Mapisarema 147:1-20
147 Rumbidzai Jah!*
Zvakanaka kuimbira Mwari wedu tichimurumbidza;Zvinofadza uye zvakakodzera kumurumbidza!+
2 Jehovha ari kuvaka Jerusarema;+Anounganidza vanhu vakapararira vaIsraeri.+
3 Anoporesa vakaora mwoyo;Anosunga maronda avo.
4 Anoverenga uwandu hwenyeredzi;Anodzishevedza dzese nemazita.+
5 Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;+Kunzwisisa kwake hakugoni kuyerwa.+
6 Jehovha anosimudza vanyoro,+Asi anokandira vakaipa pasi.
7 Imbirai Jehovha muchimuonga;Imbai muchirumbidza Mwari wedu nerudimbwa,
8 Uyo anofukidza matenga nemakore,Uyo anopa nyika mvura,+Uyo anoita kuti uswa hukure+ mumakomo.
9 Anopa mhuka zvekudya,+Nemanyana emakunguo anochemera zvekudya.+
10 Haafariri simba rebhiza;+Uye hapana chinomushamisa pakusimba kwemakumbo emunhu.+
11 Jehovha anofarira vaya vanomutya,+Vaya vanomirira rudo rwake rusingachinji.+
12 Kudza Jehovha, iwe Jerusarema.
Rumbidza Mwari wako, iwe Ziyoni.
13 Anosimbisa mazariro* emagedhi ako;Anokomborera vanakomana vako vauinavo.
14 Anoita kuti munharaunda yako muve nerugare;+Anokugutsa negorosi rakanakisisa.+
15 Anotuma murayiro wake panyika;Shoko rake rinomhanya kwazvo.
16 Anotuma chando chakachena semvere dzemakwai;+Anoparadzira chando semadota.+
17 Anodzikisa chimvuramabwe* sezvimedu zvechingwa.+
Ndiani angamira kana kuine chando chake?+
18 Anotuma shoko rake, chonyunguduka.
Anoita kuti mhepo yake ivhuvhute,+ mvura yoyerera.
19 Anozivisa Jakobho shoko rake,Uye mirau nemitongo yake kuna Israeri.+
20 Haana kuita izvozvo nerumwe rudzi rupi zvarwo;+Havana kana zvavanoziva nezvemitongo yake.
Rumbidzai Jah!*+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.
^ Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
^ Kana kuti “magodo echando.”
^ Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.