CHITSAUKO 24
Hapana Chinogona “Kutiparadzanisa Nerudo rwaMwari”
1. Ipfungwa dzipi dzekuzvitarisira pasi dzine vakawanda, kusanganisira vamwe vaKristu vechokwadi?
JEHOVHA Mwari anokuda here iwe pachako? Vamwe vanobvuma kuti Mwari anoda vanhu sezvinotaurwa pana Johani 3:16. Asi vanozofunga kuti: ‘Iniwo zvangu pandiri pano Mwari angandida here?’ Kunyange vaKristu vechokwadi vanogona kunzwawo saizvozvo. Mumwe murume akanga akaora mwoyo akamboti: “Ndinoona zvichindiomera kufunga kuti Mwari ane hanya neni.” Unombonzwawo saizvozvo here dzimwe nguva?
2, 3. Ndiani anoda kuti tifunge kuti hatikoshi uye kuti Jehovha haatide, uye tingakurira sei pfungwa iyoyo?
2 Satani anoda chaizvo kuti tifunge kuti Jehovha haatidi uye haana basa nesu. Ichokwadi kuti Satani anomboita kuti vanhu vazvikudze. (2 VaKorinde 11:3) Asi anofarirawo kuita kuti vanhu vafunge kuti havakoshi. (Johani 7:47-49; 8:13, 44) Anotonyanya kudaro ‘mumazuva ano ekupedzisira.’ Vakawanda mazuva ano vari kukurira mumhuri dzisina “rudo runongobva rwega mumwoyo.” Vamwe vanongogara vachisangana nevanhu vanotyisa, vanongozvifunga, uye vakaoma musoro. (2 Timoti 3:1-5) Vamwe vava nemakore vachibatwa zvakaipa, vachisarurwa nemamwe marudzi, kana kuti vachivengwa zvekuti vakasvika pakufunga kuti havakoshi uye havana kukodzera kudiwa.
3 Kana uchizvitarisira pasi zvakadaro, usaora mwoyo. Vazhinji vedu pane pamwe patinombozviomesera zvisina musoro. Asi yeuka kuti Shoko raMwari rinokwanisa “kururamisa zvinhu” uye “kuparadza zvinhu zvakadzika midzi.” (2 Timoti 3:16; 2 VaKorinde 10:4) Bhaibheri rinoti: “Tichaita kuti mwoyo yedu ive nechokwadi pamberi pake pamusoro pezvinhu zvese izvo mwoyo yedu ingatipa mhosva, nekuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvese.” (1 Johani 3:19, 20) Ngationei nzira ina dzatinobatsirwa nadzo neMagwaro kuita kuti “mwoyo yedu ive nechokwadi” chekuti Jehovha anotida.
Unokosha Kuna Jehovha
4, 5. Mufananidzo waJesu wetushiri unoratidza sei kuti tinokosha kuna Jehovha?
4 Chekutanga, Bhaibheri rinonyatsodzidzisa zvakajeka kuti Mwari anokoshesa mushumiri wake mumwe nemumwe. Jesu akati: “Tushiri tuviri tunotengeswa nemari isinganyanyi kukosha, handizvo here? Asi hapana kana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi kunyange bvudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. Saka musatya; munokosha kupfuura tushiri twakawanda.” (Mateu 10:29-31) Funga kuti vanhu vakanga vakateerera Jesu vakanzwisisa sei mashoko iwayo.
