Tinoda Sangano raJehovha
Tinoda Sangano raJehovha
WAKAMBONZWA mumwe munhu achiti, “Ndinotenda muna Mwari asi kwete muchitendero chakarongeka” here? Maonero akafanana anowanzoratidzwa nevaichimbofarira kuenda kuchechi asi vakazoora mwoyo nokukundikana kwechitendero chavo kusvitsa zvinodiwa zvavo zvokunamata. Kunyange zvazvo vachiodzwa mwoyo nemasangano ezvitendero, vazhinji vanoomerera pakuti vanoda kunamata Mwari. Zvisinei, vanofunga kuti zviri nani kumunamata munzira yavo pachavo pane kudaro vachiwadzana nechechi kana rimwe sangano.
Bhaibheri rinotii? Mwari anoda kuti vaKristu vawadzane nesangano here?
VaKristu Vepakuvamba Vakabetserwa Nokuva Vakarongeka
PaPendekosti ya33 C.E., Jehovha akadurura mudzimu mutsvene wake, kwete pavatendi vari voga, asi paboka revarume nevakadzi vakaungana “panzvimbo imwe chete,” mukamuri repamusoro muguta reJerusarema. (Mabasa 2:1) Panguva iyoyo, ungano yechiKristu, yakazova sangano repasi pose, yakaumbwa. Izvi zvakava chikomborero chaicho kuvadzidzi ivavo vepakutanga. Nei? Nokuti vakanga vapiwa basa rinokosha—rinova rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari pakupedzisira “mupasi rose rinogarwa.” (Mateu 24:14) Muungano, vakanga vachangotendeuka vaigona kudzidza kubva kune vamwe vatendi vakanga vane ruzivo kuti vangaita sei basa rokuparidza.
Nokukurumidza mashoko oUmambo akapararira kure kubva muJerusarema. Pakati pa62 na64 C.E., muapostora Petro akanyora tsamba yake yokutanga kuvaKristu vakanga “vakapararira muPontasi, Garatiya, Kapadhokiya, Asia, neBhitiniya,” dzose dziri muTurkey yemuzuva ranhasi. (1 Petro 1:1) Kwakanga kunewo vatendi muParestina, Rebhanoni, Siria, Kupro, Girisi, Krete, neItaria. Sezvakanyora Pauro kuvaKorose muna 60-61 C.E., mashoko akanaka akanga “aparidzwa pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23.
Chimwe chinhu chechipiri chaibatsira pakuwadzana nesangano chaiva kukurudzirana kwaigona kuitwa nevaKristu. Pakuwadzana neungano, vaKristu vaigona kunzwa hurukuro dzinokurudzira, kudzidza Magwaro Matsvene pamwe chete, kugoverana zvinoitika zvinosimbisa kutenda, ndokubatana nevavaitenda navo pakunyengetera. (1 VaKorinde, chitsauko 14) Uye varume vakakura mumudzimu vaigona ku‘fudza boka raMwari.’—1 Petro 5:2.
Mabasa 2:42; 14:27; 1 VaKorinde 14:26; VaKorose 4:15, 16.
Senhengo dzeungano, vaKristu vakasvikawo pakuzivana uye vakasvikawo pakudanana. Vasingambonzwi kuremedzwa nokuwadzana kwavo neungano, vaKristu vepakuvamba vakavakwa nokusimbiswa nakwo.—Chimwe chikonzero chaiita kuti ungano yepasi pose, kana kuti sangano, ridiwe chaive chokutsigira kubatana. VaKristu vakadzidza kuti va“taure [va]chibvumirana.” (1 VaKorinde 1:10) Izvozvi zvaikosha. Nhengo dzeungano dzaive dzadzidza uye dzakurira munzvimbo dzakasiyana. Vaitaura mitauro yakasiyana, uye vakanga vane unhu hwakasiyana hwaive pachena. (Mabasa 2:1-11) Padzimwe nguva, paive nokusiyana kwechokwadi pamafungiro. Zvisinei, vaKristu vaibatsirwa kupedza kusiyana kwakadaro mukati meungano.—Mabasa 15:1, 2; VaFiripi 4:2, 3.
Mibvunzo yakakomba yakanga isingagoni kupindurwa nevakuru vemuungano yaitumirwa kuvatariri vaifambira vakanga vakakura mumudzimu, vakadai saPauro. Nhau dzedzidziso dzinokosha dzaiendeswa kudare rinodzora rakanga riri muJerusarema. Pakutanga dare rinodzora rakanga rakaumbwa nevaapostora vaJesu Kristu asi rakazokudziridzwa kuti risanganisire varume vakuru vemuungano yemuJerusarema. Ungano imwe neimwe yaibvuma simba raibva kuna Mwari redare rinodzora nevamiririri varo rokuronga ushumiri, kugadza varume panzvimbo dzebasa, uye kuita zvisarudzo panyaya dzedzidziso. Apo nhau yaigadziriswa nedare rinodzora, ungano dzaigamuchira chisarudzo chacho uye dzai“fara nokukurudzira kwacho.”—Mabasa 15:1, 2, 28, 30, 31.
Hungu, Jehovha akashandisa sangano muzana rokutanga ramakore. Asi zvakadini nanhasi?
Tinoda Sangano Nhasi
Kufanana nevamwe vazvo vomuzana rokutanga ramakore, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinokoshesa zvikuru basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Imwe nzira yazvinoita nayo basa iri ndeyokugovera maBhaibheri nemabhuku ekudzidza Bhaibheri, izvo zvinoda kurongeka.
Mabhuku echiKristu anofanira kunyorwa nomazvo, kuongororwa kuti akarurama, kudhindwa, ozotumirwa kuungano. Izvi zvapera, muKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvipira kuendesa mabhuku kune avo vanoda kuarava. Mashoko oUmambo akasvika mamiriyoni evanhu nenzira iyi. Vaparidzi vemashoko akanaka vanoedza kuita basa ravo rokuparidza munzira yakarongeka, vachiva nechokwadi chokuti hapana chikamu chendima chiri kunyanyoshandwa zvimwe zvikamu zvichisiyiwa. Zvose izvi zvinoda kurongeka.
Sezvo “Mwari [asinga]saruri,” maBhaibheri nemabhuku eBhaibheri zvinofanira kushandurwa. (Mabasa 10:34) Panguva ino, magazini ino inowanika mumitauro 132, uye imwe yayo, Mukai!, inobudiswa mumitauro 83. Izvozvo zvinoda mapoka evashanduri akanyatsorongeka kupota nyika yose.
Nhengo dzeungano dzinokurudzirwa padzinopinda misangano yechiKristu nemagungano. Ikoko dzinonzwa hurukuro dzeBhaibheri dzinokurudzira, dzinofunda Magwaro pamwe chete, dzinogoverana zviitiko zvinovaka, uye vanobatana nevavanonamata navo pakunyengetera. Uye kufanana nehama dzavo dzomuzana rokutanga ramakore, vanofara nokushanya kunosimbisa kutenda kunoitwa nevatariri vanofambira vane rudo. Saka, vaKristu nhasi vanoumba “boka rimwe, nomufudzi mumwe.”—Johani 10:16.
Chokwadika, Zvapupu zvaJehovha hazvina kukwana, kunyangewo vamwe vazvo vepakutanga. Asi, zvinoshanda pamwe mukubatana. Somugumisiro, basa rokuparidza Umambo riri kupedzwa kupota nyika yose.—Mabasa 15:36-40; VaEfeso 4:13.
[Mufananidzo uri papeji 31]
VaKristu nhasi vanoumba “boka rimwe, nomufudzi mumwe.”