INDONESIA
Makore 50 Ari Piyona Chaiye0
Alisten Lumare
-
AKABEREKWA MUNA 1927
-
AKABHABHATIDZWA MUNA 1962
-
NHOROONDO YOUPENYU Aimbova mukuru wemapurisa asi akazoshanda sapiyona chaiye kwemakore anopfuura 50.
MUNA 1964, ndakakumbirwa kuti ndinoshumira sapiyona chaiye kuManokwari, West Papua, uko kwaiva neungano diki yaipikiswa zvakasimba nevafundisi vemunharaunda yacho. Ndichangobva kusvika, mumwe mufundisi weimwe chechi yakabuda muRoma akangoerekana ati vhuu pamba pangu akaguta nehasha.
Akashevedzera akatsamwa achiti: “Ndichapwanya imba ino ndodzinga Zvapupu zvaJehovha zvese zviri muManokwari.”
Sezvo ndakamboshanda semupurisa, handina kana kumbotyiswa nezvaaitaura. Asi ndakangomupindura neunyoro, uye akabva aenda hake mune zvakanaka.—1 Pet. 3:15.
Panguva iyoyo, muManokwari maingova nevaparidzi 8. Iye zvino papfuura makore 50, uye kwatova neungano 7. Vanhu vanopfuura 1 200 vakapinda gungano rakaitwa ikoko muna 2014. Ndinogutsikana chaizvo pandinofunga nezvezvinhu zvakaitwa naJehovha kunzvimbo iyi iri kwayo yega.