5 Zvingatishamisa kuti munhu angatenga kashiri achikadii. Mumazuva aJesu, kashiri kakaita setwaakataura apa ndiko kanhu kaitokwanisa kutengwa nemurombo kuti adye. Cherechedza kuti munhu aibvisa kamari kadikidiki obva apiwa tushiri tuviri. Asi Jesu akazotaurawo mumwe musi kuti kana munhu akabvisa tumari tuviri, aizopiwa shiri dziya dziri shanu, kureva kuti imwe yaiva yembasera. Shiri yembasera yaitorwa seisina mutengo. Pamwe zvisikwa zvakadaro zvakanga zvisingakoshi kuvanhu, asi Musiki aizviona sei? Jesu akati: “Mwari haakanganwi kana imwe yadzo,” kunyange yembasera. (Ruka 12:6, 7) Pamwe iye zvino mashoko aJesu ava kuti jekei. Kana Jehovha achikoshesa kashiri kamwe chete zvakadaro, ko kuzoti munhu! Matsananguriro akaita Jesu anoratidza kuti Jehovha anoziva zvese pamusoro pedu. Funga kuti akati bvudzi remusoro wedu chairo rakatoverengwa!
6. Nei tingave nechokwadi kuti Jesu aitaura zvinhu zvinokwanisika paakati bvudzi remumusoro medu rakaverengwa?
6 Bvudzi redu rakaverengwa? Vamwe vanofunga kuti apa Jesu aitaura zvinhu zvisingaitiki. Asi imbofunga nezvetariro yerumuko. Jehovha anofanira kutiziva zvakadii kuti akwanise kutisika patsva? Anotikoshesa zvekuti anoyeuka zvese, kusanganisira zvatakatodza kuvabereki vedu uye zvinhu zviri mundangariro dzedu nezvatakasangana nazvo mumakore ese atakararama. a Kuverenga bvudzi redu, iro rinogona kusvika 100 000, haisi nyaya kana tichienzanisa nezvimwe zvaanokwanisa.
Jehovha Anoonei Matiri?
7, 8. (a) Jehovha anofarira chii paanotarisa zviri mumwoyo yevanhu? (b) Ndeapi mamwe mabasa atinoita anokosheswa naJehovha?
7 Chechipiri, Bhaibheri rinotidzidzisa kuti chii chinokosheswa naJehovha muvashumiri vake. Muchidimbu tingati anofarira zvakanaka zviri mumwoyo medu uye zvatinoedza kuita. Mambo Dhavhidhi akaudza mwanakomana wake Soromoni kuti: “Jehovha anoongorora mwoyo yese, uye anonzwisisa kese kangafungwa nemunhu.” (1 Makoronike 28:9) Mwari anofara chaizvo paanoona mwoyo unoda chokwadi, unoda rugare, uye zvakarurama, munyika ino yakazara vanhu vane ruvengo uye vanoda zvemhirizhonga! Mwari anobva aita sei paanoona mwoyo unomuda uye une shungu yekudzidza zvakawanda nezvake uye kuudza vamwe zvadzidzwa zvacho? Jehovha anotiudza kuti anocherechedza vanhu vanoudza vamwe nezvake. Anotova ‘nebhuku rekuyeuchidza’ rinonyorwa vese “vanotya Jehovha uye vaya vanofungisisa nezvezita rake.” (Maraki 3:16) Jehovha anokoshesa vanhu vakadaro.
8 Ndeapi mamwe mabasa akanaka anokosheswa naJehovha? Tine chokwadi kuti anokoshesa zvatinoedza kuita kuti titevedzere Mwanakomana wake, Jesu Kristu. (1 Petro 2:21) Rimwe basa rinokosheswa naJehovha nderekuparadzira mashoko akanaka eUmambo. Pana VaRoma 10:15, panoti: “Dzakanaka sei tsoka dzevaya vanozivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!” Kashoma kuti tifunge nezvetsoka dzedu sedzakanaka. Asi pano dzinomirira zvinoitwa nevashumiri vaJehovha pakuparidza mashoko akanaka. Zvese zvatinoedza kuita pabasa iri zvakanaka uye zvinokosha kuna Jehovha.—Mateu 24:14; 28:19, 20.
9, 10. (a) Chii chinotipa chivimbo chekuti Jehovha anokoshesa kutsungirira kwedu patinotarisana nematambudziko akasiyana-siyana? (b) Chii chisingaitwi naJehovha pavashumiri vake vakatendeka?
