Hama Dzedu Dzakafa Tichazombodziona Here?
Tese tinofirwa, asi kana munhu akafa zvatopera here? Tichazomboona here hama dzedu dzakafa?
INZWA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI:
TICHAONANAZVE NEHAMA DZEDU DZAKAFA
‘Vese vari mumakuva evanoyeukwa vachabuda.’—Johani 5:28, 29.
Mwari anoyeuka vakafa; achavamutsa.
VANHU VACHAMUTSWA PANYIKA
“Kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:15.
Mabhiriyoni evanhu achamutswa kuti azorarama nekusingaperi panyika ine rugare.
TARIRO YEKUMUTSWA KWEVANHU NDEYECHOKWADI
“[Mwari] anoverenga uwandu hwenyeredzi; anodzishevedza dzese nemazita.”—Pisarema 147:4.
Kana Mwari achikwanisa kushevedza nyeredzi nemazita, haangambotadzi kuyeuka vanhu vakafa vaachazomutsa.