NYAYA YEKUDZIDZA 33
Dzidza Pamuenzaniso waDhanieri
“Uri munhu anokosha chaizvo.”—DHAN. 9:23.
RWIYO 73 Tipeiwo Ushingi
ZVICHADZIDZWA a
1. Nei vaBhabhironi vakayemura muprofita Dhanieri?
MUPROFITA Dhanieri aiva mukomana wechidiki paakatorwa nevaBhabhironi semusungwa achiendeswa kure nekumusha kwake. Asi zviri pachena kuti vaBhabhironi vakamuyemura. Vakaona ‘zvaionekwa nemaziso’ kuti Dhanieri akanga ‘asina kana pakaremara, aine chimiro chakanaka’ uye kuti aibva mumhuri inokosha. (1 Sam. 16:7) Saka vakamudzidzisa kuti azoshumira mumuzinda wamambo.—Dhan. 1:3, 4, 6.
2. Jehovha ainzwa sei nezvaDhanieri? (Ezekieri 14:14)
2 Kuva nechimiro chakanaka kana kuti kuva nemabasa anokosha mumuzinda wamambo hakusi iko kwakaita kuti Jehovha ade Dhanieri, asi akada wechidiki uyu nekuti ainge akavimbika kuna Mwari. Kunenge kuti Dhanieri ainge ava kusvitsa makore 20 kana kuti achangoti pfuurei 20 Jehovha paakataura zvakanaka nezvake pamwe chete naNoa naJobho, avo vakanga vashumira Jehovha vakatendeka kwemakore akawanda. (Gen. 5:32; 6:9, 10; Job. 42:16, 17; verenga Ezekieri 14:14.) Jehovha akaramba achida Dhanieri kweupenyu hwake hwese.—Dhan. 10:11, 19.
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Munyaya ino tichaongorora unhu huviri hwaiva naDhanieri hwakamubatsira kuti ave munhu anokosha kuna Jehovha. Tichatanga nekutsanangura unhu hwacho, toona kuti akahuratidza papi. Tichabva tazoona kuti chii chakabatsira Dhanieri kuti ave neunhu ihwohwo. Uye tichapedzisa nekukurukura kuti tingamutevedzera sei. Kunyange zvazvo nyaya ino yakanyorerwa vechidiki, tese tinogona kuwana zvidzidzo pana Dhanieri.
TEVEDZERA USHINGI HWAIVA NADHANIERI
4. Dhanieri akaratidza sei ushingi? Taura muenzaniso.
4 Vanhu vane ushingi vanogona kutya, asi havasiyi kutya ikoko kuchiita kuti varege kuita zvakanaka. Dhanieri aiva jaya rine ushingi. Funga nezvezviitiko zviviri paakaratidza ushingi. Chiitiko chekutanga chinofanira kunge chakaitika anenge makore maviri vaBhabhironi vaparadza Jerusarema. Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi akarota hope dzakamunetsa dzechifananidzo chakakura. Akati aizouraya varume vake vese vakachenjera, kusanganisira Dhanieri, kana vakatadza kumuudza kuti akanga arotei uyewo kana vakatadza kududzira hope dzacho. (Dhan. 2:3-5) Dhanieri aifanira kukurumidza kuita chimwe chinhu nekuti vanhu vakawanda vaizofa. “Akapinda maiva namambo akamukumbira kuti amupe nguva yekumuudza zvairehwa nehope dzacho.” (Dhan. 2:16) Izvozvo zvaida ushingi uye kutenda. Hapana chinoratidza kuti Dhanieri akanga ambodudzira hope izvi zvisati zvaitika. Akakumbira shamwari dzake, idzo dzaiva nemazita echiBhabhironi anoti Shadreki, Misheki naAbhedhinego, “kuti vanyengetere kuna Mwari wekudenga vachikumbira kuti avanzwire nyasha ovaudza hope dzacho.” (Dhan. 2:18) Jehovha akapindura minyengetero iyoyo. Achibatsirwa naMwari, Dhanieri akadudzira hope dzaNebhukadhinezari. Dhanieri neshamwari dzake havana kuzourayiwa.
