KURARAMA KWECHIKRISTU
Urongwa Hwekunyaradza Vaya Vanoshumira paBheteri
Munhu wese anosangana nematambudziko uye anoda kunyaradzwa nekutsigirwa. Kunyange vaya vakasimba pakunamata kana kuti vane mabasa makuru avanoita musangano raJehovha vanomboorawo mwoyo. (Job 3:1-3; Pis 34:19) Tinodzidzei paurongwa hwekufudza nhengo dzemhuri yeBheteri?
ONA VHIDHIYO INONZI “VIMBA NAMWARI,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinosangana nematambudziko api?
-
Zvinhu zvipi 4 zvinoitwa pakuvanyaradza?
-
Hama dzinovanyaradza dziri kubatsirwa sei?