9 Jehovha anokoshesawo kutsungirira kwedu. (Mateu 24:13) Yeuka kuti Satani anoda kuti usiye Jehovha. Zuva rimwe nerimwe raunoramba wakavimbika kuna Jehovha unenge uchitowedzera kupa mhinduro inoratidza kuti Satani anoreva nhema. (Zvirevo 27:11) Dzimwe nguva kutsungirira hakusi nyore. Zuva rimwe nerimwe muedzo chaiwo pamusana pematambudziko akadai seeutano, emari, kushushikana mupfungwa, nemamwewo. Kana uine zvauri kutarisira zvisiri kuitika, unoorawo mwoyo. (Zvirevo 13:12) Vanhu vanoramba vachitsungirira kunyange vakatarisana nematambudziko akadaro, vanokosha chaizvo kuna Jehovha. Ndosaka Mambo Dhavhidhi akakumbira Jehovha kuti achengete misodzi yake “muhombodo” achibva azowedzera kuti: “Handiti yakanyorwa mubhuku renyu?” (Pisarema 56:8) Kureva kuti Jehovha anoona misodzi yese nekutambura zvatinotsungirira tichiramba takavimbika kwaari. Izvozvo anozvikoshesa.
Jehovha anokoshesa kutsungirira kwatinoita patinenge tiri mumatambudziko
10 Asi mwoyo unenge uchizvipa mhosva unogona kuramba uchapupu hwese ihwohwo hwekuti tinokosha kuna Mwari. Unogona kuramba uchingotiudza kuti: ‘Asi kune vamwe vakawanda vari kuita zvakanaka kukupfuura. Jehovha haafari newe paanokuenzanisa navo!’ Jehovha haaenzanisi vanhu uye haafungi nezvedu nemwoyo wakaoma. (VaGaratiya 6:4) Anoongorora zviri mumwoyo medu achitsvaga zvinhu zvakanaka, kusanganisira kunyange zvidikidiki.
Jehovha Anotsvaga Zvakanaka
11. Tingadzidzei pana Jehovha pamabatiro aakaita nyaya yaAbhija?
11 Chechitatu, Jehovha paanotiongorora anonyatsoita seari kupepeta kuti abudise zvakanaka. Pamwe paakaita izvozvo ndepaya paakataura kuti imba yeumambo yese yaJerobhoamu yaizoparadzwa. Asi akataura kuti Abhija, mwanakomana wamambo, aizovigwa zvine mutsigo. Nei akadaro? Akawanikwa “aine chimwe chinhu chakanaka maari naJehovha Mwari waIsraeri.” (1 Madzimambo 14:1, 10-13) Jehovha akaita seari kupepeta mwoyo wemurume iyeye ndokuwana chimwe “chinhu chakanaka” imomo. Chinhu chakanaka chakaonekwa naJehovha chinogona kunge chaiva chidikidiki kana kuti chisingakoshi, asi Jehovha akaita kuti chinyorwe muShoko rake kuti chaivapo. Akatomupa mubayiro wechinhu ichocho chakanaka paakanzwira tsitsi mwana iyeye wemuimba yevanhu vakanga vamupandukira.
12, 13. (a) Zvakaitika kuna Mambo Jehoshafati zvinoratidza sei kuti Jehovha anotsvaga zvakanaka matiri kunyange patinotadza? (b) Jehovha akafanana papi nemubereki ane rudo panyaya yekukoshesa zvakanaka zvatinoita?