5. Ndeipi imwe nguva iyo Dhanieri aifanira kuva neushingi?
5 Pane imwe nguva pashure pekunge Dhanieri adudzira hope dzechifananidzo chikuru, pakaitikazve chimwe chinhu chaida kuti aratidze ushingi. Nebhukadhinezari akarotazve hope dzakamutyisa. Akarota zimuti rakakura. Dhanieri akaratidza ushingi ndokutsanangurira mambo zvairehwa nehope dzacho, kusanganisira mashoko ekuti mambo aizopenga obviswa pachigaro cheumambo kwenguva yakati kuti. (Dhan. 4:25) Mambo aigona kuona mashoko iwayo sekuti kwaiva kumupandukira uye aigona kuuraya Dhanieri wacho. Asi Dhanieri akaratidza ushingi ndokutsanangura hope dzacho.
6. Chii chingangodaro chakabatsira Dhanieri kuti ave neushingi?
6 Chii chingangodaro chakabatsira Dhanieri kuti ave neushingi kweupenyu hwake hwese? Paakanga achiri mudiki, akadzidza kubva pane zvaiitwa nababa naamai vake. Zviri pachena kuti vaiteerera mirayiro yakapiwa vabereki vechiIsraeri naJehovha, uye vakadzidzisa mwana wavo Mutemo waMwari. (Dheut. 6:6-9) Dhanieri aiziva Mirayiro Gumi uye aizivawo zvimwe zvinhu zvakawanda zvaitaurwa muMutemo. Semuenzaniso, aiziva zvaigona kudyiwa nevaIsraeri uye zvavaisafanira kudya. b (Revh. 11:4-8; Dhan. 1:8, 11-13) Dhanieri akadzidzawo nezvenhoroondo yevanhu vaMwari uye aiziva zvaiitika kwavari pavairega kurarama maererano nemitemo yaJehovha. (Dhan. 9:10, 11) Zvakaitika muupenyu hwaDhanieri zvakaita kuti ave nechokwadi chekuti aitsigirwa naJehovha nengirozi dzake dzine simba.—Dhan. 2:19-24; 10:12, 18, 19.
7. Chii chimwe chakabatsira Dhanieri kuti ave neushingi? (Onawo mufananidzo.)
7 Dhanieri aidzidza zvinyorwa zvevaprofita vaMwari, kusanganisira uprofita hwakanyorwa naJeremiya. Kubva pane zvaakadzidza, Dhanieri akazonzwisisa kuti vaJudha avo vainge vava nemakore vari nhapwa muBhabhironi vakanga vava pedyo nekusunungurwa. (Dhan. 9:2) Zviri pachena kuti kuona kwaakaita uprofita hweBhaibheri huchizadzika kwakaita kuti awedzere kuvimba naJehovha uye vaya vanonyatsovimba naMwari vanogona kuva vanhu vakashinga chaizvo. (Enzanisa naVaRoma 8:31, 32, 37-39.) Chinonyanya kukosha ndechekuti Dhanieri aigara achinyengetera kuna Baba vake vekudenga. (Dhan. 6:10) Aireurura zvitadzo zvake kuna Jehovha uye aimuudza manzwiro ake. Uye Dhanieri aikumbira rubatsiro. (Dhan. 9:4, 5, 19) Aingovawo munhu akaita sesu, saka haana kuberekwa aine ushingi. Asi kudzidza, kunyengetera, uye kuvimba naJehovha kwakaita kuti ave neushingi.
8. Tingaitei kuti tive neushingi?
8 Kuti tive neushingi, tinofanira kuitei? Vabereki vedu vanogona kutikurudzira kuti tive neushingi, asi kana vaine ushingi hazvirevi kuti tichabva tatongovawo nahwo. Kuva neushingi kwakafanana nekudzidza kuita chimwe chinhu chitsva. Imwe nzira yaunogona kudzidza kuita chimwe chinhu ndeyekunyatsotarisa zvinenge zvichiitwa nemudzidzisi wako wobva wamutevedzera. Saizvozvowo, tinodzidza kuva neushingi patinonyatsotarisa kuti vamwe vari kuhuratidza sei tobva tavatevedzera. Saka tadzidzei pana Dhanieri? Kungofanana naye, tinofanira kunyatsoziva Shoko raMwari. Tinofanira kuva neushamwari hwepedyo naJehovha, uye izvi tinozviita nekugara tichitaura naye takasununguka. Uye tinofanira kuvimba naJehovha, tichinyatsova nechokwadi chekuti ari kutitsigira. Panozoedzwa kutenda kwedu, tichava neushingi.
