KURARAMA KWECHIKRISTU
Koka Munhu Wese Wemundima Yenyu kuChirangaridzo!
Pamushandirapamwe watichaita kutanga musi wa27 February, tichakoka vanhu vakawanda sezvinobvira vemunharaunda yedu kuti vabatane nesu pamusangano wekuyeuka rufu rwaKristu. Tinofanirawo kucherechedza vose vanenge vafarira kuitira kuti tizokurukura navo zvakare.
ZVATINGAITA
IPA MHARIDZO YAKO
“Tiri kupa vanhu mapepa aya ekuvakoka kuchiitiko chinokosha zvikuru. Musi wa23 March, mamiriyoni evanhu pasi rose achaungana kuti ayeuke rufu rwaJesu Kristu uye kuti anzwe hurukuro yeBhaibheri asingabhadhari, inotaura nezvekuti rufu rwake rwunotibatsira sei. Pepa iri rinoratidza nzvimbo nenguva ichaitwa musangano wacho munharaunda yedu. Huyai kana muchikwanisa.”
Kana munhu afarira . . .
-
MUPE NHARIREYOMURINDI
Siya pekutangira kuitira paunozodzokera.
-
MURATIDZE VHIDHIYO YECHIRANGARIDZO
Siya pekutangira kuitira paunozodzokera.
Paunomuona kechipiri, unogona . . .
-
KUMURATIDZA VHIDHIYO YANEI UCHIFANIRA KUDZIDZA BHAIBHERI?
Wadaro mupe chimwe chezvinyorwa zvatinodzidza nevanhu Bhaibheri.
-
KUMUPA BHUKU RABHAIBHERI RINOMBODZIDZISEI CHAIZVO?
Muudze mamwe mashoko ane chekuita neChirangaridzo uchishandisa peji 206-208, uye musiyire bhuku racho.
-
KUMUPA BHUROCHA RATEERERA MWARI
Kurukurai kuti rufu rwaKristu rwunotibatsira sei muchishandisa peji 18-19, uye musiyire bhurocha racho.