Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingashandisa Sei Nguva Yangu?

Ndingashandisa Sei Nguva Yangu?

CHITSAUKO 21

Ndingashandisa Sei Nguva Yangu?

Ungada mamwe maawa mangani pazuva kuwedzera pane aripo? ․․․․․

Unoda kuzoshandisa imwe nguva yacho kuitei?

□ Kumbova neshamwari dzangu

□ Kurara

□ Kuverenga

□ Zvimwe ․․․․․

NGUVA yakafanana nebhiza rine simba rakawanda, kana richizokushandira, unofanira kudzidza kuridzora. Kana ukadzora nguva yako ungangoderedza kuzvidya mwoyo, zvoita kuti mamakisi ako awedzera uyezve zvichaita kuti vabereki vako vawedzera kuvimba newe. Ungati, “Zvakanaka chaizvo, asi zviri nyore kutaura pane kuzviita!” Ichokwadi kuti uchatosangana nematambudziko. Asi unogona kuakunda. Ngationei mimwe mienzaniso.

Dambudziko #1: Kugadzira Purogiramu

Chingaita kuti urege kuigadzira. Pfungwa yokutevedzera purogiramu inoita kuti unzwe sewatova mujeri! Unoda kuita zvetsuro yamukira makumbo, kwete zvokutevedzera purogiramu.

Nei uchifanira kuitevedzera? Mambo Soromoni akanyora kuti: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira.” (Zvirevo 21:5) Soromoni aiva nezvakawanda zvokuita. Aiva nemadzimai, aiva baba uyezve aiva mambo. Uye sezvaaikura, kunenge kuti zvokuita muupenyu hwake zvakawedzera. Saizvozvowo, une zvakawanda zvauri kuita muupenyu. Asi zvingangowedzera kuwanda sezvaunokura. Zviri nani kuti utova munhu akarongeka izvozvi pane kuzozviita pave paya!

Zvinotaurwa nevezera rako. “Inenge mwedzi mitanhatu yakapfuura, ndakatanga kuita zvinhu ndichitevedzera purogiramu yangu nguva dzose. Ndaiedza kuita kuti zvinhu zvindiitire nyore, uye kunenge kuti kuva nepurogiramu kwakandibatsira!”—Joey.

“Kunyora zvinhu pasi kunondibatsira kuti nditevedzere purogiramu yangu. Pandinenge ndiine zvimwe zvandinofanira kuita, ini naamai vangu tinozvinyora pasi kuti tione kubatsirana kwatingaita kuti tisvike patiri kuda.”—Mallory.

Chii chichakubatsira? Zvitore seizvi: Ngatitii muri kuda kuenda rwendo nemotokari. Mumwe nomumwe womumhuri anongokanda mabhegi ake mubhuti. Zvinoita sokuti zvose hazvichakwani. Mungaitei? Mungatangazve nemabhegi makuru mozopfekera mabhegi madiki munzvimbo inenge yasara.

Izvi zvinogona kushandiswawo pakuronga zvoupenyu hwako. Kana ukatanga kuzadza nguva yako nezvinhu zvisinganyanyi kukosha, zvinozokuomera kuti uzoita zvinokosha. Tanga kuita zvinhu zvinokosha, uye ungatozoshamiswa nekuona nguva yaunosara nayo yokuita zvimwe zvose!—VaFiripi 1:10.

Ndezvipi zvinhu zvinonyanyokosha zvaunofanira kuita?

․․․․․

Iye zvino chironga zvinhu zvacho uchitanga nezvaunofanira kuita zvinonyanyokosha. Kana ukatanga kuita zvinokosha, ungatoshamiswa nekuona kuti unosara nenguva yakawanda yokuita zvimwe zvisinganyanyi kukosha.

Zvaungaita. Tsvaga chokunyorera chinokwana muhomwe uye ronga zvaunoda kuita uchitanga nezvinokosha. Ukuwo, chimwe chezviri pasi apa chingashanda kwauri.

□ Karenda yepaserura

□ Kabhuku kekunyorera

□ Karenda yepakombiyuta

□ Karenda yepadhesiki

Dambudziko #2: Kutevedzera Purogiramu Yako

Chingaita kuti urege kuitevedzera. Paunenge wabva kuchikoro unoda zvako kuzorora uchiona TV kwemaminitsi mashoma. Kana kuti unoronga kuverenga uchigadzirira bvunzo, asi unobva waona meseji pafoni yokuti muende kufirimu. Firimu harikumiriri asi zvokuverenga unogona kuzozviita manheru. Unozviudza kuti, ‘Uyezve ndinenge ndinotoita zviri nani kana zvinhu zvakandiwandira.’

Nei uchifanira kuitevedzera? Unogona kuwana mamakisi ari nani kana ukaverenga pfungwa dzako dzakanyatsomuka. Uyezve hakusi kuti wagara wakawandirwa nezvokuita here? Sei uchizviomesera nekuverenga uchiita zvokumhanya-mhanya wava kugadzirira bvunzo kusvika pakati pousiku? Mangwana acho zvinhu zvichange zvakamira sei? Zvimwe ungararisa, ungatowedzera kushushikana, ungatobuda mumba uchimhanya uye ungatononoka kuchikoro.—Zvirevo 6:10, 11.

Zvinotaurwa nevezera rako. “Ndinofarira kuona TV, kuridza gitare uye kuva neshamwari. Zvinhu izvi hazvina kuipa; asi dzimwe nguva zvinondipedzera nguva yokuita zvinhu zvinokosha uye ndinopedzisira ndava kumhanya-mhanya.”—Julian.

