VaIsraeri Vakakanganwa Jehovha
Zvakaudzwa Jeremiya kuti aite zvaiva zvisiri nyore uye zvainyatsoratidza kuti Jehovha aida kuparadza rudzi rwaJudha rwainge rwakaoma musoro pamwe chete neguta ravo reJerusarema.
Jeremiya akatenga bhandi rerineni
-
Kusunga kwakaita Jeremiya bhandi iri muchiuno kwairatidza kuti Jehovha aikwanisa kuva neukama hwepedyo zvikuru nevaIsraeri
Jeremiya akaenda nebhandi racho kuRwizi rwaYufratesi
-
Akanoriviga pamukaha wedombo, achibva adzokera kuJerusarema
Jeremiya akadzokera kuRwizi rwaYufratesi kunotora bhandi racho
-
Akawana bhandi racho raora
Jeremiya paakaita zvaakanga atumwa, Jehovha ndipo paakazomutsanangurira kuti aizviitirei
-
Kuteerera kwakaita Jeremiya pachinhu chaiita sechidiki kwakabatsira kuti mashoko aJehovha anyatsosvika pamwoyo yevanhu