Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvisingazivikanwi Nenyanzvi Dzesainzi

Zvisingazivikanwi Nenyanzvi Dzesainzi

Zvinoita sekuti nyanzvi dzesainzi dzakaongorora zvinenge zvinhu zvese zvinozikanwa zviri muchadenga. Asi kunyange zvakadaro, pane mibvunzo yakawanda inokosha yavasingagoni kupindura.

Nyanzvi dzesainzi dzinoziva here kuti zvinhu zviri muchadenga uye upenyu zvakatanga sei? Hadzizivi. Vamwe vanoti nyanzvi dzesainzi dzinoongorora zvinhu zviri muchadenga dzinokwanisa kutsanangura kuti zvakatanga sei. Asi mumwe purofesa anoongorora nyeredzi anonzi Marcelo Gleiser, ari paDartmouth College akati: “Hatisati tava kukwanisa kutsanangura kuti zvinhu zviri muchadenga zvakatanga sei.” Purofesa uyu ndemumwe wevanhu vanoti hazviiti kuti vanhu vazive kuti kuna Mwari here kana kuti haako.

Imwe magazini inonzi Science News ichitaura nezvematangiro akaita upenyu yakati: “Zvakaoma kuti tizive matangiro akanyatsoita upenyu panyika nekuti matombo aivako kare nezvimwewo zvinotibatsira kuziva matangiro akaita nyika hazvisisiko.” Izvi zvinoratidza kuti sainzi haisati yapindura mubvunzo wekuti, Zvinhu zviri muchadenga uye upenyu zvakatanga sei?

Asi unogona kuzvibvunza kuti, ‘Kana paine munhu akaita kuti upenyu huvepo, munhu iyeye ndiani?’ Pamwe wakambozvibvunzawo mibvunzo iyi: ‘Kana kuine Musiki akachenjera uye ane rudo, nei achirega vanhu vaakasika vachitambura? Nei kuine zvitendero zvakawanda zvakasiyana-siyana? Nei achisiya vanhu vanoti vanomunamata vachiita zvinhu zvakaipa?’

Nyanzvi dzesainzi hadzikwanisi kupindura mibvunzo iyi. Asi hazvirevi hazvo kuti mhinduro dzemibvunzo iyi hadzipo. Variko vakawanda vakatowana mhinduro dzemibvunzo iyi muBhaibheri.

Kana uchida kuona kuti nei dzimwe nyanzvi dzesainzi dzakadzidza Bhaibheri dzichibvuma kuti kune Musiki, enda pawebsite inonzi jw.org wotsvaga pakanzi, “zvinotaurwa nevamwe nezvekwakabva upenyu.”