Jeremiya 23:1-40

  • Vafudzi vakanaka nevakaipa (1-4)

  • Kugara vakachengeteka vachitungamirirwa “nenhungirwa yakarurama” (5-8)

  • Vaprofita venhema vanoshorwa (9-32)

  • “Mutoro” waJehovha (33-40)

23  “Vane nhamo vafudzi vari kuparadza nekuparadzira makwai emafuro angu!” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+  Saka zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro pevafudzi vari kufudza vanhu vangu: “Makaparadzira makwai angu; makaramba muchiaparadzira, uye hamuna kufunga nezvawo.”+ “Saka ndichakurangai nekuda kwezvakaipa zvamakaita,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.  “Ndichabva ndaunganidza makwai angu akasara kubva kunyika dzese dzandakaaparadzira kwadziri,+ ndoadzosa kumafuro awo,+ uye achabereka owanda.+  Ndichaita kuti ave nevafudzi vachaafudza nemazvo.+ Haazotyizve kana kuvhundutswa, uye hapana richashayikwa,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.  “Mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “andichaita kuti Dhavhidhi ave nenhungirwa yakarurama.*+ Uye mambo achatonga+ uye acharatidza njere, achitonga zvakanaka munyika yacho uye achiita kuti muve nekururama.+  Pamazuva ake Judha achaponeswa,+ uye Israeri achagara akachengeteka.+ Achashevedzwa nezita rekuti: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.”+  “Zvisinei, mazuva achasvika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “pavasingazotizve: ‘NaJehovha mupenyu akabudisa vaIsraeri munyika yeIjipiti!’+  asi vachati, ‘NaJehovha mupenyu, akabudisa uye akadzosa vanhu veimba yaIsraeri kubva kunyika yekuchamhembe nekunyika dzese dzandakanga ndavaparadzira kwadziri.’ Uye ivo vachagara munyika yavo.”+  Aya ndiwo mashoko angu kuvaprofita: Mwoyo wangu uri kurwadziwa kwazvo. Mapfupa angu ese ari kudedera. Ndakangofanana nemurume akadhakwa,Nemurume akurirwa newaini,Nekuda kwaJehovha uye nekuda kwemashoko ake matsvene. 10  Nekuti nyika yazara nemhombwe;+Kutukwa kwaita kuti nyika icheme+Uye kuti mafuro emurenje aome.+ Nzira yavo yakaipa uye vanoshandisa simba ravo zvisina kunaka. 11  “Muprofita nemupristi vasvibiswa.*+ Kunyange muimba yangu chaimo ndakatowana zvakaipa zvavo,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 12  “Saka gwara ravo richatsvedza uye richava nerima;+Vachasundidzirwa uye vachawa. Nekuti ndichavaunzira dambudzikoMugore rekutongwa,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 13  “Ndakaona zvinhu zvisingatarisiki muvaprofita vekuSamariya.+ Zvavanoprofita ndezvaBhaari,Uye vanoita kuti vanhu vangu vaIsraeri varasike. 14  Uye ndakaona zvinhu zvinosemesa muvaprofita vemuJerusarema. Vanoita upombwe+ uye vanofamba munhema;+Vanosimbisa vanhu vanoita* zvakaipa,Uye havasiyi zvakaipa zvavo. Kwandiri vese zvavo vaita seSodhomu,+Uye vagari varo vakaita seGomora.”+ 15  Saka zvanzi naJehovha wemauto pamusoro pevaprofita vacho: “Ndiri kuita kuti vadye kamuti kanovava,Uye ndiri kuvapa mvura ine muchetura kuti vanwe.+ Nekuti kutsauka kwazara munyika yese kuchibva kuvaprofita vemuJerusarema.” 16  Zvanzi naJehovha wemauto: “Musateerera mashoko evaprofita vari kukuprofitirai.+ Vari kukunyeperai.* Vari kukuudzai zviratidzo zviri kubva mumwoyo yavo,+Kwete mumuromo maJehovha.+ 17  Vari kutaura vataurazve nevaya vasingandiremekedzi vachiti,‘Jehovha ati: “Muchava nerugare.”’+ Uye kumunhu wese anotevera mwoyo wake wakaoma vanoti,‘Hapana dambudziko richakuwira.’+ 18  Nekuti ndiani akamira pane vari pedyo pedyo naJehovhaKuti aone uye anzwe shoko rake? Ndiani akateerera shoko rake kuti arinzwe? 19  Inzwai! Dutu raJehovha richabuda nehasha;Richatenderera pamisoro yevakaipa sechamupupuri chine simba.