“Umambo Hwenyu Ngahuuye”—Munyengetero Unogara Uchiitwa Nevakawanda
Wakambonyengetera kuti Umambo hwaMwari huuye here? Kubvira kare, vanhu vakawanda vagara vachinyengetera vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye.” Nei vachitaura mashoko iwayo? Nekuti Jesu akaudza vateveri vake kuti vanyengeterere Umambo hwaMwari.
Asi pakutanga vateveri vake havana kunzwisisa zvese zvaakataura nezveUmambo. Vakambomubvunza kuti: “Ishe, mava kudzorera umambo kuna Israeri iye zvino here?” Vanogona kunge vakashamiswa Jesu paasina kuvaudza musi chaiwo waizouya Umambo. (Mabasa 1:6, 7) Izvi zvinoreva here kuti hatitombokwanisi kunzwisisa chinonzi Umambo hwaMwari uye kuti huchauya riini? Aiwa!
Magazini ino ichakubatsira kupindura mibvunzo inotevera:
Nei tichida Umambo hwaMwari?
Ndiani Mambo weUmambo hwaMwari?
Umambo hwaMwari huchatonga riini panyika?
Umambo hwaMwari huchaitei?
Nei tichifanira kutsigira Umambo hwaMwari iye zvino?
Chii chinonzi Umambo hwaMwari?