Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kudzidza Vari Vega

Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kudzidza Vari Vega

Kuti vazive Jehovha uye vafambire mberi pakunamata, vadzidzi veBhaibheri vanofanira kudzidza zvakawanda kupfuura zvatinovadzidzisa. (Mt 5:3; VaH 5:12–6:2) Vanofanira kudzidza kuzvidzidzisa vega.

Kubva pakutanga, ratidza vadzidzi vako veBhaibheri kuti vanogadzirira sei chidzidzo chavo cheBhaibheri uye vakurudzire kugadzirira. (mwb18.03 6) Vakurudzire kutanga nekunyengetera pese pavanodzidza vari vega. Vabatsire kuziva kuti vangashandisa sei zvinhu zvakadai seWatchtower Library kana JW Library app pakudzidza vari vega. Vatsanangurire kuti vangawana sei zvinhu zvitsva pajw.org uye paJW Broadcasting®. Vadzidzise zvishoma nezvishoma kuti vaverenge Bhaibheri mazuva ese, vagadzirire misangano yeungano uye kuti vatsvakurudze mhinduro dzemibvunzo yavanenge vainayo. Vabatsire kuti vafungisise zvavanenge vachidzidza.

ONA VHIDHIYO INONZI BATSIRA VADZIDZI VAKO VEBHAIBHERI KUDZIDZA VARI VEGA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Neeta akabatsira sei Jade kuona kuti kudzidza hakugumiri pakungoziva mhinduro chete?

  • Chii chakabatsira Jade kuti ave nechokwadi chekuti zvakakodzera kuti Jehovha arambidze upombwe?

  • Dzidzisa vadzidzi vako kuti vangadzidza sei zvinhu zvinokosha uye kuti vangazvishandisa sei

    Jade akasvika pakunzwisisei nezvekufungisisa?