Nzwira Vamwe Tsitsi
Dambudziko
Kana tikanyanya kuisa pfungwa dzedu pakusiyana kwatakaita nevamwe vanhu, tinogona kuona setiri nani kana tichizvienzanisa navo. Tinogona kupedzisira tava kutovatarisira pasi. Kana tava nemaonero aya asina kunaka, zvinogona kutiomera kuti tinzwire vamwe tsitsi. Kana tisinganzwiri vamwe tsitsi, zvinoratidza kuti tine dambudziko rakakura rerusarura.
Zvinotaurwa neBhaibheri
“Farai nevanofara; chemai nevanochema.”—VAROMA 12:15.
Zvinorevei? Chazvinongoreva ndechekuti, nzwira vamwe tsitsi. Kunzwira mumwe munhu tsitsi zvinoreva kutora dambudziko rake woriita rako.
Zvakanakira Kunzwira Vamwe Tsitsi
Patinochema nemumwe munhu anenge ari mudambudziko, tinenge tichiratidza kuti takangofanana nemunhu iyeye. Nekuti mangwana tinogona kungowirwawo nedambudziko iroro. Kuratidza vamwe tsitsi kunotibatsira kuona kuti tese takangofanana pasinei nekwatinobva. Kana tikaisa pfungwa dzedu pakufanana kwatakaita navo, kashoma kuti tizovatarisira pasi.
Kunzwira vamwe tsitsi kuchaita kuti tivaremekedze. Anne-Marie wekuSenegal, aimbotarisira pasi vanhu verumwe rudzi. Kunzwira vamwe tsitsi kwakamubatsira. Anoti: “Pandakaona kutambura kwaiita vanhu ava, ndakazvibvunza kuti kudai ndiri ini ndaizonzwa sei. Izvi zvakaita kuti nditange kuona kuti hapana pandakanga ndakasiyana nevanhu ivavo.” Kana tikanzwisisa dambudziko remumwe munhu zvichaita kuti timunzwire tsitsi torega kumushora.
Zvaunogona Kuita
Edza kuona pamakafanana nevanhu vaunotarisira pasi. Semuenzaniso, edza kufunga kuti vanonzwa sei
Kunzwira vamwe tsitsi kunoita kuti tione kuti tese takangofanana
pavanenge vachidya nemhuri yavo
pavanenge vashanda nesimba zuva rese
pavanenge vaine shamwari dzavo
pavanenge vachiteerera nziyo dzavanofarira
Edza kutora dambudziko remumwe woriita rako. Zvibvunze kuti:
‘Dai ndiri ini werudzi irworwo ndaizonzwa sei kana mumwe munhu akanditarisira pasi?’
‘Ndaizonzwa sei kana vamwe vanhu vakandishora ivo vasati vatomboziva zvakawanda nezvangu?’
‘Kudai ndaiva werudzi rwandinotarisira pasi ndaizoda kuti vamwe vandibate sei?’