Mararamiro evaKristu
Nei vaKristu vachifanira kurarama vachitevedzera zvavanotenda?
Ndiani watinofanira kutevedzera?
Onawo 1VaK 11:1; 1Jo 2:6
Zvakanakirei kuti vaKristu vatevedzere zvinodiwa naMwari muupenyu hwavo?
Magwaro anotevera anobatsira sei vaKristu kuti vasaita zvinhu zvakaipa?
Magwaro anotevera anobatsira sei vaKristu kuita zvinhu zvakanaka?
VaR 12:2; VaE 4:22-24; VaF 4:8; VaK 3:9, 10
Onawo Zvi 1:10-19; 2:10-15; 1Pe 1:14-16
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 39:7-12—Josefa akakunda muedzo wekuita upombwe nemudzimai waPotifari
-
Job 31:1, 9-11—Jobho akatsidza mumwoyo make kuti akanga asingazochivi vamwe vakadzi
-
Mt 4:1-11—Jesu akakunda miedzo yakabva kuna Satani
-
Unhu hupi hwakaipa husingafaniri kuva nevaKristu?
Ona “Unhu Hwakaipa”
Zvinhu zvipi zvakaipa zvisingafaniri kuitwa nevaKristu?
Ona “Zvinhu Zvakaipa”
Unhu hupi hwakanaka hwatinofanira kuva nahwo?
Kuchena
2VaK 11:3; 1Ti 4:12; 5:1, 2, 22; 1Pe 3:1, 2
Onawo VaF 4:8; Tit 2:3-5
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 39:4-12—Josefa akaramba kurara nemudzimai waPotifari kunyange zvazvo airamba achimumanikidza kuti arare naye
-
Rwi 4:12; 8:6—Musikana wekuShurami akanga akavimbika kumukomana wake waaida uye akaramba akachena; akafananidzwa nemunda wakakiyiwa
-
Kuvimba naJehovha
Ona “Kuvimba naJehovha”
Kuona vamwe sevakuru kwatiri
Ona “Kuzvininipisa”
Kugutsikana
Ona “Kugutsikana”
Kushanda pamwe chete nevamwe
Mup 4:9, 10; 1VaK 16:16; VaE 4:15, 16
Onawo Pis 110:3; VaF 1:27, 28; VaH 13:17
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Mak 25:1-8—Mambo Dhavhidhi akaronga kuti vaimbi nevairidza zviridzwa vashande pamwe chete kuti basa ravo rinyatsobuda zvakanaka
-
Ne 3:1, 2, 8, 9, 12; 4:6-8, 14-18, 22, 23; 5:16; 6:15—Jehovha akakomborera kuzvipira kwevanhu vake uye zvakaita kuti vapedze kuvaka masvingo eJerusarema mumazuva 52
-
Ushingi
Ona “Ushingi”
Kukurudzirana; kuvakana
Isa 35:3, 4; VaR 1:11, 12; VaH 10:24, 25
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Sa 23:15-18—Jonatani akakurudzira Dhavhidhi paaida kuurayiwa naMambo Sauro
-
Mab 15:22-31—Dare rinotungamirira rakatumira tsamba yaikurudzira kuungano
-
Kutsungirira; kumira takasimba
Mt 24:13; Ru 21:19; 1VaK 15:58; VaG 6:9; VaH 10:36
Onawo VaR 12:12; 1Ti 4:16; Zva 2:2, 3
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
VaH 12:1-3—Muapostora Pauro akataura nezvaJesu kuti akurudzire vaKristu kutsungirira
-
Jak 5:10, 11—Jakobho akataura nezvekutsungirira kwaJobho uye kukomborerwa kwaakaitwa naJehovha
-
Kutendeka pazvinhu zvese
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Dha 1:3-5, 8-20—Muprofita Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakateerera Mutemo waMozisi panyaya yezvinhu zvavaisafanira kudya
-
Ru 21:1-4—Jesu akarumbidza kutenda kwakakura kwaiva nechirikadzi yaishayiwa yakapa chipo chayo chidiki
Onawo “Kutendeseka”
-
Kutya Jehovha
Onawo Pis 111:10
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ne 5:14-19—Nehemiya aitya Jehovha saka paakanga ava gavhuna haana kudzvinyirira vanhu vaMwari sezvaiitwa nemamwe magavhuna
-
VaH 5:7, 8—Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka panyaya yekutya Mwari
-
Zvibereko zvemweya
Rupo
Ona “Rupo”
Kuzvipira kuna Mwari
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mab 10:1-7—Kunyange zvazvo Koniriyasi akanga asiri muJudha, Jehovha akaona kuti akanga ari munhu aitya Mwari, akazvipira kwaari uye aiva nerupo
-
1Ti 3:16—Jesu ndiye muenzaniso mukuru panyaya yekuzvipira kuna Mwari
-
Kutaura zvine mutsa, zvinovaka
Kugamuchira vaeni zvakanaka
Kuzvininipisa; kuva nemwero
Ona “Kuzvininipisa”
Kusasarura
Ona “Rusarura”
Kushanda nesimba; kushanda nemwoyo wese
Ona “Basa”
Kuperera kuna Mwari
Ona “Kuperera Kuna Mwari”
Kuva nehanya nevamwe
Kuvimbika
Ona “Kuvimbika”
Ngoni
Ona “Ngoni”
Kuva nemwero pane zvatinoita
Onawo Zvi 23:1-3; 25:16
Kuteerera
Ona “Kuteerera”
Kurongeka
Kuramba tichinyengetera
Kugara takagadzirira kuregerera
Ona “Kuregerera”
Kuremekedza vamwe
Onawo VaE 5:33; 1Pe 3:1, 2, 7
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Nu 14:1-4, 11—VaIsraeri pavasina kuremekedza muprofita Mozisi neMupristi Mukuru Aroni, Jehovha akaona sekuti vakanga vasina kuremekedza iye
-
Mt 21:33-41—Jesu akataura mufananidzo unoratidza zvichaitika kune yava vasingaremekedzi vaprofita vaJehovha neMwanakomana wake
-
Kunamata; kuisa Jehovha pekutanga muupenyu
Mt 6:33; VaR 8:5; 1VaK 2:14-16
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
VaH 11:8-10—Abrahamu akagara mumatende semutorwa nekuti aiona Umambo hwaMwari sechinhu chaicho
-
VaH 11:24-27—Zvisarudzo zvakaitwa nemuprofita Mozisi zvinoratidza kuti aiona Jehovha semunhu chaiye
-
Kuzviisa pasi
Onawo Joh 6:38; VaE 5:22-24; VaK 3:18
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ru 22:40-43—Jesu akateerera Baba vake kunyange pazvakanga zvakaoma
-
1Pe 3:1-6—Muapostora Pauro akataura kuti vakadzi vechiKristu vanofanira kutevedzera Sara pakuzviisa pasi
-
Kunzwira vamwe tsitsi
Ona “Tsitsi”
Kutaura chokwadi
Ona “Kutendeseka”