Joshua 20:1-9
-
Maguta ekupotera (1-9)
20 Jehovha akabva ati kuna Joshua:
2 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Sarudzai maguta enyu ekupotera+ andakataura nezvawo kwamuri ndichishandisa Mozisi,
3 kuti munhu anouraya mumwe munhu* asingaiti nemaune kana kuti anouraya netsaona* atizire ikoko. Uye maguta acho ndiwo amuchapotera pamunotiza mutsivi weropa.+
4 Anofanira kutizira kune rimwe remaguta aya,+ omira pagedhi reguta racho,+ otaura nyaya yake kuvakuru veguta racho. Vanofanira kubva vamugamuchira muguta racho vomupa nzvimbo kuti agare navo.
5 Kana mutsivi weropa akamudzingirira, havafaniri kuisa munhu wacho anenge auraya mumaoko ake, nekuti akauraya mumwe wake netsaona,* uye akanga asingamuvengi.+
6 Anofanira kugara muguta iroro kusvikira amira pamberi peungano kuti atongwe,+ oramba ari imomo kusvikira mupristi mukuru anenge aripo panguva iyoyo afa.+ Zvadaro anogona hake kudzokera kuguta raakatiza, uye anogona kupinda muguta rake uye mumba make.’”+
7 Saka vakasarudza* Kedheshi+ iri muGarireya munyika ine makomo yaNaftari, Shekemu+ iri munyika ine makomo yaEfremu, neKiriyati-abha,+ kureva Hebroni, iri munyika ine makomo yaJudha.
8 Munharaunda yeJodhani, kumabvazuva kweJeriko, vakasarudza Bhezeri+ iri mugwenga panzvimbo yakakwirira uye yakati sandara munyika yedzinza raRubheni, Ramoti+ iri muGiriyedhi munyika yedzinza raGadhi, neGorani+ iri muBhashani munyika yedzinza raManase.+
9 Aya ndiwo maguta akasarudzwa kuitira kuti pavaIsraeri vese kana kuti pavatorwa vavaigara navo, pakawana munhu aiuraya mumwe munhu* netsaona, aitizira ikoko,+ orega kuurayiwa nemutsivi weropa asati atongwa neungano.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “anouraya mweya.”
^ Kana kuti “asingazivi.”
^ Kana kuti “asingazivi.”
^ Kana kuti “vakatsvenesa.”
^ Kana kuti “mweya.”