Mapisarema 104:1-35
104 Regai ndirumbidze* Jehovha.+
Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo.+
Makapfeka ukuru* nekubwinya.+
2 Makaputirwa nechiedza+ sekunge makaputirwa nechipfeko;Munotambanudza matenga sejira retende.+
3 Anomisa matanda edzimba dzake dzepamusoro mumvura iri kumusoro,+Achiita kuti makore ave ngoro yake,+Achifamba ari pamapapiro emhepo.+
4 Anoita kuti ngirozi dzake dzive nesimba,*Vashumiri vake vave moto unoparadza.+
5 Akamisa nyika panheyo dzayo;+Haizombobviswi panzvimbo payo* nariini nariini.+
6 Makaifukidza nemvura yakadzika sekunge yakafukidzwa nechipfeko.+
Mvura yakamira pamusoro pemakomo.
7 Pamakaituka yakatiza;+Pakanzwika kutinhira kwenyu, yakavhunduka ikatiza,
8 Makomo achikwira+ uye mapani achidzika,Iyo ichienda kunzvimbo yamakaigadzirira.
9 Makaisa muganhu waisingafaniri kupfuura,+Kuti isazofukidza nyika zvakare.
10 Anotuma zvitubu mumipata;Zvinoyerera nepakati pemakomo.
11 Zvinopa mhuka dzese dzemusango mvura;Madhongi emusango anopedza nyota yawo.
12 Shiri dzedenga dzinogara pamusoro pazvo;Dzinoimba dziri mumashizha emiti akasvibira.
13 Iye anodiridza makomo ari mudzimba dzake dzepamusoro.+
Nyika inogutswa nezvibereko zvemabasa enyu.+
14 Anomeresera mombe uswaUye miti yekuti vanhu vashandise,+Kuti varime zvekudya panyika
15 Newaini inoita kuti mwoyo wemunhu ufare,+Mafuta anopenyesa chiso,Nechingwa chinosimbisa mwoyo wemunhu.+
16 Miti yaJehovha inogutswa,Misidhari yekuRebhanoni yaakadyara,
17 Munovakira shiri matendere.
Imba yeshuramurove+ iri mumiti yemijunipa.
18 Makomo marefu ndeembudzi dzemumakomo;+Mabwe inzvimbo yekupotera yembira.+
19 Akaita kuti mwedzi utare nguva;Zuva rinonyatsoziva nguva yaro yekuvira.+
20 Munounza rima kwobva kwasviba,+Mhuka dzese dzemusango dzotanga kufamba-famba.
21 Shumba dzine simba* dzinodzvova dzichitsvaga nyama+Uye dzinotsvaga zvekudya zvadzo kuna Mwari.+
22 Zuva parinobuda,Dzinodzokera dzonorara mumapako adzo.
23 Munhu anoenda kubasa kwake,Uye anoshanda kusvikira manheru.
24 Haiwa Jehovha, mabasa enyu akawanda chaizvo!+
Makaaita ese neuchenjeri.+
Nyika yakazara nezvinhu zvamakaita.
25 Kune gungwa, iro rakakura uye rakafara kwazvo,Rakazara nezvinhu zvipenyu zvisingaverengeki, zvikuru nezvidiki.+
26 Ngarava dzinofamba imomo,Uye Revhiatani,*+ yamakasika kuti itambire imomo.
27 Zvese zvinokumiriraiKuti muzvipe zvekudya zvazvo mumwaka wazvo.+
28 Zvinounganidza zvamunozvipa.+
Pamunovhura ruoko rwenyu, zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.+
29 Pamunovanza chiso chenyu, zvinonetseka.
Kana mukabvisa simba razvo reupenyu,* zvinofa, zvodzokera kuguruva.+
30 Mukatuma mweya wenyu, izvo zvinosikwa,+Uye munoita kuti pasi pave patsva zvakare.
31 Kubwinya kwaJehovha kucharamba kuripo nekusingaperi.
Jehovha achafarira mabasa ake.+
32 Anotarisa nyika, yodedera;Anobata makomo, opfungaira.+
33 Ndichaimbira Jehovha+ upenyu hwangu hwese;Ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu* chero bedzi ndiri mupenyu.+
34 Zvandinofunga ngazvimufadze.*
Ini ndichafara muna Jehovha.
35 Vatadzi vachanyangarika panyika,Uye vakaipa vachange vasisipo.+
Regai ndirumbidze* Jehovha. Rumbidzai Jah!*
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kukudzwa.”
^ Kana kuti “Mweya wangu ngaurumbidze.”
^ Kana kuti “dzive mweya ine simba.”
^ Kana kuti “Haizombozununguswi.”
^ Kana kuti “Shumba dzava nezenze.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “mweya wazvo.” Shoko racho rechiHebheru nderekuti ru′ach. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Ndicharidzira Mwari wangu rwiyo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Kufungisisa kwangu nezvake ngakuve kunofadza.”
^ Kana kuti “Mweya wangu ngaurumbidze.”
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.