‘Tariro Yako Yoruponeso’ Ngairambe Yakajeka!
‘Tariro Yako Yoruponeso’ Ngairambe Yakajeka!
“Tipfeke . . . sengowani tariro yoruponeso.”—1 VATESARONIKA 5:8.
1. “Tariro yoruponeso” inobatsira sei mukutsungirira?
TARIRO yokuponeswa ingabatsira munhu kuramba akaomerera kunyange mumamiriro ezvinhu akaipisisa. Munhu aputsikirwa nechikepe ari kuyangarara akabatirira pane chimwe chinhu chisinganyuri angatsungirira kwenguva yakareba kana achiziva kuti ava pedyo nokubatsirwa. Kufanana neizvi, kwezviuru zvemakore, tariro yo‘ruponeso rwaJehovha’ yakatsigira varume navakadzi vokutenda munguva dzenhamo, uye tariro iyi haisati yamboodza mwoyo. (Eksodho 14:13; Pisarema 3:8; VaRoma 5:5; 9:33) Muapostora Pauro akafananidza “tariro yoruponeso” ne“ngowani” yenhumbi dzokurwa nadzo dzomudzimu dzomuKristu. (1 VaTesaronika 5:8; VaEfeso 6:17) Hungu, kuvimba kwedu kuti Mwari achatiponesa kunodzivirira masimba edu okufunga, kuchitibatsira kuramba takasvinura pasinei zvapo nokutambura, kushorwa, uye muedzo.
2. “Tariro yoruponeso” chinhu chinokosha pakunamata kwechokwadi munzira dzipi?
2 “Marudzi echihedheni [marudzi akanga akapoteredza vaKristu vomuzana remakore rokutanga] akanga asina tariro yenguva yemberi,” VaEfeso 2:12; 1 VaTesaronika 4:13) Nepo, “tariro yoruponeso” chinhu chinokosha chokunamata kwechokwadi. Zvinodaro sei? Chokutanga, ruponeso rwavashumiri vaJehovha rwakabatanidzwa nezita rake pachake. Munyori wepisarema Asafi akanyengetera achiti: “Tibatsirei, Mwari muponesi wedu, nokuda kwomukurumbira wezita renyu; mutirwire.” (Pisarema 79:9; Ezekieri 20:9) Uyezve, kuvimba nezvikomborero zvaJehovha zvakapikirwa kunokosha pakuva noukama hwakanaka naye. Pauro akazvitaura achiti: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza, nokuti iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Zvakare, Pauro akatsanangura kuti chikonzero chinokosha chokuuya kwaJesu pasi pano chaiva chokuponeswa kwevanopfidza. Akazivisa kuti: “Shoko rokuti Kristu Jesu akauya munyika kuzoponesa vanhu vanoita zvivi rakatendeka uye rakafanirwa kugamuchirwa kwazvo.” (1 Timoti 1:15) Uye muapostora Petro akataura nezvoruponeso so‘mugumo [kana kuti, mugumisiro] wokutenda kwedu.’ (1 Petro 1:9) Zviri pachena kuti zvakafanira kuti tive netariro yoruponeso. Asi ruponeso chii chaizvoizvo? Uye zvii zvinodiwa kuti tiruwane?
inodaro The International Standard Bible Encyclopedia. (Ruponeso Chii?
3. Vashumiri vaJehovha vomunguva yakare vakaponeswa pachii?
3 MuMagwaro echiHebheru, “ruponeso” runowanzoreva kusunungurwa kana kuti kununurwa mukudzvinyirirwa kana kuti murufu rwechisimba, runongoerekana rwauya. Somuenzaniso, achidana Jehovha kuti “Murwiri,” Dhavhidhi akati: “Mwari idombo rangu. . . . Utiziro hwangu. Muponesi wangu, munondiponesa pakumanikidzwa. Ndichadana kuna Jehovha, iye unofanirwa nokurumbidzwa; naizvozvo ndichaponeswa kune vavengi vangu.” (2 Samueri 22:2-4) Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha anoteerera apo vashumiri Vake vakatendeka vanokumbira kubatsirwa.—Pisarema 31:22, 23; 145:19.
