Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinoita Here Kuvimba Nemumwe Munhu?

Zvinoita Here Kuvimba Nemumwe Munhu?

Zvinoita Here Kuvimba Nemumwe Munhu?

Vanhu vaifunga kuti ndiye aiva wokutanga kuwana mishonga yokupodza marwadzo. Asi kwemakore anopfuura gumi kutangira muna 1996, chiremba uyu anoremekedzwa akabudisa mashoko achiwedzeredza pamashoko akakurumbira akanga awanika pakuongorora kwakanga kwaitwa mune zvokurapa.

MUMWE chiremba anonzi Steven L. Shafer anoti, “Handinzwisisi kuti chii chingaita kuti munhu aite zvakadai.”—Anesthesiology News.

Chii chingaita kuti nyanzvi inoremekedzwa zvakadaro inyengedze mumwe wayo? Chimbofunga zvinhu zvina zvingakonzera kuti zvakadaro zviitike.

Makaro. Mumashoko akabudiswa muNew York Times, Dr. Jerome Kassirer, aichimbova mupepeti weThe New England Journal of Medicine, anotsanangura kuti: “Vatsvakurudzi vanowanzova nekatsika kokubudisa mashoko akanaka nezvemishonga inenge ichigadzirwa nemakambani anogadzira mishonga nokuti ndiko kunobva mari yavo yakawanda.”

Kuita chero chinhu chingaita kuti vabudirire. Zvinofungidzirwa kuti vadzidzi vesayenzi vokuGermany vanobhadhara zviuru zvemadhora echiokomuhomwe kuvadzidzisi kuti vanzi ndivanaDoktor, chiratidzo chokuti munhu abudirira chaizvo munyika yavo. Pane kumwe kuongorora kwakaitwa, The New York Times yakatsanangura kuti vadzidzi vakawanda vaityora mutemo vakataura kuti “vaida kuzonyatsotevedzera mutemo” kana vachinge vabudirira.

Kushayikwa kwemienzaniso yakanaka. Mumwe purofesa ane mashoko ari muThe New York Times achitaura nezvevana vari kuchikoro cheSekondari anoti: “Tinganzwa tichida kutaura kuti vakarasa tsika dzavo . . . Zvinenge zvitori nani kutaura kuti varayiridzi uye vanovapa mazano nevamwe vanhu vose havana kumbobvira vavadzidzisa kuva netsika uye kuita kuti dzidzike midzi mumwoyo yavo.”

Zviito zvisingaenderani netsika dzakanaka. Pakuongorora kwakaitwa vadzidzi vanoda kusvika 30 000, vanosvika 98 muzana vakataura kuti vanodavira kuti kuvimbika kunokosha pakushamwaridzana nevamwe. Zvisinei, pavadzidzi 10 voga voga, 8 vavo vakabvuma kuti vakanga vanyepera vabereki vavo, uye 64 muzana vakabvuma kuti vakanga vabiridzira pabvunzo dzegore rakanga radarika.

Pfungwa Dzinobatsira Kuva Netsika Dzakanaka

Sezviri kutaurwa mubhokisi riri papeji ino, zvinoita sokuti vanhu vakasikwa vachida kuvimba nevamwe. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti “zvinodiwa nomwoyo womunhu zvakaipa kubvira achiri muduku.” (Genesisi 8:21) Ungarwisa sei kunzwa uchida kuita zvakaipa ikoko uye ungadzivisa sei kusavimbika kwapararira mazuva ano? Pfungwa dzomuBhaibheri dzinotevera dzinogona kubatsira:

“Usarongera wokwako chinhu chakaipa, paanenge agere newe achifunga kuti akachengeteka.”—Zvirevo 3:29.

Kuda muvakidzani wedu ndiko kunoita kuti tiite zvakamunakira, kwete kubatisa pasi munhu anga achivimba nesu. Pfungwa iyi yomuMagwaro inogona kugumisa kubata vamwe zvisina kunaka kwakasiyana-siyana kunokonzerwa nemakaro, kwakadai sokutengesa mishonga yokunyepera, kwataurwa patangira nyaya dzino.

“Kutaura chokwadi kunogara kusvikira narini, asi kureva nhema kunobatwa pakarepo.”—Zvirevo 12:19, “Bhaibheri Rinoera.”

Vakawanda vanofunga kuti vanhu vakavimbika havana chavanobura. Asi chimbozvibvunza kuti, ‘Chii chinonyanya kukosha, kubudirira pakarepo zviri zvenguva pfupi kana kuti kuzowana zvikomborero zvinogara kwenguva yakareba, zvinosanganisira kuzviremekedza nokuti unenge wakavimbika?’ Mudzidzi anganyengedza vamwe nezvezivo kana kuti unyanzvi zvaainazvo nokubiridzira pabvunzo, asi zvinozomufambira sei kana ava kubasa?

“Munhu akarurama anofamba akavimbika. Vanakomana vake vanomutevera vanofara.”—Zvirevo 20:7.

Kana uri mubereki, iva muenzaniso wakanaka kuvana vako ‘nokufamba wakavimbika.’ Vatsanangurire kuti kuita zvakarurama kwakakubatsira sei. Vana pavanoona mubereki wavo achifamba akavimbika, ivo vanogona kuzotevedzerawo.—Zvirevo 22:6.

Pfungwa dzomuBhaibheri dziri pamusoro apa dzinoshanda zvechokwadi here? Mazuva ano vanhu vakavimbika vangawanika here?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Maererano nepepanhau rinonzi Le Figaro, vanhu vechiFrench vakawanda “vanoona pasina chikonzero chokuti vave netsika dzakanaka nokuti vanofunga kuti vatungamiriri mune zvematongerwo enyika, zvoupfumi, zvemagariro, uye zvetsika, havanawo tsika dzakanaka.”

[Bhokisi riri papeji 5]

TAKASIKWA TICHIDA KUVIMBA NEVAMWE HERE?

Ongororo dzakaitwa naMichael Kosfeld, purofesa anodzidzisa nezvebhizimisi paFrankfurt University iri kuGermany dzakaita kuti apedzisire ati, “zvakangosikwa zviri matiri sevanhu” kuti tide kuvimba nemumwe munhu. Kosfeld akawana kuti kana vanhu vaviri vachiwirirana, uropi hwemunhu hunobudisa hormone rinonzi oxytocin rinoita kuti munhu anzwe achida kuvimba nemumwe munhu. Akatiwo, “Ndechimwe chezvinhu zvinosiyanisa vanhu nezvimwe zvisikwa. Kana tisingavimbi nevamwe, zvinoita sokuti tinenge tisisiri vanhu.”