CHIKAMU 14
Mwari Anotaura Achishandisa Vaprofita Vake
Vaprofita vanogadzwa naJehovha kuti vaendese mashoko ekutongwa, kunamata kwakachena, uye tariro ine chokuita naMesiya
PANGUVA yemadzimambo aIsraeri naJudha, pakava neboka raikosha revarume vaitaura mashoko aMwari
1. Kuparadzwa kweJerusarema. Pachine nguva refu, vaprofita vaMwari
2. Kudzorerwa kwekunamata kwakachena. Pashure pemakore 70 vari nhapwa, vanhu vaMwari vaizosunungurwa kubva kuBhabhironi. Vaizodzokera kunyika yokumusha kwavo yakanga yava dongo ndokuvakazve temberi yaJehovha muJerusarema. (Jeremiya 46:27; Amosi 9:13-15) Pachine makore anenge 200, Isaya akafanotaura zita remunhu aizokunda
3. Kusvika kwaMesiya uye zvaizoitika kwaari. Mesiya aizoberekerwa mutaundi reBhetrehema. (Mika 5:2) Aizozvininipisa, achipinda muJerusarema akatasva dhongi. (Zekariya 9:9) Kunyange zvazvo aiva munyoro uye aine mutsa, aisazofarirwa noruzhinji, uye vakawanda vaizomuramba. (Isaya 42:1-3; 53:1, 3) Aizourayiwa noutsinye. Aizofa zvachose here? Kwete, nokuti chibayiro chake chaizoita kuti zvivi zvevakawanda zvikanganwirwe. (Isaya 53:4, 5, 9-12) Kumuka kwake chete ndiko kwaizoita kuti izvozvo zviitike.
4. Kutonga kwaMesiya panyika. Vanhu vasina kukwana havatombokwanisi kuzvitonga zvine rugare, asi Mambo Mesiya aizonzi Muchinda woRugare. (Isaya 9:6, 7; Jeremiya 10:23) Paachange achitonga, vanhu vose vachava norugare pachavo uye kunyange nemhuka dzose. (Isaya 11:3-7) Zvirwere zvichanyangarika. (Isaya 33:24) Kunyange rufu ruchaparadzwa nokusingaperi. (Isaya 25:8) Pakutonga kwaMesiya, vanhu vakafa vachamutsirwa kuupenyu pasi pano.
—Kubva mubhuku raIsaya, Jeremiya, Dhanieri, Amosi, Mika, naZekariya.