12 Mumwe muenzaniso unokurudzira unogona kuwanikwa pana Mambo Jehoshafati. Mambo wacho paakaita zvinhu zvisina kuchenjera, muprofita waJehovha akamuudza kuti: “Jehovha akutsamwirai nemhaka yeizvi.” Zvaityisa, handizvo here? Asi Jehovha haana kugumira ipapo. Akaenderera mberi achiti: “Kunyange zvakadaro, pane zvinhu zvakanaka zvawanikwa pamuri.” (2 Makoronike 19:1-3) Saka hasha dzaJehovha hadzina kumutadzisa kuona zvakanaka zvaiitwa naJehoshafati. Akanyatsosiyana zvachose nesu vanhu! Kana tagumburwa nevamwe kazhinji tinotadza kuona zvimwe zvakanaka mavari. Uye patinotadza, kuora mwoyo nekunyara zvinogona kuita kuti tisatomboona zvakanaka zviri matiri. Asi yeuka kuti kana tikapfidza zvivi zvedu toita zvese zvatinogona kuti tisazvidzokorora, Jehovha anotiregerera.
13 Jehovha paanenge achipepeta mwoyo wako anorasa zvivi zvakadaro, kungofanana nezvinoita munhu anosefa orasa mavhu nematombo zvisingakoshi, osara negoridhe. Ko zvakanaka zvaanoona pauri nemabasa ako, anoita sei nazvo? Izvi ndizvo zvacho zvakafanana nematombo anokosha zvaanochengeta! Wakamboona here makoshesero anoita vabereki zvinhu zvinenge zvakanyorwa kana kuti zvinenge zvakadhirowewa nemwana wavo mudiki? Vamwe vacho vanotozvichengeta kwemakore, mwana wavo atozvikanganwa. Jehovha ndiye Mubereki anoda zvinoitwa nevana vake kupfuura zvinoitwa nevamwe vabereki vese. Haazombokanganwi mabasa edu akanaka nezvimwe zvakanaka zvatinoita, chero bedzi tichiramba takatendeka kwaari. Anototi kudai aizokanganwa zvakanaka zvatinoita, anenge atoita zvisina kururama, izvo zvisingambofi zvakaitika kwaari. (VaHebheru 6:10) Pane chimwezve chaanotsvaga matiri paanoita seari kutipepeta.
14, 15. (a) Nei chivi chiri matiri chisingatadzisi Jehovha kuona zvakanaka zviri matiri? Ipa muenzaniso. (b) Jehovha anoita sei nezvakanaka zvaanowana matiri, uye anoona sei vashumiri vake vakavimbika?
14 Jehovha paanotitarisa haangoisi pfungwa dzake pane zvatiri sevanhu vane chivi chete asi anoona zvatinokwanisa kuzova mune ramangwana. Vanhu vanofarira zvemifananidzo vanoita zvese zvavanogona kuti vagadzirise mifananidzo inenge yakanganisika. Kungopa semuenzaniso, mumwe munhu akambokanganisa mufananidzo waidhura chaizvo waiva kuLondon, England, asi hapana munhu akamboti ngauraswe nekuti wakanga wakanganiswa. Basa rekugadzirisa mufananidzo iwoyo wakanga wava nemakore 500 rakabva rangotangwa. Chii chakaita kuti vadaro? Nekuti vanhu vanoda zvemifananidzo vaiona uchikosha zvikuru. Haufungi kuti unokosha kupfuura mufananidzo wakangoita zvekudhirowewa here? Kuna Jehovha unokosha zvechokwadi, pasinei nekuti wakakanganiswa nechivi zvakadini. (Pisarema 72:12-14) Jehovha Mwari, Musiki wemhuri yevanhu ane unyanzvi, achaita zvese zvinodiwa kuti adzorere vanhu vanogamuchira rudo rwake pavaifanira kuva, chivi chisati chavapo.—Mabasa 3:21; VaRoma 8:20-22.
15 Izvi zvinoreva kuti Jehovha anoona zvakanaka zviri matiri zvatingave tisingaoni isu pachedu. Uye patinenge tichimushumira, achaita kuti zvakanaka izvozvo zvikure kusvikira tava vanhu vasina chivi. Pasinei nezvese zvaitwa nenyika yaSatani kwatiri, Jehovha anokoshesa vashumiri vake vakavimbika.—Hagai 2:7.
