Zvaungaita Pakudzidza
Dzidza Zvakawanda nezvaJehovha
Patinoverenga Bhaibheri, tinogona kushandisa zvinhu zvakasiyana-siyana pakutsvakurudza kuti tiwedzere kunzwisisa zvatinenge tichiverenga. Asi chinangwa chekudzidza kwatinoita hachisi chekungoda kuwedzera kuziva kwatinoita Bhaibheri. Tinoda kudzidza zvakawanda nezvaJehovha izvo zvichaita kuti tiwedzere kumuda. Kuti tiite izvozvo, tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Nyaya iyi yemuBhaibheri inondidzidzisei nezvaJehovha?’
Tinogona kutsvaga kuti Jehovha akaratidza sei kuti ndiMwari ane rudo, ane uchenjeri, anotonga zvakarurama uye ane simba. Asi izvi handizvo zvega zvakaita Jehovha. Anewo humwe unhu hwakawanda hwakanaka chaizvo. Ndekupi kwaungawana mashoko akawanda nezveunhu hwake?
Tarisa humwe unhu hunopfuura 50 muWatch Tower Publications Index pamusoro wakanzi “Jehovah” wobva waenda pakamusoro kakanzi “Qualities by Name.” Tsvakurudza zvinoenderana nenyaya yemuBhaibheri yaunenge uchiverenga. (Kana kuri kuti unongokwanisa kuwana Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza, tarisa pamusoro wakanzi “Jehovha Mwari,” wobva waenda pakamusoro kakanzi “Unhu hwaJehovha.”)