KURARAMA KWECHIKRISTU
Matambudziko Ese Ane Paanogumira
Zviri nyore kuti matambudziko atiodze mwoyo, kunyanya kana akatora nguva refu aripo. Dhavhidhi aiziva kuti matambudziko aaisangana nawo aikonzerwa naMambo Sauro aizopera uye kuti aizova mambo sezvakanga zvavimbiswa naJehovha. (1Sa 16:13) Kutenda kwaDhavhidhi kwakamubatsira kuti amirire Jehovha nemwoyo murefu.
Patinenge tiri mumiedzo kana mumatambudziko, tinogona kushandisa ungwaru, ruzivo uye pfungwa dzedu kuti tichinje mamiriro edu ezvinhu. (1Sa 21:12-14; Zvi 1:4) Asi mamwe matambudziko anongoramba aripo kunyange taedza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri. Pakadaro, tinofanira kuva nemwoyo murefu, tomirira Jehovha. Munguva pfupi iri kuuya, achagumisa matambudziko edu ese uye “achapukuta misodzi yese” pamaziso edu. (Zva 21:4) Pasinei nekuti matambudziko edu apera nekuti Jehovha anenge apindira kana kuti nezvimwewo zvikonzero, chatinoziva ndechekuti: Matambudziko ese ane paanogumira. Kuziva izvi kunotinyaradza.
ONA VHIDHIYO INONZI VANHU VAKABATANA MUNYIKA ISINA KUBATANA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Matambudziko api akasangana nevamwe vaKristu kumaodzanyemba kweUnited States?
-
Vakaratidza sei mwoyo murefu uye rudo?
-
Vakaitei kuti varambe vakaisa pfungwa ‘pazvinhu zvinokosha’?—VaF 1:10