Simba Romunyengetero
Simba Romunyengetero
Zuva rava kunyura muguta raNahori kuMiddle East. Mumwe murume wokuSiria anonzi Eriezeri anosvika nomudungwe wemakamera gumi patsime riri kunze kweguta. Kunyange zvazvo pasina mubvunzo aneta uye ava nenyota, Eriezeri ane hanya kwazvo nezvinodiwa nevamwe. Abva kune imwe nyika kuzotsvakira mwanakomana watenzi wake mudzimai. Uyezve, anofanira kutsvaka mudzimai uyu pakati pehama dzatenzi wake. Achaita sei basa iri rakaoma?
ERIEZERI anotenda simba romunyengetero. Nokutenda sokwomwana, asi kuri kukuru, anoita chikumbiro ichi chokuzvininipisa achiti: “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahama, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abrahama ngoni. Tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura. Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari: Nditurirewo chirongo chako, ndinwe; kana akati: Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo; ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.”—Genesi 24:12-14.
Chivimbo chaEriezeri musimba romunyengetero hachivi pasina. Zvinoitika kuti, mukadzi wokutanga chaiye kusvika patsime muzukurusikana womunun’una waAbrahama! Zita rake ndiRebheka, uye haana kuroorwa, akachena mutsika, uye akanaka. Zvinoshamisawo ndezvokuti, haangopi Eriezeri mvura yokunwa asi nomutsa anoda kunwisa mvura makamera ake ose. Gare gare, mhuri yakurukurirana, Rebheka anobvuma kudzokera naEriezeri kunyika iri kure kuti ave mudzimai womwanakomana waAbrahama Isaka. Kupindurwa kunoshamisa nekwakajeka kwakadini kwomunyengetero waEriezeri panguva iya Jehovha yaaimbopindira muzviitiko nenzira inoshamisa!
Tinogona kudzidza zvakawanda mumunyengetero waEriezeri. Wakaratidza kutenda kwake kukuru, kuzvininipisa, uye kuva nehanya kwake kusina udyire pane zvinodiwa nevamwe. Munyengetero waEriezeri wakaratidzawo kuzviisa kwake pasi penzira yaJehovha yokubata nayo nevanhu. Pasina mubvunzo akanga achiziva nezvoukama hunokosha hwaMwari naAbrahama uyewo nechipikirwa Chake chokuti zvikomborero zvenguva yemberi zvaizouya kuvanhu vose nokuna Abrahama. (Genesi 12:3) Ndosaka Eriezeri akatanga munyengetero wake nemashoko anoti: “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahama.”
Jesu Kristu aiva muzukuru waAbrahama aizova nzira yokukomborerwa kwevanhu vose vanoteerera. (Genesi 22:18) Kana tichida kuti nhasi minyengetero yedu ipindurwe, tinofanira kuratidza kuziva kwokuzvininipisa nzira yaMwari yokubata nayo nevanhu achishandisa Mwanakomana wake. Jesu Kristu akati: “Kana mukaramba muri pamwe neni uye mashoko angu akaramba ari mamuri, kumbirai chose chamunoda uye chichaitika nokuda kwenyu.”—Johani 15:7.
Muteveri waKristu akaona chokwadi chemashoko aya aiva muapostora Pauro. Kutenda kwake simba romunyengetero zvechokwadi hakuna kuva pasina. Akakurudzira vaKristu vaaitenda navo kuzivisa Mwari zvose zvinovanetsa mumunyengetero ndokupupura kuti: “Nokuti ndine simba rezvinhu zvose norunako rwaiye anondipa simba.” (VaFiripi 4:6, 7, 13) Zvinoreva here kuti zvose zvakakumbira Pauro achinyengetera kuna Mwari akazvipiwa? Ngationei.
