Bhaibheri Rinotii?
Chii chinoitika patinofa?
VAMWE VANOTI patinofa pane chimwe chinhu chiri matiri chinoenderera mberi nekurarama kune imwe nzvimbo uye vamwe vanoti kana munhu afa zvatopera. Munotiwo chii?
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
“Vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Kana tafa tinenge tisisipo.
ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI
Munhu wekutanga Adhamu akadzokera kuguruva paakafa. (Genesisi 2:7; 3:19) Saka munhu wese paanofa anodzokerawo kuguruva.—Muparidzi 3:19, 20.
Vanhu pavanofa vanoregererwa kana kuti vanosunungurwa pazvivi zvavo. (VaRoma 6:7) Munhu haazorangirwi zvivi zvake kana achinge afa.
Vakafa vachamuka here?
UNOTI CHII?
Hongu
Kwete
Pamwe
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
“Kuchava nokumuka.”—Mabasa 24:15.
CHII CHIMWE CHATINOGONA KUDZIDZA MUBHAIBHERI?
Bhaibheri rinofananidza rufu nekurara. (Johani 11:11-14) Mwari anogona kumutsa vakafa, sekumutsa kwatinoita munhu akarara.—Jobho 14:13-15.
Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vakati kuti vakamutswa, uye izvozvo zvinoita kuti tinyatsotenda kuti vakafa vachamutswa.—1 Madzimambo 17:17-24; Ruka 7:11-17; Johani 11:39-44.