Zekariya 10:1-12
10 “Kumbirai Jehovha kuti akunayisirei mvura panguva yemasutso.*
Jehovha ndiye anoita kuti pave nemakore emvura ine dutu,Ndiye anovanayisira mvura,+Uye ndiye anopa vese zvinomera mumunda.
2 Nekuti zvidhori zvakataura* nhema;*Uye vanofembera vakaona zvinhu zvenhema.
Vanotaura hope dzenhema,Uye vanoedza kunyaradza asi hazvibatsiri.
Ndokusaka vachadzungaira semakwai.
Vachatambudzika, nekuti hapana mufudzi.
3 Ndakatsamwira vafudzi kwazvo,Uye ndichatonga vatungamiriri vane udzvinyiriri;*Nekuti Jehovha wemauto afunga makwai ake,+ iyo imba yaJudha,Uye aita kuti vaite sebhiza rake rinodadisa muhondo.
4 Kwaari ndiko kunobva mutungamiriri,*Kwaari ndiko kunobva mutongi* anomutsigira,Kwaari ndiko kunobva uta hwehondo;Kwaari ndiko kunobva vatariri vese;* vese zvavo vanobva kwaari.
5 Vachaita sevarwi vane simba,Vachitsika-tsika matope emumigwagwa muhondo.
Vacharwa, nekuti Jehovha anavo;+Uye vatasvi vemabhiza vachanyadziswa.+
6 Ndichaita kuti imba yaJudha ive nesimba,Uye ndichaponesa imba yaJosefa.+
Ndichavadzosa,Nekuti ndichavanzwira tsitsi;+Uye vachaita sevanhu vandisina kumbobvira ndarasa;+Nekuti ndini Jehovha Mwari wavo, uye ndichavapindura.
7 Vanhu vekwaEfremu vachaita semurwi ane simba,Uye mwoyo yavo ichafara sevanhu vanwa waini.+
Vanakomana vavo vachazviona vofara;Mwoyo yavo ichafara muna Jehovha.+
8 ‘Ndichavaridzira muridzo ndovaunganidza;Nekuti ndichavadzikinura,+ uye vachava vazhinji,Voramba vachiwanda.
9 Kunyange ndichivamwaya pakati pemarudzi sembeu,Vachandiyeuka vari kunzvimbo dziri kure;Ivo nevanakomana vavo vachavazve nesimba, vodzoka.
10 Ndichavadzosa kubva kunyika yeIjipitiUye ndichavaunganidza kubva kuAsiriya;+Ndichavaunza munyika yeGiriyedhi+ neRebhanoni,Uye vachange vasisina nzvimbo inovakwanira.+
11 Anofanira kupfuura nemugungwa, oritambudza;Uye acharova mafungu mugungwa;+Mvura yakadzika iri muna Nire ichaoma.
Asiriya inozvikudza ichaninipiswa,Uye tsvimbo yeumambo yeIjipiti ichabva.+
12 Ini Jehovha ndichaita kuti vave nesimba,+Uye vachafamba nezita rangu,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”
Mashoko Emuzasi
^ Masutso inguva yegore apo zvirimwa zvinenge zvava kuda kudyiwa.
^ Kana kuti “vanamwari vemumba vakataura; materafimu akataura.”
^ Kana kuti “zvinhu zvisinganzwisisiki.”
^ ChiHeb., “ndichatonga nhongo.”
^ ChiHeb., “shongwe yepakona,” zvichiratidza kuti munhu anokosha; ishe.
^ ChiHeb., “hoko,” zvichiratidza kuti anotsigisa; mutongi.
^ Kana kuti “vakuru vese vebasa.”