March 7- 13
ESTERI 6-10
Rwiyo 131 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Esteri akaratidza ushingi nekuzvipira pakumiririra Jehovha nevanhu vake”: (10 min.)
Es 8:3, 4
—Kunyange zvazvo upenyu hwaEsteri hwaisava pangozi, akazvipira kuita zvinhu zvaigona kumuurayisa nechinangwa chekuti aponese vamwe (ia 143 ¶24-25) Es 8:5
—Esteri akataura naAhashivheroshi neungwaru (w06 3/1 11 ¶8) Es 8:17
—Vanhu vakawanda vakatendeukira kuchiJudha (w06 3/1 11 ¶3)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Es 8:1, 2
—Uprofita hwakataurwa naJakobho paakanga ava kufa hwaitaura nezvaBhenjamini kuti ‘aizogova zvakapambwa manheru’ hwakazadziswa sei? (ia 142, bhokisi) Es 9:10, 15, 16
—Kunyange zvazvo vaJudha vainge vapiwa mvumo yekutora zvakapambwa, nei vasina kuita izvozvo? (w06 3/1 11 ¶4) Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa mubasa remumunda?
Kuverenga Bhaibheri: Es 8:1-9 (4 min. zvichidzika)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Gadzirira Mharidzo Dzemwedzi Uno: (15 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo yemharidzo yekuenzanisira imwe neimwe, mobva makurukura navo zvinhu zvinokosha zvaitwa. Kana mapedza, kurukurai nevateereri nyaya inoti “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri
—Kunyora Mharidzo Yako Yemagazini.”
KURARAMA KWECHIKRISTU
Rwiyo 118
“Gamuchira Vaenzi Vedu”: (15 min.) Kukurukurirana. Kumbirai vateereri kuti vataure zvakanaka zvakaitika pavakagamuchira vaenzi paChirangaridzo chichangobva kupfuura. Ivai nemuenzaniso wechimwe chakaitika chinofadza zvikuru, semaitikiro azvakaita.
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: ia chits. 10 ¶12-21 uye kudzokorora chitsauko chacho (30 min.)
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Inotevera (3 min.)
Rwiyo 147 Nemunyengetero