Mubvunzo Uri Nyore Watinogona Kubvunza
Mary nemurume wake, John, a vanogara mune imwe nyika mavanokwanisa kuparidzira vanhu vakawanda vanobva kuPhilippines vanenge vauya kumabasa. Panguva yeCOVID-19, Mary akakwanisa kutanga zvidzidzo zveBhaibheri munyika maanogara uyewo mune dzimwe nyika. Akazvigona sei?
Mary aibvunza vadzidzi vake veBhaibheri kuti, “Pane wamunoziva here angada kudzidza Bhaibheri?” Kana mudzidzi wacho akati ane waanoziva, Mary aibva akumbira kuti ataure nemunhu wacho. Kazhinji kubvunza mubvunzo uyu uri nyore kunobatsira chaizvo. Nei zvakadaro? Vanhu vanokoshesa Shoko raMwari vanowanzoda kuudzawo hama neshamwari dzavo zvavanenge vachidzidza. Saka kubvunza mubvunzo uyu kwakabatsirei?
Mudzidzi weBhaibheri waMary ainzi Jasmin akamuudza nezvevamwe 4 vaida kudzidza Bhaibheri. Pakati pavo paiva nemumwe ainzi Kristine ainakidzwa chaizvo nekudzidza kwaaiita zvekuti akatokumbira Mary kuti vadzidze kaviri pavhiki. Mary paakabvunza Kristine kana paiva nemunhu waaiziva aida kudzidza Bhaibheri, Kristine akati, “Ndichaita kuti uzivane neshamwari dzangu.” Mumavhiki mashomanana, Kristine akaudza Mary nezveshamwari dzake 4 dzaida kudzidza Bhaibheri. Pava paya, akaudzazve Mary nezvedzimwe shamwari dzake uye shamwari idzodzo dzakazoudzawo Mary nezvedzimwe shamwari dzavo dzaidawo kudzidza Bhaibheri.
Kristine aidawo kuti vemumhuri make vaiva kuPhilippines vadzidze Bhaibheri. Saka akataura nemwanasikana wake anonzi Andrea. Pakutanga, Andrea aifunga kuti, ‘Chitendero cheZvapupu hachinzwisisiki, havatendi muna Jesu, uye vanongoshandisa Testamende Yekare chete.’ Asi pashure pekunge angodzidza kamwe chete, akaona kuti zvaaifunga hazvisirizvo. Pese paaidzidza chimwe chinhu chitsva aiwanzotaura kuti, “Ndizvo zviri muBhaibheri, saka zvinofanira kunge zviri zvechokwadi!”
Nekufamba kwenguva, Andrea akaita kuti Mary atange kudzidza neshamwari dzake mbiri uye nemumwe waanoshanda naye. Mary aisaziva kuti tete vaAndrea vanonzi Angela, avo vasingaoni, vaiteerera paaidzidza naAndrea. Rimwe zuva, Angela akakumbira Andrea kuti audze Mary kuti aidawo kudzidza Bhaibheri. Angela akafarira chaizvo zvaaidzidza zvekuti mumwedzi mumwe chete, akanga abata nemusoro mavhesi eBhaibheri akawanda uye aida kudzidza ka4 pavhiki! Achibatsirwa naAndrea, Angela akabva atotanga kupinda misangano achishandisa indaneti.
Mary paakaziva kuti murume waKristine anonzi Joshua aiteererawo pavaidzidza, akamubvunza kana aidawo kudzidza Bhaibheri. Joshua akati, “Ndichangoteerera, asi usandibvunza mibvunzo; ukangondibvunza ndinobva ndabuda.” Mumaminitsi 5 vachangotanga kudzidza, Joshua akabvunza mibvunzo yakawanda kupfuura yakabvunzwa naKristine uye akatozobvuma kudzidza Bhaibheri.
Mubvunzo iwoyo waibvunzwa naMary wakaita kuti akwanise kuwana vanhu vakawanda vaida kudzidza Bhaibheri. Akatozoronga kuti vamwe vavo vadzidze nezvimwe Zvapupu. Akakwanisa kutanga zvidzidzo zveBhaibheri 28 nevanhu vaiva munyika 4.
Jasmin, uyo atanga kutaurwa nezvake munyaya ino, akabhabhatidzwa muna April 2021. Kristine akabhabhatidzwa muna May 2022 uye akadzokera kuPhilippines kuti agare nemhuri yake. Vamwe vaviri vakatanga kudzidza Bhaibheri pashure pekunge Kristine audza Mary nezvavo, vakabhabhatidzwawo. Angela akabhabhatidzwa pashure pemwedzi mishoma Kristine abhabhatidzwa, uye atova piyona wenguva dzese. Murume waKristine, Joshua, nemwanasikana wavo, Andrea, uyewo vamwe vadzidzi veBhaibheri vari kufambira mberi.
Makore akatanga chiKristu, vanhu vakawanda vakaudza hama neshamwari dzavo zvavakanga vadzidza nezvaJesu. (Joh. 1:41, 42a; Mab. 10:24, 27, 48; 16:25-33) Unogonawo kubvunza zvidzidzo zvako zveBhaibheri nevamwewo vanofarira kuti, “Pane wamunoziva here angada kudzidza Bhaibheri?” Kana ukadaro, unogona kutoona kuti mubvunzo iwoyo uchakubatsira kuti uwane vanhu vakawanda vanenge vachida kudzidza Bhaibheri.
a Mazita akachinjwa.