Jehovha Anoratidza Rudo Rwake Nezviito
16. Ndehupi uchapupu hukuru huripo hwekuti Jehovha anotida, uye tinoziva sei kuti chipo ichi ndechedu isu pachedu?
16 Chechina, Jehovha anoita zvakawanda kuti atiratidze kuti anotida. Chibayiro cherudzikinuro chaKristu ndiyo mhinduro ine simba kupfuura dzese pakupindura nhema dzaSatani dzekuti hatikoshi kuna Jehovha uye hatina kukodzera kudiwa. Hatifaniri kumbokanganwa uchapupu hwekuti Jehovha naJesu vanotida hunoratidzwa nekufa kwakaita Jesu rufu runorwadza padanda rekutambudzirwa uye kurwadziwa kwakatonyanya kwakaita Jehovha achiona Mwanakomana wake waanoda chaizvo achifa. Asi chinorwadza ndechekuti vanhu vakawanda zvinovaomera kubvuma kuti chipo ichi chakaitirwa ivo pachavo. Vanozviona sevasingakoshi. Asi yeuka kuti muapostora Pauro aimbotambudza vateveri vaKristu. Asi akanyora kuti: “Mwanakomana waMwari, . . . akandida, akazvipa nekuda kwangu.”—VaGaratiya 1:13; 2:20.
17. Jehovha anotiswededza sei kwaari uye kuMwanakomana wake?
17 Jehovha anoratidza kuti anotida nekubatsira mumwe nemumwe wedu kuti awane makomborero anobva pachibayiro chaKristu. Jesu akati: “Hapana munhu angauya kwandiri, kana Baba vakandituma vasina kumuunza kwandiri.” (Johani 6:44) Jehovha pachake anotikweva kuti tiuye kuMwanakomana wake uye kuti tive netariro yeupenyu husingaperi. Anozviita sei? Anoshandisa basa rekuparidza kuti mumwe nemumwe wedu anzwe chokwadi, oshandisa mweya wake mutsvene kutibatsira kunzwisisa chokwadi uye kuchishandisa kunyange zvazvo tiine chivi uye tisingakwanise kuita zvimwe zvinhu. Saka Jehovha anotaura kwatiri mashoko aakataura kuvaIsraeri ekuti: “Ndakakuda nerudo rusingaperi. Ndokusaka ndakakukweva nerudo rusingachinji kuti uuye kwandiri.”—Jeremiya 31:3.
18, 19. (a) Inzira ipi inoshandiswa naJehovha kuratidza kuti anoda mumwe nemumwe wedu, uye anoratidza sei kuti iye pachake anoda kuti tive pedyo naye? (b) Shoko raMwari rinotipa sei chivimbo chekuti Jehovha anoteerera achitinzwira tsitsi patinonyengetera?
18 Zvichida nzira yatinonyatsoratidzwa nayo naJehovha kuti anotida semunhu mumwe nemumwe ndeyekutibvumira kutaura naye mumunyengetero. Bhaibheri rinokurudzira mumwe nemumwe wedu kuti “rambai muchinyengetera” kuna Mwari. (1 VaTesaronika 5:17) Anoteerera minyengetero yedu. Anotonzi “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Haana kupa basa iri kune mumwe munhu, kunyange Mwanakomana wake chaiye. Funga kuti Musiki wezvinhu zvese anotikurudzira kuti titaure naye mumunyengetero takasununguka. Asi anongoteererawo zvekuti zvimubve here asina basa kuti tiri kunzwa sei? Haatombodaro.
