KURARAMA KWECHIKRISTU
Batsira Mhuri Yako Kuyeuka Jehovha
Jeremiya akapiwa basa rekuudza vaJudha kuti vaizoparadzwa nekuti vainge vakanganwa Mwari wavo, Jehovha. (Jer 13:25) Chii chainge chaita kuti rudzi rwevaIsraeri rwuzosvika pakadai? Mhuri dzevaIsraeri dzainge dzisisina kusimba pakunamata. Chakaita kuti zvidaro inyaya yekuti misoro yemhuri yakanga isiri kuita zvinotaurwa pana Dheuteronomio 6:5-7.
Mhuri dzakasimba pakunamata dzinoitawo kuti ungano dzedu dzirambe dzakasimba. Vanababa vanogona kubatsira mhuri dzavo kuyeuka Jehovha kana vakagara vachiita kunamata kwemhuri nemazvo. (Pis 22:27) Kana mapedza kuona vhidhiyo inonzi “Mashoko Aya . . . Anofanira Kuva Mumwoyo Mako”—Mhuri Dziri Kubvunzurudzwa, pindurai mibvunzo iyi:
-
Ndezvipi zvakaitwa nedzimwe mhuri kuti dzikunde zvinhu zvinowanzovhiringa kunamata kwemhuri?
-
Ndezvipi zvakanakira kugara muchiita Kunamata Kwemhuri nemazvo?
-
Ndezvipi zvinondiomera pakuita kunamata kwemhuri, uye ndingazvigadzirisa sei?