Mapisarema 105:1-45
105 Ongai Jehovha,+ danai zita rake,Zivisai mabasa ake pakati pemarudzi!+
2 Muimbirei, imbai muchimurumbidza,*Fungisisai mabasa* ake ese anoshamisa.+
3 Zvirumbidzei pamusoro pezita rake dzvene.+
Mwoyo yevaya vari kutsvaga Jehovha ngaifare.+
4 Tsvagai Jehovha+ uye simba rake.
Tsvagai chiso chake* nguva dzese.
5 Yeukai mabasa anoshamisa aakaita,Zvishamiso zvake nemitongo yaakazivisa,+
6 Imi vana* vemushumiri wake Abrahamu,+Imi vanakomana vaJakobho, vakasarudzwa.+
7 Ndiye Jehovha Mwari wedu.+
Mitongo yake iri munyika yese.+
8 Anoyeuka sungano yake nekusingaperi,+Vimbiso yaakaita* kuzvizvarwa zvine chiuru,+
9 Sungano yaakaita naAbrahamu,+Nemhiko yaakapika kuna Isaka,+
10 Yaakadzika semurau kuna JakobhoUye sesungano inogara nekusingaperi kuna Israeri,
11 Achiti, “Ndichakupa nyika yeKenani+Kuti ive nhaka yako yawakapiwa.”+
12 Izvi zvakaitika pavakanga vari vashoma,+Vari vashomanana, uye vari vatorwa munyika yacho.+
13 Vaifamba vachibva kune rumwe rudzi vachienda kune rumwe,Vachibva kune humwe umambo vachienda kune vamwe vanhu.+
14 Haana kurega mumwe munhu achivadzvinyirira,+Asi akatsiura madzimambo nekuda kwavo,+
15 Achiti, “Musabata vazodziwa vangu,Uye musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”+
16 Akaita kuti nzara ive panyika;+Akaita kuti vasawane chingwa.*
17 Akafanotuma mumwe murume mberi kwavo,Josefa, uyo akatengeswa kuti ave nhapwa.+
18 Vakasunga* tsoka dzake nezvisungo,+Mutsipa wake wakasungwa nesimbi;
19 Kusvikira shoko rake raratidza kuti nderechokwadi,+Zvakataurwa naJehovha ndizvo zvakamunatsa.
20 Mambo akatumira shoko kuti asunungurwe,+Mutongi wemarudzi akamusunungura.
21 Akamugadza kuti ave tenzi weimba yake,Mutongi wezvinhu zvake zvese,+
22 Kuti ave nesimba pamusoro pemachinda* ake sezvaaida*Uye kuti adzidzise vakuru vake uchenjeri.+
23 Israeri akabva auya muIjipiti,+Uye Jakobho akagara ari mutorwa munyika yaHamu.
24 Mwari akaita kuti vanhu vake vabereke kwazvo;+Akaita kuti vave nesimba kupfuura mhandu dzavo,+
25 Dzaakarega dzichichinja mwoyo kuti dzivenge vanhu vake,Kuti dzirongere vashumiri vake zvakaipa.+
26 Akatuma mushumiri wake Mozisi,+Uye Aroni,+ waakanga asarudza.
27 Vakaita zviratidzo zvake pakati pavo,Zvishamiso zvake munyika yaHamu.+
28 Akatuma rima, nyika ikasviba;+Havana kupandukira mashoko ake.
29 Akashandura mvura yavo ikava ropa,Akauraya hove dzavo.+
30 Nyika yavo yakazara matatya,+Kunyange mudzimba dzamambo dzemukati.
31 Akarayira kuti mbuo* dziuyeUye kuti unyunyu huuye munharaunda dzavo dzese.+
32 Akachinja mvura yavo ikava chimvuramabweUye akatuma mheni* panyika yavo.+
33 Akarova mizambiringa yavo nemionde yavoUye akaparadza miti yemunharaunda yavo.
34 Akataura kuti mhashu dziuye,Mhashu diki dzisingaverengeki.+
35 Dzakadya zvinomera zvese zvemunyika yacho,Uye dzakadya zvibereko zvenyika.
36 Akabva arova matangwe ese emunyika yavo,+Iko kutanga kwesimba ravo rekubereka.
37 Akabudisa vanhu vake vaine sirivha negoridhe;+Uye pamadzinza ake hapana munhu akagumburwa achifamba.
38 Ijipiti yakafara pavakabuda,Nekuti yakanga yava kuvatya.+
39 Akatambanudza gore kuti rivavharidzire,+Nemoto kuti uvape chiedza usiku.+
40 Vakakumbira, akaunza zvihuta;+Akaramba achivagutsa nechingwa chaibva kudenga.+
41 Akavhura dombo, mvura ikayerera;+Yakayerera nemugwenga serwizi.+
42 Nekuti akayeuka vimbiso tsvene yaakaita kumushumiri wake Abrahamu.+
43 Saka akabudisa vanhu vake vachipembera nemufaro,+Vanhu vake vaakasarudza vachishevedzera nemufaro.
44 Akavapa nyika dzemamwe marudzi;+Vakagara nhaka zvinhu zvakanga zvashandirwa zvakaoma nemamwe marudzi,+
45 Kuti vachengete mirau yake+Nekuchengeta mitemo yake.
Rumbidzai Jah!*
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Taurai nezvemabasa.”
^ Kana kuti “muridzirei rwiyo.”
^ Kana kuti “Tsvagai kuva pamberi pake.”
^ Kana kuti “vazukuru.” ChiHeb., “mbeu.”
^ ChiHeb., “Shoko raakarayira.”
^ ChiHeb., “Akatyora tumiti twese twechingwa.” Zvingava zvichireva tumiti twaiisirwa chingwa.
^ ChiHeb., “Vakarwadzisa.”
^ Kana kuti “sezvaidiwa nemweya wake.”
^ ChiHeb., “Kuti asunge machinda.”
^ Aka kachipukanana kakaita senhunzi kanoruma.
^ Kana kuti “marimi emoto.”
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.