai wangu.+
13 Saka Mwari paakaita kuti ndifambe nenyika ndichibva muimba yababa vangu,+ ndakaudza mudzimai wangu kuti: ‘Aya ndiwo maratidziro auchaita kuti unonyatsondida:* Kwese kwatichaenda, iti nezvangu, “Ihanzvadzi yangu.”’”+
14 Abhimereki akabva atora makwai nemombe uye vashandirume nevashandikadzi akazvipa Abrahamu, uye akamudzorera mudzimai wake Sara.
15 Abhimereki akatiwo: “Unogona hako kugara munyika yangu. Gara chero paunoda.”
16 Uye kuna Sara akati: “Ona ndiri kupa hanzvadzi yako+ masirivha 1 000. Ichi chiratidzo chekuti hauna mhosva* kuvanhu vese vauinavo uye pamberi pevamwe vese, uye hapana achakushora.”
17 Abrahamu akateterera Mwari wechokwadi, uye Mwari akaporesa Abhimereki nemudzimai wake nevarandasikana vake, vakatanga kubereka vana;
18 nekuti Jehovha akanga aita kuti vakadzi vese veimba yaAbhimereki vasabata pamuviri* nemhaka yaSara, mudzimai waAbrahamu.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “achigara semutorwa.”
^ Kureva kuti akanga asina kurara naye.
^ Kana kuti “rwakarurama.”
^ Kana kuti “nemwoyo wakatendeseka uye nemaoko asina mhosva.”
^ Kana kuti “une rudo rusingachinji.”
^ ChiHeb., “Iyo chinhu chekufukidzisa maziso ako.”
^ Kana kuti “akanga avhara zvachose zvibereko zvese zvevakadzi veimba yaAbhimereki.”