CHIDZIDZO 3
Ichokwadi Here Kuti Mashoko Akanaka Akabva Kuna Mwari?
1. Ndiani akanyora Bhaibheri?
MuBhaibheri mune mashoko akanaka ekuti vanhu vachararama nekusingaperi pasi pano. (Pisarema 37:29) Bhaibheri rine mabhuku madiki 66. Mwari akashandisa varume 40 vakatendeka kunyora mabhuku acho. Mabhuku mashanu ekutanga akanyorwa naMozisi makore anenge 3 500 akapfuura, uye pava nemakore anopfuura 1 900 kubva pakanyorwa bhuku rekupedzisira nemuapostora Johani. Vanyori veBhaibheri vakanyora pfungwa dzaani? Mwari ndiye aivapa mashoko acho achishandisa mweya wake mutsvene. (2 Samueri 23:2) Vakanyora pfungwa dzaMwari, kwete dzavo. Saka Jehovha ndiye akanyora Bhaibheri.—Verenga 2 Timoti 3:16; 2 Petro 1:20, 21.
Ona vhidhiyo inonzi Ndiani Akanyora Bhaibheri?
2. Tinoziva sei kuti Bhaibheri nderechokwadi?
Tinoziva kuti Bhaibheri ibhuku rakabva kuna Mwari nekuti rinonyatsotaura zvinhu zvichaitika mune ramangwana sezvazviri uye zvarinotaura zvinotoitika. Hapana munhu anogona kuita izvozvo. (Joshua 23:14) Mwari Wemasimbaose chete ndiye anogona kuziva kuti ramangwana revanhu richange rakamira sei.—Verenga Isaya 42:9; 46:10.
Bhuku rinobva kuna Mwari rinofanira kunge rakasiyana nemamwe uye izvozvo ndizvo zvakaita Bhaibheri. Mabhiriyoni emaBhaibheri akazara muvanhu, uye anowanika mumazana emitauro. Kunyange zvazvo Bhaibheri rakanyorwa kare kare, rinoenderana nesainzi yechokwadi. Uyewo zvakanyorwa nevanyori varo 40 zvinopindirana. * Uyezve zvinotaurwa neBhaibheri nezverudo zvinongoratidza kuti rinobva kuna Mwari, uye Bhaibheri richiri kungochinja va nhu. Nekuda kwezvikonzero izvi, mamiriyoni evanhu anobvuma kuti Bhaibheri iShoko raMwari.—Verenga 1 VaTesaronika 2:13.
Ona vhidhiyo inonzi Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari?
3. Bhaibheri rinotaura nezvei?
Bhaibheri rinonyanya kutaura nezvemashoko akanaka ezvinhu zvichaitirwa vanhu naMwari. Magwaro anotsanangura kuti zvakafamba sei kuti vanhu varasikirwe nechikomborero chekurarama muparadhiso pasi pano, uyewo kuti zvii zvichaitwa kuti nyika ive paradhiso.—Verenga Zvakazarurwa 21:4, 5.
Shoko raMwari rinewo mitemo nemazano anotibatsira. Nyaya dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti Mwari aibata sei vanhu kubvira kare, uye izvozvo zvinotiratidza kuti ndiMwari akaita sei. Saka Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uzive Mwari. Rinotaura kuti ungaita sei kuti uve shamwari yake.—Verenga Pisarema 19:7, 11; Jakobho 2:23; 4:8.
4. Chii chingakubatsira kuti unzwisise Bhaibheri?
Bhuku rino richakubatsira kunzwisisa Bhaibheri nekuti rakanyorwa pachitevedzerwa madzidzisiro aiita Jesu. Aidzidzisa achishandisa Bhaibheri uye aitsanangura “zvairehwa neMagwaro.”—Verenga Ruka 24:27, 45.
Mashoko akanaka anobva kuna Mwari anofadza chaizvo. Asi vamwe havaafariri, uye vamwe vanotogumburwa nawo. Izvi hazvifaniri kukuodza mwoyo. Kuti uwane upenyu husingaperi unofanira kuziva Mwari.—Verenga Johani 17:3.
^ ndima 3 Ona peji 21 yebhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei?