Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kubhadhara Mabasa Aunoitirwa Nechitendero Here?

Unofanira Kubhadhara Mabasa Aunoitirwa Nechitendero Here?

Zvinotaura Bhaibheri

Unofanira Kubhadhara Mabasa Aunoitirwa Nechitendero Here?

MUNYIKA dzakawanda, vatungamiriri vezvitendero zvinonzi zvechiKristu nevamwe vezvitendero zvisiri zvechiKristu, vanobhadharisa mabasa avanoitira vanhu. Mabasa aya angasanganisira kubhabhatidza, kuchatisa, kana kuti kuitisa mariro. Mubhadharo wacho ungatosvika mazana emadhora uye dzimwe nguva zviuru.

Vamwe vafundisi vanotambiriswa mari nehurumende pamusana pemabasa avanoita pamitambo yenyika, kubatsira vanhu vemunyika yacho uyewo kunyengetera kwavanoita zuva nezuva vachivhura misangano ine chokuita nokudzikwa kwemitemo nehurumende. Vanhu vangaonga chaizvo mabasa akadaro, uye machechi anodawo mari yokubhadhara zvimwe zvinhu. Asi Bhaibheri rinotsigira here tsika dzakadaro dzokubhadharisa mabasa echitendero kana kuita kuti vanhu vanzwe sokuti vanotofanira kubhadhara?

“Imba Yokutengesera”?

Jesu paaiva pasi pano, vakuru vakuru vechitendero chechiJudha nevamwewo vaishandisa mitambo yechitendero semukana wokuwana pfuma kunyanya panguva yePaseka. Jesu akaona tsika iyi sechinhu chakanaka here? Kwete! Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinotiudza kuti “akadurura mari yevaichinja mari, akapidigura tafura dzavo.” Akati: “Regai kuita imba yaBaba vangu imba yokutengesera!”—Johani 2:14-16.

Zvakada kufanana zvakaitika panguva yemuprofita Mika, uyo akararama muzana remakore rechi8 B.C.E. Bhaibheri rinotaura nezvevatungamiriri vechitendero chechiJudha kuti, ‘vaivenga kururamisira’ uye vapristi ‘vairayiridza kuti vangowana mubhadharo.’ Kunyange zvakadaro, pavaiita izvozvo, vaitokambira kuti vaitsigirwa naMwari vachiti: “Jehovha haasi pakati pedu here?” (Mika 3:9, 11) Asi Jehovha Mwari aisava pakati pavo kuti avatsigire. Panzvimbo pezvo, aivenga mabasa avo uye akanyatsojekesa izvozvo achishandisa muprofita wake.

Mazuva ano, vatungamiriri vezvitendero vakawanda vanoshandisawo nzira dzakangofanana dzemakaro, vachiita kuti dzimba dzavo dzokunamatira dzive ‘dzimba dzokutengesera.’ Kutaura zvazviri, masangano ezvitendero ose ari kutoita bhizimisi rinoapa mari yakawanda chaizvo nokutengesa zvifananidzo uye zvimwe zvinhu zvakawanda zvine chokuita nechitendero. *1 Johani 5:21.

“Makagamuchira Pachena, Ipai Pachena”

Paakatuma vaapostora vake kuti vaparidzire, mashoko akanaka, vaporese vairwara, uye kunyange kumutsa vakafa, Jesu akati: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:7, 8) Ichokwadi kuti vateveri vake vaisafanira kubhadharisa mabasa avo avaiita. Uyezve Jesu pachake akaratidza muenzaniso nokushumira vamwe asi asingavabhadharisi.

Achitevedzera muenzaniso waJesu, muapostora Pauro akaitawo ushumiri hwake “pasina mutengo.” (1 VaKorinde 9:18) Paaida mari, aiita basa rokugadzira matende. (Mabasa 18:1-3) Saka aigona kutaura nezvake nemamwe mamishinari aaishanda nawo kuti: “Hatisi vatengesi veshoko raMwari sezvakaita vanhu vazhinji.” (2 VaKorinde 2:17) Ko zvakadini nenyaya yokuwana mari yokushandisa muungano, zvichida yokutenga kana kuti kurenda nzvimbo yokunamatira?

“Mwari Anoda Munhu Anopa Achifara”

Zvapupu zvaJehovha zvinowana mari yokushandisa kubva kuvanhu vanopa vasingamanikidzwi. Zvinoshandisa zano rinoti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.” (2 VaKorinde 9:7) Pamusana pechikonzero ichocho, Zvapupu hazvibhadharisi mabhuku azvo, kana mabasa azvinoitira vanhu, akadai sekubhabhatidza, michato kana kuti mariro. Hazvitori chegumi kana kutenderedza kandiro kemari pamisangano yazvo. Munhu wose anenge achida kupa mari yokutsigira basa rokuparidzira rinoitwa pasi rose, anokwanisa kukanda mari yake mumabhokisi akaiswa munzvimbo dzavo dzokunamatira.

Pasi rose, Zvapupu zvaJehovha zvinobvisa mari zvisingamanikidzwi, yokutsigira kuvaka uye kutarisira Dzimba dzoUmambo, Dzimba Dzemagungano, mahofisi ebazi nezvivako zvokudhindira mabhuku, uye vanoshandisawo mari iyoyo kubatsira vanhu vanenge vawirwa nenjodzi. Vamwe vangapa zvishoma chete sezvakaitwa nechirikadzi yaishayiwa yakarumbidzwa naJesu. (Ruka 21:2) Vamwewo vangapa zvakawanda. Pasinei nemamiriro acho ezvinhu, vaya vanoita maererano nezvakanyorwa muBhaibheri uye vanopa zvavanokwanisa vanonzwa vagutsikana mumwoyo, uye vanokomborerwa naMwari uye vanonzwa vachifara zvechokwadi.—Mabasa 20:35; 2 VaKorinde 8:12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Ona nyaya iri muAwake! yaAugust 2008 ine musoro unoti “Zvinotaura Bhaibheri: Mwari Anofanira Kunamatwa Pachishandiswa Zvifananidzo Here?”

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

● Jesu akatii kune vaya vaiitira bhizimisi mutemberi?—Johani 2:14-16.

● MuKristu ainzi muapostora Pauro akagamuchira mubhadharo here wemabasa echitendero aaiita?—2 VaKorinde 2:17.

● Kupa kworudzii kunofadza Jehovha?—2 VaKorinde 9:7.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]

“Regai kuita imba yaBaba vangu imba yokutengesera!”—Johani 2:14-16