Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mudzimu Wacho Unopupurirana Nomudzimu Wedu

Mudzimu Wacho Unopupurirana Nomudzimu Wedu

“Iwo mudzimu wacho unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari.”​—VAR. 8:16.

NZIYO: 109, 108

1-3. Zvii zvakaita kuti Pendekosti ya33 C.E. ive zuva rinokosha, uye zvakazadzisa sei Magwaro? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

WAKANGA uri musi weSvondo mugore ra33 C.E. Zuva iri ndiro raiitwa mutambo wePendekosti uye raivawo sabata. Musi uyu waikosha kuvanhu vaiva muJerusarema uye vanhu vese vaifara. Zvibayiro zvemangwanani zvakanga zvatopiwa kare patemberi. Panenge panguva dza9 mangwanani iwayo, mupristi mukuru akanga ava kugadzirira kupa chinopiwa chinozunguzirwa. Chinopiwa ichi chaiva chezvingwa zviviri zvine mbiriso zvegorosi raitanga kuibva. (Revh. 23:15-20) Chairatidza kuti gorosi rava kutanga kukohwewa.

2 Paiitika zvese izvi mutemberi, pane chimwe chinhu chinokosha chainge chava kuda kuitika. Chakanga chisingazoitikiri patemberi, asi mune imwe imba yepamusoro yaiva muguta iroro. Muimba iyoyo makanga makaungana vaKristu vanenge 120, uye “vairamba vachinyengetera.” (Mab. 1:13-15) Zvainge zvava kuda kuitika zvaienderana nezvaiitwa nemupristi mukuru pazuva rePendekosti gore negore. Zvaizadzisawo uprofita hwakataurwa nemuprofita Joeri makore anenge 800 zuva iri risati rasvika. (Joe. 2:28-32; Mab. 2:16-21) Zvii zvinokosha zvakanga zvava kuda kuitika?

3 Verenga Mabasa 2:2-4. VaKristu vaiva muimba yepamusoro vakazadzwa nemudzimu mutsvene waMwari. (Mab. 1:8) Vakatanga kuprofita kana kuti kupupura pamusoro pezvinhu zvinoshamisa zvavakanga vaona uye zvavakanga vanzwa. Muapostora Petro akatsanangurira boka guru revanhu vakanga vaungana kuti zvakanga zvaitika izvi zvairevei. Akabva avaudza kuti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi zvenyu, uye muchagamuchira chipo chepachena chomudzimu mutsvene.” Vanhu vanenge 3 000 vakaita zvakataurwa naPetro, uye vakabhabhatidzwa ndokugamuchira mudzimu mutsvene wakanga wavimbiswa.—Mab. 2:37, 38, 41.

4. (a) Nei zvakaitika paPendekosti ya33 C.E. zvichikosha kwatiri? (b) Makore akawanda akanga apfuura, chii chinokosha chingangodaro chakaitika pazuva iroro raichengetwa Pendekosti? (Ona mamwe mashoko.)

4 Nei Pendekosti ya33 C.E. ichikosha chaizvo kwatiri? Zvakaitika patemberi yemuJerusarema hazvisi izvo zvinoita kuti ikoshe. Chinoita kuti ikoshe ndechekuti Jesu Kristu, seMupristi Mukuru pane vese, akazadzisa zvakanga zvagara zvichiitwa pamutambo iwoyo. [1] Pazuva raiitwa mutambo uyu mupristi mukuru aipa zvingwa zviviri zvine mbiriso kuna Jehovha. Zvingwa izvozvo zvaifananidzira vadzidzi vakazodzwa avo vakatorwa muvanhu vane chivi kuti vave vanakomana vaMwari. Kubvira pavadzidzi ava zvichienda mberi ndipo pakatanga kusarudzwa vanhu vaizoenda kudenga kuti vave muUmambo huchaita kuti vamwe vanhu vese vanoteerera vawane makomborero akawanda. VaKristu ivavo avo vanoenda kudenga vanonziwo “zvibereko zvokutanga.” (Jak. 1:18; 1 Pet. 2:9) Saka pasinei nekuti tine tariro yekuenda kudenga kunotonga naJesu kana kuti yekugara muparadhiso panyika nekusingaperi, zvakaitika paPendekosti iyi zvinokosha kwatiri tose.

