Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzwira Tsitsi “Vanhu Vemarudzi Ose”

Nzwira Tsitsi “Vanhu Vemarudzi Ose”

JESU paakadzidzisa vadzidzi vake kuparidza mashoko akanaka, akavayambira kuti vamwe vanhu vaisazofarira mashoko eUmambo. (Ruka 10:3, 5, 6) Patinenge tiri muushumiri, tinogona kusangana nevanhu vanotibata zvisina kunaka kana kutotitambudza. Izvi zvinogona kuita kuti tiomerwe nekuramba tichinzwira tsitsi vanhu vatinoparidzira.

Munhu ane tsitsi anoona matambudziko evamwe, anovanzwira tsitsi uye anoda kuvabatsira. Asi kana kunzwira tsitsi kwatinoita vanhu vatinosangana navo muushumiri kukaderera, kushingaira uye kubudirira kwedu kunogonawo kutanga kuderera. Asi patinonzwira vamwe tsitsi, zvinoita sekuti tiri kuwedzera huni mumoto, saka kushingaira kwedu muushumiri kunoramba kuchibvira semoto!​—1 VaT. 5:19.

Tingaita sei kuti tiratidze tsitsi kunyange pazvinenge zvakaoma kuti tidaro? Ngationei kuti tingatevedzera sei Jehovha, Jesu uye muapostora Pauro.

TEVEDZERA TSITSI DZAJEHOVHA

Kwezviuru zvemakore, Jehovha ari kutsungirira kuzvidzwa kuri kuitwa zita rake. Asi anoramba achiratidza “mutsa kune vasingaongi nevakaipa.” (Ruka 6:35) Anoratidza sei kuti ane mutsa? Ane mwoyo murefu nevanhu vese. Jehovha anoda kuti “vanhu vemarudzi ose” vaponeswe. (1 Tim. 2:3, 4) Kunyange zvazvo Mwari achivenga uipi, anokoshesa vanhu uye hapana waanoda kuti arasikirwe neupenyu.​—2 Pet. 3:9.

Jehovha anoziva kuti Satani anogona chaizvo kuita kuti vanhu vatende zvinhu zvenhema. (2 VaK. 4:3, 4) Vamwe vakadzidziswa nhema uye tsika dzakaipa kubvira vachiri vadiki, uye izvi zvinoita kuti vaomerwe nekugamuchira chokwadi. Jehovha anoda kubatsira vanhu vakadaro. Tinozviziva sei?

Chimbofunga kuti Jehovha aiona sei vaNinivhi. Pasinei neutsinye hwavaiva nahwo, Jehovha akati kuna Jona: “Ndaisafanira kunzwira urombo Ninivhi guta guru, mune vanhu vanopfuura zviuru zana nemakumi maviri vasingambozivi musiyano woruoko rwavo rworudyi noruboshwe rwavo [here]?” (Jona 4:11) Jehovha akanzwira vaNinivhi tsitsi nekuti vakanga vasingazivi chokwadi nezvake. Saka akatuma Jona kuti avayambire.

Tinokoshesawo vanhu sezvinoita Jehovha. Tinogona kumutevedzera nekuedza kubatsira chero munhu anotiteerera, kunyange zvazvo zvingaita sekuti haazogamuchiri chokwadi.

TEVEDZERA TSITSI DZAJESU

Kufanana naBaba vake, Jesu ainzwira vanhu tsitsi “nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Jesu akaona kuti vanhu vaiuya kuzonzwa zvaaitaura vakanga vadzidziswa nhema uye vaibatwa zvisina kunaka nevatungamiriri vavo vezvitendero. Kunyange zvazvo aiziva kuti vakawanda vavo vaizorega zvinhu zvakasiyana-siyana zvichivatadzisa kuva vateveri vake, Jesu ‘akavadzidzisa zvinhu zvizhinji.’​—Mako 4:1-9.

Usagumbuka kana munhu akasafarira chokwadi paunotanga kumuona

Upenyu hunochinja, ndizvo zvinoitawo kufarira kunoita munhu chokwadi

Vanhu pavanoramba kuteerera mashoko edu, tinofanira kuedza kunzwisisa kuti chii chinenge chichiita kuti vadaro. Vamwe vanogona kunge vachifunga zvisiri izvo nezveBhaibheri kana kuti nezvechiKristu zvichibva pane zvakaipa zvavanoona zvichiitwa nevanhu vanozviti vaKristu. Zvichida vamwe vakaudzwa nhema pamusoro pezvatinotenda. Vamwe vanoshorwa nevanhu vemunharaunda kana kuti vemumhuri kana vakateerera zvatinodzidzisa.

Vamwe vatinoona patinoparidza vanogona kusada kutiteerera nemhaka yezvinhu zvinorwadza zvavakasangana nazvo. Mumwe mumishinari anonzi Kim anoti: “Mune chimwe chikamu chenyika yatinoparidza makamboitika hondo yakakonzera kuti vanhu vakawanda varasikirwe nezvinhu zvavo zvese. Havana tariro yechokwadi yeramangwana. Vachiri kurwadziwa uye havachavimbi nevanhu. Munzvimbo iyi tinowanzosangana nevanhu vasingafariri zvatinoparidza. Mumwe musi ndakarohwa pandaiparidza.”

