Kusvika Pakuziva Mwari Ane Rudo
Mushumo Wavazivisi voUmambo
Kusvika Pakuziva Mwari Ane Rudo
PAZERA ramakore 16, mumwe munhu wokuBrazil anonzi Antônio akanga atovhiringidzwa noupenyu. Kunzwa asingakoshi kwakamuita kuti ashandise zvinodhaka uye doro. Aiwanzofunga zvokuzviuraya. Paiva panguva idzodzi paakafunga zvaakanga audzwa naamai vake kuti: “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Asi Mwari iyeyu ane rudo akanga ari kupi?
Achiedza kurega kushandisa zvinodhaka, Antônio akatsvaka rubatsiro kubva kumupristi womuruwa rwaaigara. Kunyange zvazvo Antônio aishingaira zvikuru muChechi yeKaturike, akanga achine mibvunzo yakawanda. Somuenzaniso, mashoko aJesu okuti, “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai” aimunetsa. (Johani 8:32) Jesu akavimbisa rusununguko rworudzii? Chechi yakanga isingagoni kupa mhinduro dzipi nedzipi dzinogutsa kumibvunzo yake. Pakupedzisira, Antônio akaregera ndokudzokera kumiitiro yake yekare. Zvakatoitika ndezvokuti, kupindwa muropa kwake kwakatonyanyisa.
Panenge panguva ino, mukadzi waAntônio, Maria, akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Nepo akanga asingashori kudzidza kwake, Antônio akaramba Zvapupu se“chitendero chokuAmerica chinoshandira zvinangwa zvokudzora dzimwe nyika kweAmerica.”
Asingaori mwoyo, Maria aisiya makopi emagazini eNharireyomurindi neMukai! mumba aitaura nhau dzaaifunga kuti dzingangofadza Antônio. Sezvo Antônio aifarira kurava, nguva nenguva aimbovhura-vhura magazini acho mukadzi wake paainge asipo. Kwenguva yokutanga muupenyu hwake, akawana mhinduro kumibvunzo yake yeBhaibheri. “Ndakatangawo kucherechedza rudo nomutsa zvandakanga ndava kuratidzwa nomukadzi wangu neZvapupu,” anoyeuka kudaro.
Pakati pa1992, Antônio akasarudza kuti iyewo aida kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, akaramba achishandisa zvinodhaka nokunwa zvakanyanyisa. Pakati pohumwe usiku sezvo iye neshamwari yake vakanga vava kudzokera kumba kubva kune rimwe taundi rezvitangwena, mapurisa akavamisa. Mapurisa paakawana Antônio aine cocaine, akatanga kumurova. Mumwe mupurisa akamudonhedzera pasi mumadhaka uye akaisa muromo wepfuti pedyo nechiso chake. “Muuraye!” akadanidzira kudaro mumwe mupurisa wacho.
Antônio paakanga akarara mumadhaka, akayeuka upenyu hwake. Zvinhu zvakanaka chete zvaakagona kuyeuka zvakanga zviri mhuri yake naJehovha. Akanyengetera kwenguva pfupi, achikumbira kubatsirwa naJehovha. Pasina chikonzero chiri pachena, mupurisa wacho akamusiya. Akaenda kumba, ane chokwadi chokuti Jehovha akanga amudzivirira.
Antônio akatanga kudzidza Bhaibheri nesimba idzva. Zvishoma nezvishoma, akachinja kuti afadze Jehovha. (VaEfeso 4:22-24) Achishandira kuzvidzora, akatanga kurwisana nezvinetso zvake zvokushandisa zvinodhaka. Kunyange zvakadaro, aida kubatsirwa nokurapwa. Mwedzi miviri ari mukiriniki inotarisira vakapindwa muropa nezvinodhaka yakamupa mukana wokurava mabhuku eBhaibheri anoverengeka, kusanganisira bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Adaro, Antônio aigovana navamwe varwere zvaanenge adzidza kubva mumabhuku aya.
Antônio abva mukiriniki yacho, akapfuurira kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Nhasi, Antônio, Maria, vanasikana vavo vaviri, uye amai vaAntônio vanoshumira Jehovha pamwe semhuri inofara uye yakabatana. Antônio anoti: “Zvino ndinonzwisisa zvinorehwa chaizvo namashoko okuti ‘Mwari rudo.’”
[Mufananidzo uri papeji 8]
Tichiparidza muRio de Janeiro