9. Tinobatsirwa sei patinova neushingi?
9 Tinobatsirwa munzira dzakawanda patinova neushingi. Funga zvakaitika kuna Ben. Akadzidza pane chimwe chikoro chemuGermany, uye vanhu vese vepachikoro ipapo vaibvuma kuti zvinhu zvakaita zvekushanduka uye vainzwa sekuti nyaya inotaura nezvekusikwa kwezvinhu iri muBhaibheri ingano. Rimwe zuva Ben akanzi amire pamberi pekirasi otsanangura kuti nei achitenda kuti zvinhu zvakaita zvekusikwa. Akataura zvaaitenda neushingi. Zvakaguma nei? Ben anoti: “Mudzidzisi wangu akanyatsoteerera, uye akaita kuti munhu wese wemukirasi medu awane mashoko andainge ndashandisa pakutsigira zvandinotenda.” Vemukirasi maBen vakaita sei? Ben anoti: “Vakawanda vavo vakanga vava kunditeerera uye vakataura kuti vaindiyemura.” Sezvataona pane zvakaitwa naBen, vanhu vane ushingi vanowanzoremekedzwa nevamwe. Vanogonawo kuita kuti vanhu vane mwoyo inoda chokwadi vade kuziva nezvaJehovha. Zviri pachena kuti tine zvikonzero zvakanaka zvekuti tive neushingi.
TEVEDZERA KUVIMBIKA KWAINGE KWAKAITA DHANIERI
10. Kuvimbika kuita sei?
10 MuBhaibheri, shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kuvimbika,” kana kuti “rudo rusingachinji,” rine pfungwa yerudo rwakadzama uye shoko racho rinowanzoshandiswa pakurondedzera kuda kunoita Mwari vashumiri vake. Shoko rimwe chete iroro rinoshandiswawo pakutsanangura rudo runoratidzwa pakati pevashumiri vaMwari. (2 Sam. 9:6, 7) Kuvimbika kwatakaita kunogona kuwedzera kusimba nekufamba kwenguva. Ngationei kuti Dhanieri akaitei kuti kuvimbika kwake kuwedzere kusimba.
11. Dhanieri akasangana nemuedzo upi wekuvimbika paakanga akwegura? (Ona mufananidzo uri pakavha.)
11 Kuvimbika kwaDhanieri kuna Jehovha kwakaedzwa muupenyu hwake hwese. Asi mumwe wemiedzo yakakura chaizvo wakauya paakanga ava kumakore ekuma90. Panguva iyi Bhabhironi rakanga ratorwa nevaMedhiya nevaPezhiya uye raitongwa naMambo Dhariyasi. Makurukota emumuzinda wamambo aisafarira Dhanieri uye aisaremekedza Mwari waainamata. Saka vakaronga kuurayisa Dhanieri. Vakaita kuti mambo asaine mutemo waizoita kuti Dhanieri aedzwe kuti ainge akavimbika kuna Mwari wake here kana kuti kuna mambo. Chaingodiwa kuti Dhanieri aratidze kuvimbika kwake kuna mambo ofanana nevamwe vanhu vese, kwaiva kurega kunyengetera kuna Jehovha kwemazuva 30. Dhanieri akasarudza kuramba akavimbika kuna Jehovha. Saka akakandwa mugomba reshumba. Asi Jehovha akapa Dhanieri mubayiro wekuvimbika kwake nekumununura pamiromo yeshumba. (Dhan. 6:12-15, 20-22) Tingaitei kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha sezvakaita Dhanieri?
12. Dhanieri akaitei kuti akwanise kuramba akavimbika kuna Jehovha?
12 Kuti munhu ave akavimbika kuna Jehovha, anofanira kumuda zvakasimba. Dhanieri akaramba akavimbika kuna Jehovha nekuti aida chaizvo Baba vake vekudenga. Zviri pachena kuti Dhanieri akasvika pakuda Jehovha nekuti aiwana nguva yekufungisisa nezveunhu hwaJehovha uye kuti anohuratidza sei. (Dhan. 9:4) Dhanieri aifungisisawo achionga zvinhu zvese zvakanaka zvaakanga aitirwa naJehovha uye zvaaiitira vanhu vake.—Dhan. 2:20-23; 9:15, 16.
