Muparidzi 10:1-20
10 Sezvo nhunzi dzakafa dzichiita kuti mafuta akasanganiswa zvakanaka anhuhwe uye apupume, upenzi hushoma hunovharidzira uchenjeri nekukudzwa.+
2 Mwoyo wemunhu akachenjera unomutungamirira munzira yakarurama,* asi mwoyo webenzi unoritungamirira munzira isina kururama.*+
3 Benzi parinofamba munzira chero ipi zvayo, rinenge risina pfungwa,+ uye rinoita kuti munhu wese azive kuti ibenzi.+
4 Kana mutongi akakuitira hasha, usabva panzvimbo yako,+ nekuti unyoro hunodzikamisa zvivi zvikuru.+
5 Pane chimwe chinhu chinotambudza chandakaona pasi pezuva, chinokanganiswa nevaya vane masimba:+
6 Upenzi hunoiswa munzvimbo zhinji dzakakwirira, asi vapfumi vanoramba vari munzvimbo dzakaderera.
7 Ndakaona varanda vari pamabhiza asi machinda achifamba netsoka sevaranda.+
8 Munhu anochera gomba anogona kuwira mariri;+ uye munhu anoputsa rusvingo rwematombo anogona kurumwa nenyoka.
9 Munhu anochera matombo anogona kukuvadzwa nawo, uye munhu anotsemura matanda anogona kukuvadzwa nawo.*
10 Kana mudziyo wesimbi wakagomara uye munhu akasaurodza, achaisa simba rakawanda pakuushandisa. Asi uchenjeri hunobatsira kuti munhu abudirire.
11 Kana nyoka ikaruma isati yaitirwa mashiripiti, hazvina zvazvinobatsira kumunhu wacho anoita zvemashiripiti.*
12 Mashoko anobva mumuromo memunhu akachenjera anoita kuti afarirwe,+ asi miromo yebenzi ndiyo inoriparadza.+
13 Mashoko anotanga kubuda mumuromo maro ndeeupenzi,+ uye mashoko arinopedzisira kutaura ndeekupenga kunoparadza.
14 Asi benzi rinoramba richingotaura.+
Munhu haazivi zvichaitika; ndiani angamuudza zvichauya kana asisipo?+
15 Kushanda nesimba kunoita benzi kunorinetesa, nekuti haritombozivi kuti rinoenda sei kuguta.
16 Nyika iri munhamo chaiyo kana mambo wacho ari mukomana+ uye machinda acho achitofumira kuita mabiko!
17 Nyika inofara chaizvo kana mambo wacho ari mwanakomana wekuimba huru uye machinda acho achidya panguva yakakodzera kuti ave nesimba, kwete kuti adhakwe!+
18 Usimbe hwakanyanyisa hunoita kuti mapango edenga remba awire mukati, uye kugarira maoko kunoita kuti imba ipinde mvura.+
19 Chingwa ndechekuti* vanhu vaseke, uye waini inoita kuti upenyu hunakidze;+ asi mari ndiyo inoshanda pazvinhu zvese.+
20 Usatuka mambo kunyange mupfungwa dzako,*+ uye usatuka mupfumi uri muimba yako yekurara; nekuti shiri* inogona kutakura inzwi racho,* kana kuti chisikwa chine mapapiro chinogona kudzokorora zvakataurwa.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “uri kuruoko rwake rwerudyi.”
^ ChiHeb., “uri kuruoko rwaro rweruboshwe.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “anofanira kuangwarira.”
^ ChiHeb., “kunyanzvi yerurimi.”
^ Kana kuti “Zvekudya ndezvekuti.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kunyange uri pamubhedha wako.”
^ ChiHeb., “chisikwa chinobhururuka chekudenga.”
^ Kana kuti “mashoko acho.”