Jona 3:1-10
3 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Jona kechipiri, richiti:+
2 “Simuka uende kuNinivhi+ guta guru, unorizivisa shoko randinokuudza.”
3 Saka Jona akasimuka akaenda kuNinivhi+ sezvaakanga audzwa naJehovha.+ Zvino Ninivhi yaiva guta rakakura chaizvo,* raitoda mazuva matatu kuti ufambe kusvika kwaraiperera.
4 Jona akabva apinda muguta racho, uye akaita rwendo rwezuva rimwe chete muguta racho achizivisa kuti: “Kwangosara mazuva 40 kuti Ninivhi iparadzwe.”
5 Vanhu vemuNinivhi vakabva vatenda muna Mwari,+ uye vakazivisa kuti vanhu vatsanye. Vakapfeka masaga, kubva kumukuru kusvika kumudiki.
6 Shoko racho parakasvika kuna mambo weNinivhi, akasimuka pachigaro chake cheumambo, akabvisa nguo yake yeumambo, akapfeka masaga, akagara mumadota.
7 Akaitawo kuti muNinivhi yese muziviswe kuti,“Mambo nemakurukota ake varayira kuti: Hapana munhu kana chipfuwo, kana mombe kana makwai, zvinofanira kudya chinhu. Hapana munhu kana chipfuwo chinofanira kudya kana kunwa mvura.
8 Vanhu ngavapfeke masaga pamwe chete nezvipfuwo; uye ngavashevedzere nemwoyo wese kuna Mwari uye ngavasiye nzira dzavo dzakaipa nemhirizhonga yavari kuita.
9 Zvimwe Mwari wechokwadi achachinja pfungwa dzake,* kutsamwa kwake kukuru kwopera, isu torega kuparara.”
10 Mwari wechokwadi paakaona zvavakanga vaita, kuti vakanga vasiya nzira dzavo dzakaipa,+ akachinja pfungwa dzake* pamusoro pedambudziko raakanga ati achaunza, uye haana kuzoriunza.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “guta guru kuna Mwari.”
^ Kana kuti “achazvidemba.”
^ Kana kuti “akazvidemba.”