13. (a) Kuvimbika kwevechidiki vedu kunoedzwa sei? Taura muenzaniso. (Onawo mufananidzo.) (b) Sezvinoratidzwa muvhidhiyo, ungapindura sei kana vamwe vakakubvunza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinotsigira vaya vanosarudza kuita ungochani here?
13 Kungofanana naDhanieri, vechidiki vedu vanoswera nevanhu vasingaremekedzi Jehovha uye mitemo yake. Vanhu vakadaro vangasafarira chero ani zvake anoda Mwari. Vamwe vacho vanotoedza kumanikidza vechidiki vedu kuti varege kuramba vakavimbika kuna Jehovha. Semuenzaniso, ona zvakaitika kune mumwe mukomana anonzi Graeme anogara kuAustralia. Akasangana nemuedzo wakaoma paaiva kuchikoro chesekondari. Mumwe mudzidzisi akabvunza kirasi yacho kuti yaizoita sei kana shamwari ikavaudza kuti ingochani. Mudzidzisi wacho akataura kuti vese vanoti hapana chakaipa kuti mumwe munhu ave ngochani vamire kudivi rimwe chete, uye vese vaisabvumirana nazvo vomirawo kune rimwe divi. Graeme anoti, “Kirasi yese yakaenda kudivi revaitsigira ungochani kunze kwangu nemumwe mukomana aiva Chapupu.” Zvakabva zvazoitika waiva muedzo wakakura chaizvo kuna Graeme pakuramba akavimbika kuna Jehovha. Anoti: “Kweawa yese, vamwe vadzidzi kunyange nemudzidzisi wedu, vakatituka. Ndakaita zvese zvandaigona kuti ndidzivirire kutenda kwangu ndakadzikama, asi havana kuteerera kana shoko rimwe chete randakataura.” Zvakaitika izvi zvakaita kuti Graeme anzwe sei? Anoti: “Ndaisada kutukwa sezvandakaitwa, asi ndakafara chaizvo kuziva kuti ndakanga ndakwanisa kudzivirira kutenda kwangu ndichiramba ndakavimbika kuna Jehovha.” c
14. Ndechipi chimwe chinhu chatingaita kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha?
14 Tinogona kuramba takavimbika kuna Jehovha kana tikamuda zvikuru sezvakaita Dhanieri. Tinowedzera kuda Jehovha patinodzidza nezveunhu hwake. Semuenzaniso, tinogona kudzidza nezvezvinhu zvaakasika. (VaR. 1:20) Kana uchida kuwedzera kuda Jehovha uye kumuremekedza, unogona kuverenga nyaya pfupi dziri muchikamu chakanzi “Zvakangoitika Zvega Here?” kana kuona mavhidhiyo acho. Unogonawo kuverenga mabhurocha anoti Was Life Created? uye The Origin of Life—Five Questions Worth Asking. Ichitaura nezvemabhurocha iwayo, imwe hanzvadzi yechidiki yekuDenmark inonzi Esther yakati: “Pfungwa dzirimo dzakanaka chaizvo. Mabhurocha acho haakuudzi zvekutenda. Anongoisa chokwadi pachena, okurega uchiita chisarudzo.” Ben ambotaurwa nezvake, anoti: “Mashoko acho anosimbisa kutenda chaizvo. Akaita kuti ndive nechokwadi chekuti Mwari akasika upenyu.” Pashure pekudzidza mashoko aya, unogona kubvumirana neBhaibheri parinoti: “Jehovha, Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nekuremekedzwa nesimba, nekuti makasika zvinhu zvese.”—Zvak. 4:11. d
15. Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha?
15 Zvimwe zvatingaita kuti tide Jehovha zvikuru, kunyatsodzidza nezveupenyu hweMwanakomana wake Jesu. Imwe hanzvadzi yechidiki inonzi Samira, iyo inogara kuGermany yakaita izvozvo. Samira anoti: “Ndakasvika pakuziva Jehovha zviri nani kuburikidza naJesu.” Paaiva mwana, Samira aitadza kunzwisisa kuti sei Jehovha achinzi ane manzwiro. Asi aigona kunzwisisa kuti Jesu ane manzwiro. Anowedzera kuti: “Ndaifarira Jesu nekuti aiva neushamwari uye aida vana.” Paaiwedzera kudzidza nezvaJesu, aiwedzerawo kuva neushamwari naJehovha. Nei zvakadaro? Anoti: “Zvishoma nezvishoma ndakanzwisisa kuti Jesu anonyatsotevedzera Baba vake. Vakafanana chaizvo. Ndakaona kuti ichi chaiva chimwe chezvikonzero nei Jehovha akatuma Jesu panyika, kuti vanhu vawedzere kuziva Jehovha.” (Joh. 14:9) Kana uchida kusimbisa ushamwari hwako naJehovha, ita nguva yakawanda sezvaunogona uchidzidza nezvaJesu. Kana ukadaro, kuda kwaunoita Jehovha uye kuvimbika kwawakaita kwaari kunowedzera.