Chii chinoita kuti Kim arambe achinzwira vanhu tsitsi iye achibatwa seizvi? Anoti: “Pandinobatwa zvisina kunaka, ndinoedza kuramba ndichiyeuka mashoko ari pana Zvirevo 19:11, anoti: ‘Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake.’ Kuyeuka zvakamboitika kuvanhu vatinoona muushumiri kunoita kuti tivanzwire tsitsi. Asi haasi munhu wese anotibata zvisina kunaka. Pane vamwe vanofarira chaizvo vatinodzokera kunoona munzvimbo iyoyo.”

Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Dai ndiri ini ndiri kuparidzirwa ndaizoteerera mashoko eUmambo here?’ Semuenzaniso, ko kudai taigara tichiudzwa nhema pamusoro peZvapupu zvaJehovha? Zvichida nesuwo taisazoteerera uye zvaizokosha kuti vamwe vatinzwire tsitsi. Kana tikayeuka murayiro waJesu wekuitira vamwe zvatinoda kuitirwa, tinonzwa tichida kuratidza tsitsi kunyange pazvinenge zvakaoma kuti tidaro.​—Mat. 7:12.

TEVEDZERA TSITSI DZAPAURO

Muapostora Pauro akanzwira tsitsi kunyange vanhu vaida kumukuvadza. Nei akaita izvozvo? Haana kukanganwa mararamiro aaimboita kare. Akati: “Kare ndaiva munhu anomhura nomutambudzi nomunhu aiita zvakaipa. Kunyange zvakadaro, ndakanzwirwa ngoni, nokuti ndakanga ndisingazivi uye ndakazviita ndisina kutenda.” (1 Tim. 1:13) Akaona kuti Jehovha naJesu vakanga vamunzwira ngoni dzakakura. Anogona kunge akaona kuti vamwe vanhu vaaiparidzira vaiva neunhu hwaaimbova nahwo.

Dzimwe nguva Pauro aisangana nevanhu vainge vakanyura mudzidziso dzenhema. Aiita sei? Mabasa 17:16 inoti paakanga ari muAtene “akashatiriswa mumwoyo make paakaona kuti guta rakanga rakazara nezvidhori.” Kunyanye zvakadaro, Pauro akashandisa chinhu chakanga chamushatirisa kuti aparidzire vanhu vacho. (Mab. 17:22, 23) Akaita kuti nzira dzaaishandisa pakuparidza dzienderane nevanhu vakasiyana-siyana kuitira ‘kuti aponese vamwe.’​—1 VaK. 9:20-23.

Tinogona kutevedzera zvakaitwa naPauro patinoparidzira vanhu vasingafariri kana kuti vanotenda dzidziso dzenhema. Tinogona kushandisa zvatinoziva nezvavo kuti tivadzidzise “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani.” (Isa. 52:7) Imwe hanzvadzi inonzi Dorothy inoti: “Vanhu vakawanda vari mundima medu vakadzidziswa kuti Mwari ane utsinye uye anoda kungopa vanhu mhosva. Ndinorumbidza vanhu vacho nekutenda kwavanoita kuti kuna Mwari ndobva ndavaratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJehovha uye zvaachaita mune ramangwana.”

“RAMBA UCHIKUNDA ZVAKAIPA NEZVAKANAKA”

Sezvatinoswedera pedyo nemugumo, tinoziva kuti maitiro evanhu vatinoparidzira ‘achabva pakuipa achienda pakuipisisa.’ (2 Tim. 3:1, 13) Asi hatifaniri kurega izvi zvichititadzisa kunzwira vamwe tsitsi kana kutishayisa mufaro. Jehovha anogona kutipa simba rekuti ‘tirambe tichikunda zvakaipa nezvakanaka.’ (VaR. 12:21) Mumwe piyona anonzi Jessica anoti: “Ndinowanzosangana nevanhu vanozvikudza, vanotitarisira pasi uye vanoshora mashoko edu. Izvi zvinombondisvota. Pandinotanga kutaura nemunhu ndinonyengetera kuna Jehovha nechemumwoyo ndichimukumbira kuti andibatsire kuona munhu wacho semaonero aanomuita. Izvi zvinoita kuti ndisaisa pfungwa dzangu pamanzwiro andinenge ndichiita asi kuti ndifunge zvandingaita kuti ndibatsire munhu wacho.”

Tinoramba tichitsvaga vanhu vane mafungiro akanaka anoita kuti vawane upenyu husingaperi

Nekufamba kwenguva vamwe vanozobvuma kudzidza Bhaibheri vowana chokwadi

Tinofanirawo kufunga zvatingaita kuti tikurudzire vamwe vaparidzi. Jessica anoti: “Kana mumwe wedu akasangana nezvinhu zvinoodza mwoyo, ndinoedza kusaramba ndichitaura nezvazvo. Ndinochinja nyaya ndotanga kutaura zvinhu zvakanaka, zvakadai sekubatsira kunoita basa redu rekuparidza pasinei nezvingaitwa nevamwe vasingafariri.”

Jehovha anonyatsoziva matambudziko atinosangana nawo muushumiri. Anofara chaizvo patinotevedzera tsitsi dzake! (Ruka 6:36) Asi Jehovha haazorambi achinzwira vanhu tsitsi. Tine chivimbo chekuti anonyatsoziva nguva yakakodzera yaachagumisa nyika ino yakaipa. Saka tinofanira kukurumidza kuita basa rekuparidza mugumo usati wasvika. (2 Tim. 4:2) Ngatirambei tichiita basa redu ratakapiwa tichishingaira uye tichinzwira tsitsi “vanhu vemarudzi ose.”