MUNHU ANOZODZWA SEI?

5. Tinoziva sei kuti vanhu vanozodzwa nenzira dzakasiyana-siyana?

5 Kudai waivawo mumwe wevadzidzi ava uinewo chimwe chinhu chaiita sekamoto pamusoro pako, waisazokanganwa zuva iroro. Izvi zvaizoita kuti unyatsova nechokwadi chekuti wazodzwa nemudzimu mutsvene. Chivimbo chako chaitowedzera pawaiona wava kukwanisa kutaura mumwe mutauro. (Mab. 2:6-12) Asi vanhu vese vanozodzwa nemudzimu mutsvene vanozodzwa nenzira inoshamisa sezvakaita vadzidzi 120 ivavo here? Kwete. Vamwe vese vakazozodzwa pazuva iroro muJerusarema vakazodzwa pavakabhabhatidzwa. (Mab. 2:38) Hapana ndimi dzaiita semoto dzaiva pamisoro yavo. Uyewo havasi vaKristu vese vanozodzwa pavanobhabhatidzwa. Vanhu vekuSamariya vakazozodzwa nemudzimu mutsvene papera nguva yakati kubva pavakabhabhatidzwa. (Mab. 8:14-17) Koneriyasi neveimba yake vakazodzwa nemudzimu mutsvene vasati vatombobhabhatidzwa kunyange zvazvo izvi zvakanga zvisingawanzoitika.—Mab. 10:44-48.

6. VaKristu vese vakazodzwa vanopiwa chii, uye izvi zvinoita kuti vanyatsova nechokwadi chei?

6 Saka havasi vanhu vese vanozodzwa nemudzimu mutsvene nenzira yakanyatsofanana. Vamwe vanogona kunge vakangoerekana vava kuziva kuti vasarudzwa, asi vamwe zvaivajekera zvishoma nezvishoma. Pasinei nokuti munhu anozodzwa sei, muapostora Pauro akataura zvinoitika kuvakazodzwa vese achiti: “Pashure pokunge matenda pachishandiswawo iye, imi makaiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene uya wakapikirwa, uyo uri chokumbofanobata chinotangira nhaka yedu.” (VaEf. 1:13, 14) Kushanda kunoita mudzimu mutsvene kune vakazodzwa kunenge kwakaita sechokumbofanobata chavanenge vapiwa vachimirira mubayiro wavo. Izvi zvinoita kuti vaKristu vakazodzwa vanyatsova nechokwadi chekuti vakasarudzwa naMwari kuti vaende kudenga.—Verenga 2 VaKorinde 1:21, 22; 5:5.

7. MuKristu wese akazodzwa anofanira kuitei kuti awane mubayiro wake wekudenga?

7 Kana muKristu akapiwa chokumbofanobata zvinoreva here kuti achatoenda kudenga? Kwete. Munhu iyeye anenge aine chokwadi chekuti akasarudzwa. Asi anongowana mubayiro wake chete kana akaramba akatendeka. Petro akataura nezvazvo achiti: “Saka hama, itai zvose zvamunogona kuti kudanwa kwenyu nokusarudzwa kwenyu kuve kwechokwadi kwamuri; nokuti kana mukaramba muchiita zvinhu izvi hamungazombowi. Chokwadi, muchazarurirwa kwazvo saizvozvo kuti mupinde muumambo husingaperi hwaShe wedu uye Muponesi Jesu Kristu.” (2 Pet. 1:10, 11) Saka muKristu akazodzwa wose anofanira kushanda nesimba kuti arambe akatendeka. Akarega kudaro, kudanwa kwake kana kuti kusarudzwa kunenge kusisina zvakunobatsira kwaari.—VaH. 3:1; Zvak. 2:10.

MUNHU ANOZIVA SEI KUTI AKAZODZWA?

8, 9. (a) Nei vanhu vakawanda vachiomerwa nekunzwisisa zvinoitika panozodzwa munhu? (b) Munhu anoziva sei kuti akasarudzwa kuti aende kudenga?