16. Nei tichifanira kuva vakavimbika? (Pisarema 18:25; Mika 6:8)
16 Vaya vakavimbika vanowanzova neushamwari hwepedyo nevamwe hunogara kwenguva refu. (Rute 1:14-17) Uye vanhu vakavimbika kuna Jehovha vane chikonzero chakanaka chekunzwa vakagadzikana. Nei zvakadaro? Nekuti Jehovha anovimbisa kuva akavimbika kune vaya vakavimbika kwaari. (Verenga Pisarema 18:25; Mika 6:8.) Chimbozvifunga, Musiki wezvinhu zvese anoda kuva neushamwari hwepedyo nesu! Uye patinova neushamwari hwepedyo naJehovha saizvozvo, zvinhu zvinoti miedzo, kupikiswa, kunyange rufu, hazvikwanisi kutiparadzanisa naye. (Dhan. 12:13; Ruka 20:37, 38; VaR. 8:38, 39) Saka zvinokosha chaizvo kuti titevedzere Dhanieri uye tirambe takavimbika kuna Jehovha!
RAMBA UCHIDZIDZA PANA DHANIERI
17-18. Chii chimwe chatingadzidza pana Dhanieri?
17 Munyaya ino, tadzidza unhu huviri chete hwaDhanieri. Asi pane zvakawanda zvatinogona kudzidza paari. Semuenzaniso, Jehovha akaita kuti Dhanieri aone zviratidzo zvaitevedzana uye arote hope, uye akaita kuti akwanise kududzira mashoko euprofita. Uprofita hwakawanda hwacho hwakatozadzika. Humwe hwacho hunotaura nezvezvinhu zvichaitika mune ramangwana izvo zvichabata-bata munhu wese anogara panyika.
18 Munyaya inotevera, tichaongorora uprofita huviri hwakanyorwa naDhanieri. Kunzwisisa uprofita ihwohwo kunogona kutibatsira tese, vakuru nevadiki kuti tiite zvisarudzo zvekuchenjera iye zvino. Uprofita ihwohwo hunogonawo kutibatsira kuti tiwedzere kuva neushingi uye kuti tirambe takavimbika kuitira kuti tigadzirire kusangana nemiedzo iri mberi.
RWIYO 119 Tinofanira Kuva Nekutenda
a Mazuva ano vashumiri vaJehovha vechidiki vanowanzosangana nemamiriro ezvinhu angada kuti varatidze ushingi uye varambe vakavimbika kuna Jehovha. Vavanodzidza navo kuchikoro vanogona kuvaseka nekuti vanotenda kuti zvinhu zvakasikwa. Kana kuti vamwe vezera ravo vangavaseka nekuti vanoshumira Mwari uye vanorarama maererano nemitemo yake. Asi sezvatichaona munyaya ino, vaya vanotevedzera muprofita Dhanieri uye vanoshumira Jehovha vaine ushingi uye vakavimbika vanoratidza kuti vakachenjera
b Dhanieri aiva nezvikonzero zvinenge zvitatu zvaiita kuti arambe kudya zvekudya zvevaBhabhironi. Zvikonzero zvacho zvinoti: (1) Nyama yacho inogona kunge yaiva yemhuka dzairambidzwa neMutemo. (Dheut. 14:7, 8) (2) Nyama yacho inogona kunge yaisanyatsobudiswa ropa. (Revh. 17:10-12) (3) Kudya zvekudya izvozvo kwaigona kuonekwa sekutonamata mwari wenhema.—Enzanisa naRevhitiko 7:15 uye 1 VaKorinde 10:18, 21, 22.
c Ona vhidhiyo iri pajw.org inonzi “Kururama Kwechokwadi Kunounza Rugare.”
d Kuti uwedzere kuda Jehovha, unogonawo kudzidza bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha, iro rinokurukura zvakadzama unhu hwaJehovha.