+ 20  Kutsamwa kwaJehovha hakuzodzokiKusvikira aita zviri mumwoyo make uye azvipedza. Muchanyatsozvinzwisisa mumazuva ekupedzisira. 21  Handina kutuma vaprofita vacho, asi ivo vakamhanya. Handina kutaura navo, asi ivo vakaprofita.+ 22  Asi kudai vakanga vamira pane vari pedyo pedyo neni,Vangadai vakaita kuti vanhu vangu vanzwe mashoko anguUye vangadai vakaita kuti vatendeuke panzira yavo yakaipa uye pazvakaipa zvavo.”+ 23  “Ndinongova Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “kwete Mwari ari kurewo here?” 24  “Pane murume angahwanda panzvimbo yakavandika yandisingamuoni here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Handizadzi denga nenyika here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 25  “Ndanzwa vaprofita vari kuprofita nhema muzita rangu vachiti, ‘Ndarota hope! Ndarota hope!’+ 26  Izvi zvekuprofita nhema zvicharamba zviri mumwoyo yevaprofita ava kusvikira riini? Vanoprofita zvinobva pakunyengera kwemwoyo yavo.+ 27  Vari kuda kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu nehope dzavanoudzana, sekukanganwa kwakaita madzibaba avo zita rangu nemhaka yaBhaari.+ 28  Muprofita arota ngaarondedzere hope dzacho, asi uya ane shoko rangu ngaataure shoko rangu pachokwadi.” “Mashanga akafanana papi nezviyo?”* ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 29  “Shoko rangu harina kungoita semoto here,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “uye sesando inopwanya dombo?”+ 30  “Saka ndinopesana nevaprofita vacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “vaya vari kubirana mashoko angu.”+ 31  “Ndiri kupesana nevaprofita vacho,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “vaya vanoshandisa rurimi rwavo kuti vati, ‘Azivisa kuti!’”+ 32  “Ndiri kupesana nevaprofita vanorota hope dzenhema,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “avo vanodzirondedzera votsausa vanhu vangu nenhema dzavo uye nekuzvirumbidza kwavo.”+ “Asi ini handina kuvatuma kana kuvarayira. Saka hapana kana chavachabatsira vanhu ava,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 33  “Uye vanhu ava kana muprofita kana mupristi pavanokubvunza kuti, ‘Mutoro waJehovha* chii?’ iwe uvapindure kuti, ‘“Ndimi mutoro wacho! Uye ndichakurasai,”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.’ 34  Kana ari muprofita kana mupristi kana vanhu vanoti, ‘Uyu ndiwo mutoro waJehovha!’* Ndichafunga nezvemurume iyeye uye nezveimba yake. 35  Mumwe nemumwe wenyu ari kuti kune mumwe wake uye kuhama yake, ‘Jehovha apindura kuti chii? Uye Jehovha ataurei?’ 36  Asi musataurazve nezvemutoro waJehovha, nekuti mutoro wacho ishoko rinotaurwa nemumwe nemumwe, uye makachinja mashoko aMwari mupenyu, Jehovha wemauto, Mwari wedu. 37  “Uti kumuprofita wacho, ‘Jehovha akupindurei? Uye Jehovha ataurei? 38  Uye kana mukaramba muchiti, “Mutoro waJehovha!”* zvanzi naJehovha: “Nemhaka yekuti munoti, ‘Shoko iri ndiro mutoro waJehovha,’ pasinei nekuti ndakuudzai kuti, ‘Musati: “Mutoro waJehovha!”’ 39  inzwai, ndichakusimudzai ndokukandai kure neni, imi neguta randakapa madzitateguru enyu. 40  Ndichaunza pamuri kuzvidzwa kusingaperi uye kunyadziswa kusingaperi, zvisingazokanganwiki.”’”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “nemugari wenhaka akarurama.”
Kana kuti “vapanduka.”
ChiHeb., “Vanosimbisa maoko evanoita.”
Kana kuti “Vari kuita kuti mutarisire zvinhu zvekunyepa.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “Mashoko aJehovha akaita semutoro.” Shoko racho rechiHebheru rinoreva zvinhu zviviri: “mutongo waMwari une simba” kana kuti “chinhu chinorema.”
Kana kuti “Aya ndiwo mashoko aJehovha akaita semutoro.”
Kana kuti “Mashoko aJehovha akaita semutoro.”