4. Itariroi youpenyu hwomunguva yemberi yaiva navashumiri vaJehovha vechiKristu vaivako chiKristu chisati chavako?
4 Vashumiri vaJehovha vaivako chiKristu chisati chavako vakarambawo vaine tariro youpenyu hwomunguva yemberi. (Jobho 14:13-15; Isaya 25:8; Dhanieri 12:13) Kutaura zvazviri, zvipikirwa zvakawanda zvokununura zvinowanwa muMagwaro echiHebheru zvaiva uprofita hworuponeso rukuru—runotungamirira kuupenyu husingaperi. (Isaya 49:6, 8; Mabasa 13:47; 2 VaKorinde 6:2) Muzuva raJesu, vaJudha vakawanda vaitarisira upenyu husingaperi, asi vakaramba kugamuchira Jesu somunhu anokosha aizoita kuti vaone zvavaitarisira zvichiitika. Jesu akaudza vatungamiriri vechitendero vomunguva yake kuti: “Munonzvera Magwaro, nokuti munofunga kuti muchava noupenyu husingaperi nawo; uye iwaya ndiwo chaiwo anondipupurira.”—Johani 5:39.
5. Pakupedzisira, ruponeso runorevei?
5 Achishandisa Jesu, Mwari akazivisa pfungwa yakazara yezvinoreva ruponeso. Runobatanidza kusunungurwa mukutonga kwechivi, muusungwa hwechitendero chenhema, munyika inodzorwa naSatani, mukutya munhu, uye kunyange mukutya kufa. (Johani 17:16; VaRoma 8:2; VaKorose 1:13; Zvakazarurwa 18:2, 4) Pakupedzisira, kuvashumiri vaMwari vakatendeka, ruponeso runoitwa naMwari harungorevi kununurwa mukudzvinyirirwa nokurwadziwa chete asiwo mukana wokuwana upenyu husingaperi. (Johani 6:40; 17:3) Jesu akadzidzisa kuti ku“boka duku,” ruponeso runoreva kumutsirwa kwavo kuupenyu hwokudenga kuti vanotonga pamwe naKristu muUmambo. (Ruka 12:32) Kune vanhu vose vasara, ruponeso runoreva kudzorerwa kuupenyu hwakakwana noukama naMwari izvo zvaiva naAdhama naEvha mubindu reEdheni vasati vatadza. (Mabasa 3:21; VaEfeso 1:10) Upenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu eparadhiso akadai ndihwo hwaiva chinangwa chaMwari chokutanga nokuda kwavanhu. (Genesi 1:28; Mako 10:30) Kunyange zvakadaro, mamiriro ezvinhu akadai angadzorerwa sei?
Hwaro Hworuponeso—Rudzikinuro
6, 7. Basa raJesu nderei mukuponeswa kwedu?
6 Chibayiro chaKristu ndicho chete chinogona kuita kuti ruponeso rusingaperi ruvepo. Nei? Bhaibheri rinotsanangura kuti Adhama paakatadza, akazvi‘tengesa’ pamwe navana vake vose vaizotevera, kusanganisira isu, kuchivi—zvichibva zvaita kuti rudzikinuro rudiwe kana vanhu vaizova netariro ipi neipi yechokwadi. (VaRoma 5:14, 15; 7:14) Kuti Mwari aizoita kuti pave norudzikinuro rwavanhu vose kwakafanofananidzirwa nezvibayiro zvemhuka muMutemo waMosesi. (VaHebheru 10:1-10; 1 Johani 2:2) Jesu ndiye aiva nechibayiro chakazadzika mifananidzo youprofita iyoyo. Jesu asati aberekwa, ngirozi yaJehovha yakazivisa kuti: “Achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”—Mateu 1:21; VaHebheru 2:10.
7 Jesu akaberekwa zvinoshamisa nemhandara Maria, uye soMwanakomana waMwari, haana kugara nhaka rufu kuna Adhama. Chokwadi ichi pamwe namararamiro aakaita okutendeka kwakakwana zvakaita kuti upenyu hwake huve noukoshi hwaidiwa kutengazve vanhu kubva kuchivi norufu. (Johani 8:36; 1 VaKorinde 15:22) Kusiyana navamwe vanhu vose, Jesu akanga asiri kutongerwa kufa nemhaka yechivi. Akauya pasi pano nechinangwa cho“kupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mateu 20:28) Aita izvozvo, Jesu akamutswa uye akagadzwa pachigaro choUmambo zvino ava nesimba rokuponesa vose vanoita zvinodiwa naMwari.—Zvakazarurwa 12:10.
Chii Chinodiwa Kuti Tiponeswe?
8, 9. (a) Jesu akapindura sei mubvunzo womutongi muduku akapfuma pamusoro poruponeso? (b) Jesu akashandisa sei chiitiko ichi kudzidzisa vadzidzi vake?