8 Mazuva ano vashumiri vaMwari vakawanda havana kuzodzwa saka vanogona kuomerwa nekunzwisisa zvinonyatsoitika panozodzwa munhu. Uyewo Mwari paakasika vanhu aida kuti vagare panyika nekusingaperi, kwete kudenga. (Gen. 1:28; Pis. 37:29) Kusarudzwa kwevanhu kuti vaende kudenga kunotonga semadzimambo nevapristi kwakazotanga pava paya. Panozodzwa munhu, anobva achinja mafungiro ake, maonero aanoita zvinhu, uye tariro yake.—Verenga VaEfeso 1:18.

9 Asi munhu anoziva sei kuti zvechokwadi asarudzwa kuti aende kudenga, kana kuti apiwa chokumbofanobata ichi? Mhinduro yacho inowanika mumashoko akanyorwa naPauro kuvaKristu vakazodzwa vekuRoma, avo “vakadanwa kuti vave vatsvene.” Akavaudza kuti: “Hamuna kugamuchira mudzimu wouranda unokonzera kutya zvakare, asi makagamuchira mudzimu wokugamuchirwa sevanakomana, iwo mudzimu watinoshevedzera nawo, kuti: ‘Abha, Baba!’ Iwo mudzimu wacho unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari.” (VaR. 1:7; 8:15, 16) Saka Mwari anoshandisa mudzimu wake mutsvene kuita kuti muKristu akazodzwa anyatsoziva kuti akasarudzwa kuti ave mumwe wevachanotonga muUmambo.—1 VaT. 2:12.

10. Mashoko ari pana 1 Johani 2:27 anorevei paanoti vaKristu vakazodzwa havafaniri havo kudzidziswa nomumwe munhu?

10 Vaya vakasarudzwa naMwari havadi humwe uchapupu hunopfuura ihwohwo. Havaiti zvekuudzwa nemumwe munhu kuti vave nechokwadi chekuti vakazodzwa. Jehovha ndiye anoita kuti vanyatsova nechokwadi mupfungwa dzavo nemwoyo. Muapostora Johani anoudza vaKristu ivavo vakazodzwa kuti: “Mune kuzodzwa kunobva kuna iye mutsvene; imi mose mune zivo.” Anowedzera kuti: “Kana muri imi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunoramba kuri mamuri, uye hamufaniri henyu kudzidziswa nomumwe munhu; asi, kuzodza kwake zvakuri kukudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, zvakuri kwechokwadi uye zvakusiri kwenhema, uye zvakwakakudzidzisai, rambai muri pamwe naye.” (1 Joh. 2:20, 27) Vakazodzwa ava vanotodawo kudzidziswa zvinhu zvekunamata sezvinongoita vamwe vaKristu vese. Asi havaiti zvekuudzwa nemumwe munhu kuti vakazodzwa. Jehovha anoshandisa simba rake guru, iwo mudzimu wake mutsvene, kuti vaKristu ava vanyatsova nechokwadi chekuti vakazodzwa!

‘KUBEREKWAZVE’

11, 12. MuKristu akazodzwa anganetseka nei, asi chii chaasingatomboiti zvekufungidzira?

11 Mudzimu mutsvene paunoita kuti muKristu ave nechokwadi chekuti akazodzwa, mafungiro ake, maonero aanoita zvinhu, uye tariro yake zvinochinja. Jesu akataura nezvekuchinja kunoita muKristu iyeye achiti anenge ‘aberekwazve’ kana kuti aberekwa zvichibva kumusoro. [2] (Joh. 3:3, 5) Akawedzera kutsanangura nezvazvo achiti: “Usashamiswa nokuti ndakuudza kuti, Imi munofanira kuberekwazve. Mhepo inovhuvhutira kwainoda, uye unonzwa kuvhuvhuta kwayo, asi hauzivi kwainobva nokwairi kuenda. Ndizvo zvakaita munhu wose akaberekwa nomudzimu.” (Joh. 3:7, 8) Saka hazvigoneki kunyatsotsanangura zvose zvinoitika panozodzwa munhu kune vaya vasina kuzodzwa.

