Tingaratidza Sei Kuti Tinoda Vamwe?
Tese tiri mhuri imwe chete, takabva kuna Adhamu. Vanhu vemumhuri imwe chete vanotarisirwa kuti vadanane uye varemekedzane. Asi mazuva ano, vanhu vakawanda havana rudo. Izvi handizvo zvaidiwa naMwari.
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI NEZVERUDO
“Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—REVHITIKO 19:18.
“Rambai muchida vavengi venyu.”—MATEU 5:44.
TINGARATIDZA SEI KUTI TINE RUDO?
Tarisa uone zvinotaurwa naMwari nezverudo pana 1 VaKorinde 13:4-7:
“Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa.”
Funga izvi: Unonzwa sei kana vamwe vakakuitira mwoyo murefu uye mutsa, vasingakuitiri hasha kana wakanganisa?
“Rudo haruna godo.”
Funga izvi: Unofara here kana vamwe vanhu vakagara vachikufungira zvakaipa uye vachikuitira shanje?
Rudo “harutsvagi zvakarunakira.”
Funga izvi: Unonzwa sei kana vamwe vanhu vachibvumawo pfungwa dzako vasingangoomereri pane zvavanofunga?
Rudo “haruchengeti chigumbu.”
Funga izvi: Mwari anoregerera vatadzi kana vakasiya zvivi zvavo. “Haazorambi achingotiwanira mhosva, uyewo haazorambi akatsamwa.” (Pisarema 103:9) Tinofara chaizvo kana mumwe munhu watinenge tatadzira akatiregerera. Saka nesuwo tinofanira kuregererawo vamwe kana vakatitadzira.—Pisarema 86:5.
Rudo “harufariri zvisina kururama.”
Funga izvi: Zvinotirwadza kana vamwe vanhu vakafarira kutambura kwedu. Saka isuwo hatifaniri kufarira kutambura kwevamwe, kunyange kana vaine zvimwe zvakaipa zvavakambotiitira.
Kana tichida kukomborerwa naMwari tinofanira kuda vanhu pasinei nekuti vanhu vacho vakaita sei. Imwe nzira yekuratidza nayo rudo ndeyekubatsira vamwe.