Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUKAI! Nhamba 2 2020 | Nei Tichitambura?

Muupenyu, tese tinombosangana nematambudziko, kungava kurwara, tsaona, njodzi dzinongoitika dzega, kana kurwiswa.

Vanhu vanoshaya kuti nei zvinhu zvakadaro zvichiitika.

  • Vamwe vanoti zvinoitika muupenyu zvakagara zvarongwa kare saka hatigoni kuzvichinja.

  • Vamwe vanoti tinotambura nekuti zvinhu zvakaipa zvatakamboita kare zvinenge zvava kutidzokera.

Matambudziko anoita kuti vanhu vave nemibvunzo yakawanda.

Zvinotendwa Nevamwe

Tarisa uone zvinotaurwa nezvitendero zvakasiyana-siyana panyaya yekutambura.

1 Mwari Ndiye Anokonzera Kuti Titambure Here?

Vanhu vanonyengerwa nezvinodzidziswa mumachechi pamusoro paMwari. Chokwadi ndechipi?

2 Ndisu Tinokonzera Kutambura Kwedu Here?

Kana tiri isu tinokonzera matambudziko edu, zvinorevawo kuti tinogona kuagadzirisa tega.

3 Nei Vanhu Vakanaka Vachitambura?

Bhaibheri rinotibatsira kuziva mhinduro yacho.

4 Takasikirwa Kutambura Here?

Mwari akasika nyika yakanaka kudai angaita kuti titambure here? Zvakafamba sei kuti tizotambura?

5 Kutambura Kuchapera Here?

Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari achaita sei kuti abvise matambudziko.

Rubatsiro Ruripo

Kunyange matambudziko edu akaoma sei, pane mazano anogona kutibatsira.