12 Vaya vanenge vazodzwa vanganetseka kuti: ‘Nei Jehovha andisarudza? Adii kusarudza mumwe munhu?’ Vanogona kutozviona sevasina kukodzera. Asi havaiti zvekufungidzira kuti vasarudzwa. Vanenge vachinyatsoziva kuti vasarudzwa. Vanofara chaizvo uye vanoonga ropafadzo yavo. Vanonzwa sezvakaita Petro paakafemerwa kunyora kuti: “Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, nokuti maererano nengoni dzake huru akatibereka patsva kuti tive netariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi. Makaichengeterwa kudenga.” (1 Pet. 1:3, 4) MuKristu akazodzwa paanoverenga mashoko aya, anonyatsoziva kuti Baba vake vekudenga vari kutaura naye.

13. Munhu paanozodzwa nemudzimu mutsvene, mafungiro ake anochinja sei, uye chii chinoita kuti achinje?

13 Mudzimu mutsvene waMwari usati wapupurira vaKristu ava kuti vazodzwa, vaiva netariro yekuzorarama panyika. Vaitarisira kuzoona Jehovha achibvisa zvakaipa zvose panyika, uye kuzoraramawo panyika iyoyo. Zvimwe vaitombofungidzira vachigamuchira hama neshamwari dzavo kubva kuvakafa. Vaidawo kuzovaka dzimba vogaramo uye kudyara miti vodya michero yayo. (Isa. 65:21-23) Asi chii chinozoita kuti mafungiro avo achinje? Hakusi kuti vanenge vasisadi kurarama pasi pano. Havachinji mafungiro avo nemhaka yezvinhu zvakasiyana-siyana zvinenge zvichivanetsa muupenyu. Hakusi kuti vanotanga kufunga kuti kurarama panyika kunozoguma kusisanakidzi, kana kuti vanongonzwa vava kuda kunoonawo kuti kudenga kwacho kwakaita sei. Asi mudzimu waMwari ndiwo unoita kuti vazive kuti vadanwa kana kuti vasarudzwa, uye ndiwo unoita kuti vachinje mafungiro avo netariro yavo.

14. VaKristu vakazodzwa vanoona sei upenyu hwavo vachiri panyika?

14 Saka tingati here vaKristu vakazodzwa vanoda kufa? Mumashoko aakafemerwa, Pauro akapindura achiti: “Chokwadi, isu tiri mutende rino tinogomera, tichiremerwa; nokuti hatidi kuripfekenura, asi kupfeka rimwe racho, kuti chinofa chimedzwe noupenyu.” (2 VaK. 5:4) VaKristu vakazodzwa havashuviri kuti dai vakurumidza kufa kuti vaende kudenga, asi vanotonakidzwa neupenyu. Vanoda kushumira Mwari zuva rega rega vari pamwe chete nehama neshamwari dzavo. Asi pasinei nezvose zvavanenge vachiita, vanongoramba vachifunga nezvetariro yavo inoshamisa yeramangwana.—1 VaK. 15:53; 2 Pet. 1:4; 1 Joh. 3:2, 3; Zvak. 20:6.

WAKASARUDZWA HERE?

15. Zvii zvisingaratidzi kuti munhu azodzwa nemudzimu mutsvene?

15 Zvimwe uri kunetseka kuti wakadanwa here. Kana uchifunga kuti ungangodaro wakasarudzwa chimbofunga nezvemibvunzo iyi. Unoona sokuti uri kushingaira chaizvo muushumiri here? Unofarira kudzidza Shoko raMwari uchinyatsoongorora “zvinhu zvakadzama zvaMwari” here? (1 VaK. 2:10) Unoona sekuti Jehovha ari kukomborera chaizvo basa rako rekuparidza here? Une chido chakasimba chekuita kuda kwaJehovha here? Unoda vamwe zvakadzama uye unonzwa uchida kuvabatsira nemwoyo wese kuti vashumire Jehovha here? Pane here zvinoratidza kuti Jehovha akakubatsira muupenyu hwako? Kana uchipindura kuti hungu pamibvunzo yose iyi, zvinoreva here kuti wakasarudzwa naJehovha kuti uende kudenga? Kwete, hazvirevi kudaro. Nemhaka yei? Nokuti vaKristu vakazodzwa havasirivo chete vanonzwa saizvozvo. Iwayo ndiwo mashandiro anoitawo mudzimu waJehovha kuvaKristu vane tariro yekurarama nekusingaperi panyika. Chokwadi ndechekuti kana uchiita zvekufungidzira kuti wakasarudzwa kuti uende kudenga, zvinenge zvichitoratidza kuti hauna kusarudzwa. Vaya vakasarudzwa naJehovha havaiti zvekufungidzira kuti vakadanwa here kana kuti kwete! Vanozviziva!