19 Jehovha anonzwira tsitsi. Chii chinonzi kunzwira munhu tsitsi? Mumwe muKristu wechikuru akati: “Tsitsi zvinoreva kurwadziwa nedambudziko remumwe munhu.” Jehovha anorwadziwa patinenge tichirwadziwa here? Vanhu vake vaIsraeri pavaitambura, Bhaibheri rinoti: “Pakutambudzika kwavo kwese naiyewo akanga achitambudzika.” (Isaya 63:9) Jehovha haana kungoona matambudziko avaisangana nawo zvikagumira ipapo; aitorwadziwa nawo. Mashoko aJehovha pachake anoratidza kuti anonzwa sei nezvevashumiri vake paakati: “Anokugunzvai anogunzva mboni yeziso rangu.” b (Zekariya 2:8) Hakusi kurwadza kwazvinoita kana munhu akabata mboni yeziso rako! Kureva kuti Jehovha anotinzwira tsitsi. Patinorwadziwa, anorwadziwawo.
20. Tinofanira kusiyana nepfungwa ipi tichiteerera zano riri pana VaRoma 12:3?
20 Izvi hazvirevi kuti muKristu kana achidiwa naMwari zvakadai anofanira kuzvikudza. MuKristu anonyatsoda Mwari haatombofungi saizvozvo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Nekungonzwirwawo nyasha kwandakaitwa, ndinoudza munhu wese ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga, asi kuti afunge zvinoratidza kuti ane pfungwa dzakanaka, mumwe nemumwe sekupiwa kwaakaitwa chiyero chekutenda naMwari.” (VaRoma 12:3) Imwe shanduro yeBhaibheri inoti pano: “Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nekufunga kwakachenjera.” (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Saka kunyange zvazvo tichifara kuti tinodiwa naBaba vedu vekudenga, ngatifunge zvakanaka tichiyeuka kuti handisu takatanga kuita chimwe chinhu kuti Mwari atide saizvozvo.—Ruka 17:10.
21. Inhema dzipi dzaSatani dzatinofanira kugara tichiramba, uye tinofanira kuramba tichizviudza chokwadi chipi?
21 Mumwe nemumwe wedu ngaarwise nhema dzese dzaSatani, kusanganisira dziya dzekuti hatikoshi kana kuti hatina kukodzera kudiwa. Kana zvawakasangana nazvo muupenyu zvakakudzidzisa kuti wakaipa zvekuti rudo rukuru rwaMwari harukwanise kusvika kwauri, kana kuti zvakanaka zvese zvaunoita hazvitomboonekwi nemaziso aMwari anoona zvese, kana kuti zvivi zvako zvakakurisa zvekuti kunyange rufu rwaJesu harukwanisi kuzvifukidza, wakadzidziswa nhema. Ramba nhema dzakadaro nemwoyo wako wese! Ngatirambe tichiudza mwoyo yedu chokwadi chakataurwa nemuapostora Pauro paakafemerwa kuti: “Ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa nerudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”—VaRoma 8:38, 39.
a Bhaibheri rinotaura kakawanda kuti kumutswa kwevanhu kwakabatana nekuyeuka kwaJehovha. Jobho, murume akatendeka akati kuna Jehovha: “Haiwa . . . dai manga manditemera nguva, mozondiyeuka!” (Jobho 14:13) Jesu akataura nezvekumutswa kwevaya “vese vari mumakuva evanoyeukwa.” Izvi zvakanyatsokodzera nekuti Jehovha anonyatsoyeuka vese vaari kuda kumutsa.—Johani 5:28, 29.
b Dzimwe shanduro dzeBhaibheri pano dzinopa pfungwa yekuti munhu anobata vanhu vaMwari ari kubata ziso rake pachake kana kuti ziso raIsraeri, kwete ziso raMwari. Vanhu vaikopa Bhaibheri patsva ndivo vakachinja mashoko aya vachifunga kuti haasi kuremekedza Mwari. Vakaratidza kushingaira asi vakarasika, zvikaita kuti vaverengi vasaone kuti Jehovha ane tsitsi dzakadii.