Hazvisi Zvikumbiro Zvose Zvinopiwa
Muushumiri hwake husiri hwoudyire, Pauro akatambura nezvaakarondedzera so“munzwa munyama.” (2 VaKorinde 12:7) Izvi zvingave kushushikana kwepfungwa nokuora mwoyo kwaikonzerwa nevashori uye “hama dzenhema.” (2 VaKorinde 11:26; VaGaratiya 2:4) Kana kuti kwaiva kusashanda zvakanaka kwomuviri kwedambudziko rehosha yaipfuurira yeziso. (VaGaratiya 4:15) Chingava chipi zvacho, uyu “munzwa munyama” waishayisa Pauro simba. “Ndakateterera Ishe katatu kuti ubve,” akanyora kudaro. Zvisinei, Pauro haana kupiwa chikumbiro chake. Pauro akatsanangurirwa kuti zvinhu zvakanaka zvomudzimu zvaakanga atogamuchira kuna Mwari, zvakadai sesimba rokutsungirira miedzo, zvakanga zvakakwana. Uyezve, Mwari akati: “Simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.”—2 VaKorinde 12:8, 9.
Tinodzidzei mumienzaniso yaEriezeri naPauro? Zvechokwadi Jehovha Mwari anoteerera minyengetero yevaya vanotsvaka kumushumira nokuzvininipisa. Asi izvi hazvirevi kuti nguva dzose anovapa zvikumbiro zvavo nokuti Mwari ane maonero ezvinhu anosvika kure. Anoziva zviri nani kutipfuura kuti zvii zvakatinakira. Zvinotokosha ndezvokuti, nguva dzose anoita maererano nechinangwa chake chakaziviswa sezvakanyorwa muBhaibheri.
Nguva Yokuporeswa Mumudzimu
Mwari anopikira kuporesa vanhu hosha dzavo dzose dzomuviri, dzepfungwa, uye zvinovashungurudza muMakore ane Chiuru Okutonga kweMwanakomana wake panyika. (Zvakazarurwa 21:1-3; 21:3-5) VaKristu vechokwadi vanomirira vachida kwazvo nguva yemberi iyi yakapikirwa, vane kutenda kwakazara musimba raMwari richaita kuti zviitike. Kunyange zvazvo vasingatarisiri kuporesa kunoshamisa kwakadaro zvino, vanonyengeterera nyaradzo nesimba kuna Mwari kuti vakurire miedzo. (Pisarema 55:22) Pavanorwara, vanganyengetererawo nhungamiro yaMwari kuti vawane gadziriro yokurapwa yakanaka inoenderana nemari yavo.
Zvimwe zvitendero zvinokurudzira varwere kunyengetera kuti vaporeswe zvino, zvichitaura nezvokuporesa kunoshamisa kwakaitwa naJesu nevaapostora vake. Asi zvishamiso izvozvo zvakaitirwa chinangwa chakasiyana. Zvakaitirwa kupa uchapupu hwokuti Jesu Kristu akanga ari Mesiya wechokwadi nokuratidza kuti nyasha dzaMwari dzakanga dzabviswa kurudzi rwavaJudha dzichiiswa kuungano duku yechiKristu. Kareko, zvipo zvinoshamisa zvaidiwa kusimbisa kutenda kweungano yechiKristu yakanga ichangobva kuumbwa. Ungano duku payakanga yasimba, uye yakura, zvipo zvinoshamisa zvaka“gumiswa.”—1 VaKorinde 13:8, 11.
Panguva ino inokosha, Jehovha Mwari ari kutungamirira vanamati vake mubasa rinokosha kwazvo rokuporesa mumudzimu. Vanhu zvavachiri nenguva, vanofanira kugamuchira nokukurumidza chikumbiro ichi: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo. Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye uchamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti uchakanganwira zvikuru.”—Isaya 55:6, 7.
Kuporesa ikoku kwomudzimu kwevatadzi vanopfidza kuri kuitwa nokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Nokupa vashumiri vake simba rokuita iri basa rinoponesa upenyu, Jehovha Mwari ari kubatsira mamiriyoni evanhu anobva kumarudzi ose kupfidza zvivi zvawo ndokuva noukama hwakanaka naye mugumo wegadziriro ino yezvinhu usati wasvika. Vose vanonyengeterera kuporeswa nomwoyo wose mumudzimu kwakadaro nevose vanonyengeterera kubatsirwa kuti vaite iri basa rokuporesa zvechokwadi minyengetero yavo iri kupindurwa.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Eriezeri naRebheka/The Doré Bible Illustrations/Dover Publications