16. Tinoziva sei kuti havasi vose vakapiwa mudzimu waMwari vakasarudzwa kuti vaende kudenga?

16 MuMagwaro munotaurwa nezvevanhu vakawanda vaiva nekutenda uye vaitungamirirwa nemudzimu mutsvene asi vakanga vasina tariro yekurarama kudenga. Johani Mubhabhatidzi ndiye mumwe wacho. Jesu akamurumbidza chaizvo, asi akataura kuti Johani akanga asingazovi mumwe wevachatonga muUmambo hwekumatenga. (Mat. 11:10, 11) Mudzimu mutsvene wakashandawo pana Dhavhidhi. (1 Sam. 16:13) Wakaita kuti anzwisise zvimwe zvinhu zvakadzama zvaMwari uye akatofemerwa kunyora zvimwe zvikamu zveBhaibheri. (Mako 12:36) Kunyange zvakadaro, paPendekosti, Petro akataura nezvaDhavhidhi achiti “haana kukwira kumatenga.” (Mab. 2:34) Mudzimu mutsvene wakaita kuti varume ava vaite mabasa makuru, asi hauna kumbobvira wavapupurira kuti vakasarudzwa kuti vaende kudenga. Izvozvo zvakanga zvisingarevi kuti pane pavaikundikana kana kuti vakanga vasina kunyatsokodzera. Asi zvaireva kuti Jehovha aizovamutsa kuti vararame muparadhiso panyika.—Joh. 5:28, 29; Mab. 24:15.

17, 18. (a) Vashumiri vaMwari vakawanda vari kutarisira kuwana mubayiro wei? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi munyaya inotevera?

17 Mazuva ano vashumiri vaMwari vakawanda havana kusarudzwa kuti vaende kudenga. Vane tariro yakafanana neyaiva naDhavhidhi, Johani Mubhabhatidzi, uye vamwe varume nevakadzi vainge vakatendeka vekare. Kungofanana naAbrahamu, vanotarisira kuzorarama vachitongwa neUmambo hwaMwari. (VaH. 11:10) Munguva ino yemugumo panyika pangosara vanhu vashoma vakasarudzwa kuti vanorarama kudenga. (Zvak. 12:17) Izvi zvinoreva kuti pavanhu 144 000 vokudenga, vakawanda vavo vakatofa vakatendeka.

18 Saka vaya vane tariro yekurarama panyika vanofanira kuona sei munhu anoti ane tariro yekurarama kudenga? Unofanira kuita sei kana mumwe munhu wemuungano yenyu akatanga kudya chingwa uye kunwa waini paKudya kwaShe Kwemanheru? Unofanira kunetseka here nekuwedzera kungaita nhamba yevanhu vanoti vane tariro yekuenda kudenga? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera.

^ [1] (ndima 4) Zvingangodaro kuti musi waiitwa Pendekosti wakafanana nemusi wakapiwa Mosesi Mutemo pagomo reSinai. (Eks. 19:1) Kana zviri izvo, Jesu Kristu akaita kuti rudzi rutsva runonzi Israeri waMwari ruite sungano naMwari pazuva rakafanana nerakaitwa sungano yeMutemo pachishandiswa Mosesi.

^ [2] (ndima 11) Kuti uone mamwe mashoko anotsanangura nyaya yekuberekwazve, ona Nharireyomurindi yaApril 1, 2009, mapeji 3-11.