Chii chichakubatsira? Usangoronga zvinhu zvaunofanira kuita papurogiramu asi isawo zvinhu zvinokunakidza. Julian anoti, “Zviri nyore kuita zvinhu zvandinofanira kuita ndichiziva kuti ndine zvimwe zvinonakidza zvandichazoita.” Rimwe zano nderokuti: Iva nechinhu chikuru chaunovavarira wobva wava nezvinangwa zvidiki zvichakubatsira kuti uve nechokwadi chokuti uri kutevedzera zvawakaronga.

Zvaungaita. Chinangwa chimwe chete kana kuti zviviri zvinokwanisika zvaunoda kuzadzisa mumwedzi mitanhatu inotevera ndezvipi?

․․․․․

Ndechipi chinangwa chinokwanisika chaunoda kuzadzisa mumakore maviri anotevera uye unofanira kutanga kuitei iye zvino kuti uzadzise chinangwa ichocho? *

․․․․․

Dambudziko #3: Kuva Ane Utsanana Uye Akarongeka

Chingakutadzisa. Hauna chokwadi chokuti kuva munhu ane utsanana uye akarongeka kunokubatsira sei pakushandisa nguva yako zviri nani. Uyezve, kuva neuchapa kunoita sekuri nyore chaizvo. Zvokuchenesa mumba mako unogona kuzozviita mangwana kana kusatombozviita! Hauna basa netsvina inenge irimo zvokuti ungatoiti haisi nyaya hombe. Asi inganzi haisi nyaya hombe here?

Nei uchifanira kudaro? Kuita kuti zvinhu zvose zviratidzike zvakanaka uye zvakarongeka kunoita kuti usatore nguva paunenge uine zvauri kutsvaga. Izvi zvichaitawo kuti ugadzikane mupfungwa.—1 VaKorinde 14:40.

Zvinotaurwa nevezera rako. “Dzimwe nguva kana ndisina nguva yokurongedza hembe dzangu, ndinoshaya zvinhu zvandinenge ndichida nokuti munenge musina kurongedzeka!”—Mandy.

“Ndakashayiwa chikwama changu kwevhiki yose. Zvakanditemesa musoro zvikuru. Ndakatozochiwana pandakarongedza mumba mangu.”—Frank.

Chii chichakubatsira? Pose pazvinoita, edza kudzorera zvinhu munzvimbo yazvinogara nekukurumidza. Panzvimbo pokumirira kuti mumba muti bvururu, gara uchimurongedza.

Zvaungaita. Edza kuva netsika yokuva neutsanana. Ita kuti zvinhu zvose zvirambe zvichiratidzika zvakanaka uye ona kana zvichiita kuti upenyu huve nyore.

Iwe, vezera rako uye vabereki vako mune nguva yakaenzana zuva roga roga. Ukaitambisa unotambura. Ukaishandisa nokuchenjera, uchawana mubayiro. Zviri kwauri.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Uri mwana wevabereki vakatama vachibva kune imwe nyika here? Unonzwa sokuti haukodzeri kuchikoro kana kuti kumba here? Dzidza zvaungaita kuti mamiriro ako ezvinhu ave akakunakira.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 32 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Chitsauko 39 chebhuku rino.

RUGWARO RUNOKOSHA

‘Iva nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’—VaFiripi 1:10.

ZANO

Usaedza kushandisa mazano ose ataurwa muchitsauko chino panguva imwe chete. Asi chingoshandisa zano rimwe chete kwomwedzi unotevera. Paunenge wangogona kushandisa zano iroro, ibva washandira pane rimwe.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kuzvirongera zvinhu zvakawandisa zvokuita pazuva kunokutemesa musoro. Kana ukaziva kuti zvinonyanyokosha ndezvipi, uchaziva kuti woita zvipi uye worega zvipi.

ZVANDINORONGA KUITA!

Chinhu chandisinganyanyi kupedza nguva ndichiita ndeichi ․․․․․

Ndinoshandisa nguva yandinowana kuita zvinotevera ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kudzidza kuronga nguva yako iko zvino kunozokubatsira sei kana wava kugara wega mune ramangwana?

● Zvii zvaunodzidza kubva kune vabereki vako panyaya yokushandisa nguva zvakanaka?

● Kana wagara uine purogiramu, ungaigadzirisa sei kuti inyatsokubatsira?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 154]

Ndakanzwa mumwe munhu achitaura achitamba achiti kana uchida kuti ndisvike pane imwe nzvimbo nenguva dza4 unofanira kundiudza kuti ndivepo na3. Ndipo pandakaona kuti ndinofanira kuronga nguva yangu zviri nani!’’—Ricky

[Bhokisi riri papeji 155]

Ndinoshandisa Sei Nguva Yangu?

Paavhareji, vhiki yoga yoga vechiduku vane makore ari pakati pe8 ne18 vanoshandisa maawa avo seizvi:

17

nevabereki vavo

30

kuchikoro

44

kuona TV, kutamba mitambo yevhidhiyo, kutumirana mameseji uye kuteerera mimhanzi

Verenga maawa aunoshandisa vhiki yoga yoga

uchiona TV ․․․․․

uchitamba mitambo yevhidhiyo ․․․․․

uri paIndaneti ․․․․․

uchiteerera mimhanzi ․․․․․

Ose ․․․․․

Maawa andinoshandisa pazvinhu zvinonyanya kukosha ․․․․․

[Mufananidzo uri papeji 153]

Nguva yakafanana nebhiza rine simba rakawanda, unofanira kudzidza kuridzora