Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ramba Uchidzidzisa Simba Rako Rekunzwisisa

Ramba Uchidzidzisa Simba Rako Rekunzwisisa

Mutambi webhora anofanira kugara achisimbisa mhasuru dzake kuti arambe ari nyanzvi. Isuwo tinofanira kuramba tichiita zvese zvatinogona kuti tidzidzise simba redu rekunzwisisa. (VaH 5:14) Kunyange zvazvo tingaona zviri nyore kutevedzera zvisarudzo zvevamwe, tinofanira kudzidza kushandisa pfungwa dzedu tozvisarudzira tega zvatichaita. Nei tichifanira kudaro? Mumwe nemumwe wedu achazvidavirira pazvisarudzo zvaanoita.—VaR 14:12.

Hatifaniri kufunga kuti tichangoerekana taita zvisarudzo zvakanaka nekuti tava nemakore akawanda tabhabhatidzwa. Kuti tiite zvisarudzo zvekuchenjera, tinofanira kunyatsovimba naJehovha, neShoko rake, uye nesangano rake.—Jos 1:7, 8; Zvi 3:5, 6; Mt 24:45.

ONA VHIDHIYO INONZI IVAI NEHANA YAKANAKA,” WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Emma aifanira kuita chisarudzo chipi?

  • Nei tisingafaniri kutaura zvatinofunga panyaya dzinosiyirwa hana yemunhu?

  • Mumwe murume nemudzimai vakapa Emma mazano api akanaka?

  • Emma akawana kupi mashoko akamubatsira panyaya yake?