February 1- 7
NEHEMIYA 1-4
Rwiyo 126 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Nehemiya Aida Kunamata Kwechokwadi”: (10 min.)
[Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Kusuma Bhuku raNehemiya.]
Ne 1:11–2:3
—Mufaro waNehemiya waibva pakutsigira kunamata kwechokwadi (w06 2/1 9 ¶7) Ne 4:14
—Nehemiya haana kukanganiswa nevanhu vaishora kunamata kwechokwadi nekuti airamba achifunga nezvaJehovha (w06 2/1 10 ¶3)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Ne 1:1; 2:1
—Sei tichigona kuti gore rechi20 rinotaurwa pana Nehemiya 1:1 uye 2:1 rinoverengwa kubva panguva yakafanana? (w06 2/1 8 ¶5) Ne 4:17, 18
—Munhu aigona sei kuita basa raivapo rokuvakazve achingoshandisa ruoko rumwe chete? (w06 2/1 9 ¶1) Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa mubasa remumunda?
Kuverenga Bhaibheri: Ne 3:1-14 (4 min. zvichidzika)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Gadzirira Mharidzo Dzemwedzi Uno: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo yemharidzo imwe neimwe yokuenzanisira, mobva makurukura navo zvinhu zvinokosha zvaitwa. Simbisai zvaitwa nemuparidzi kuti asiye pekutangira kuitira paanozodzokera. Kurudzirai vaparidzi kuti vanyore mharidzo dzavo pachavo.
KURARAMA KWECHIKRISTU
Rwiyo 103
Gadzirira Iye Zvino Kuti Utore Upiyona Hwebetsero Muna March Kana Kuti April: (15 min.) Kukurukurirana. Kurukurai pfungwa dzinoenderana nechikamu chino dziri munyaya inoti “Ita Kuti Ufare Mumwaka Uno weChirangaridzo!” (km 2/14 2) Simbisai kuti zvakakosherei kuti tigadzirire iye zvino. (Zvi 21:5) Itai kuti vaparidzi vaviri vakambotora upiyona hwebetsero vauye kuchikuva movabvunza kuti: Ndezvipi zvainge zvakakuomerai zvamaifanira kukunda? Chii chakakufadzai pakupayona kwamakaita?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: ia chits. 8 ¶1-16 (30 min.)
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Inotevera (3 min.)
Rwiyo 135 Nemunyengetero