8 Pane imwe nguva, mumwe mutongi muduku wechiIsraeri akapfuma akabvunza Jesu kuti: “Ndinofanira kuitei kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” (Mako 10:17) Mubvunzo wake ungave wakaratidza mafungiro echiJudha akanga akapararira panguva yake—okuti Mwari anoda mabasa akanaka akati uye kuti nokuita akawanda amabasa iwayo, munhu anogona kuponeswa naMwari. Asi kuzvipira kworudzi irworwo kwaigona kukonzerwa nepfungwa dzoudyire. Mabasa akadaro haana kukwanisa kuwanisa tariro yechokwadi yoruponeso, sezvo pasina munhu asina kukwana anogona kunyatsoita zvinodiwa naMwari.
9 Mukupindura mubvunzo womurume wacho, Jesu akangomuyeuchidza kuti anofanira kuteerera mirayiro yaMwari. Mutongi muduku wacho akakurumidza kuvimbisa Jesu kuti akanga aichengeta kubvira achiri pwere. Mhinduro yake yakaita kuti Jesu amude. Jesu akamuudza kuti: “Unoshayiwa chinhu chimwe chete: Enda, tengesa zvinhu zvaunazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kudenga, uuye uve muteveri wangu.” Zvisinei, murume muduku wacho akaenda ashungurudzwa, “nokuti aiva nezvinhu zvakawanda.” Zvadaro Jesu akasimbisa kune vadzidzi vake kuti kunyanyobatanidzwa nezvinhu zvenyika ino kunotadzisa kuponeswa. Akatiwo hapana anogona kuponeswa nokuedza kwake pachake. Asi Jesu akapfuurira kuvavimbisa kuti: “Izvi hazvibviri kuvanhu, asi hazvina kudaro kuna Mwari, nokuti zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mako 10:18-27; Ruka 18:18-23) Ruponeso runobvira sei?
10. Zvii zvatinofanira kuita kuti tiponeswe?
10 Ruponeso chipo chinobva kuna Mwari, asi hachingoerekani chauya. (VaRoma 6:23) Pane zvimwe zvinhu zvinokosha zvinofanira kuitwa nomunhu kuti akwanise kuwana chipo ichocho. Jesu akati: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Uye muapostora Johani akatiwo: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu.” (Johani 3:16, 36) Zviri pachena kuti Mwari anoda kutenda nokuteerera kumunhu oga oga anotarisira kuwana ruponeso rusingaperi. Munhu oga oga anofanira kusarudza kubvuma rudzikinuro uye kutevera mumakwara aJesu.
11. Munhu asina kukwana angatenderwa sei naJehovha?
11 Sezvo tisina kukwana, hatina kuberekwa tichiteerera uye hazviiti kuti titeerere zvakakwana. Ndokusaka Jehovha akaita kuti pave norudzikinuro rwokufukidza zvivi zvedu. Kunyange zvakadaro, tinofanira kuramba tichivavarira kurarama maererano nenzira dzaMwari. Sezvakaudzwa mutongi muduku akapfuma naJesu, tinofanira kuchengeta mirayiro yaMwari. Kuita izvozvo hakuiti kuti tingotenderwa naMwari chete asiwo kunoita kuti tiwane mufaro mukuru, nokuti “mirayiro yake hairemi”; ino‘zorodza.’ (1 Johani 5:3; Zvirevo 3:1, 8) Asi, hazvisi nyore kuramba tiine tariro yoruponeso.
“Murwire Kwazvo Kutenda”
12. Tariro yoruponeso inosimbisa sei muKristu kudzivisa miedzo yokuita unzenza?
12 Mudzidzi Judha aida kunyorera vaKristu vokutanga nezve“ruponeso rwa[vaiva] narwo [vo]se.” Zvisinei, tsika dzakashata dzakanga dzava kupararira dzakamumanikidza kupa hama dzake zano roku“rwir[a] kwazvo kutenda.” Hungu, kuti tiponeswe hazvina kukwana kuva nokutenda, kuomerera pakutenda kwechiKristu kwechokwadi, uye kuteerera apo zvinhu zvose zvinenge zvichifamba zvakanaka. Kuzvipira kwedu kuna Jehovha kunofanira kuva kwakasimba zvokugona kutibatsira kudzivisa miedzo nokupesvedzera kwounzenza. Asi, kurara pamwe kwavarume navakadzi kwakanyanyisa uye kwakaipa zvikuru, kusaremekedza vane simba, kupesana, uye kusava nechokwadi zvakanga zvichishatisa mafungiro netsika zveungano yomuzana remakore rokutanga. Kuvabatsira kurwisa mafungiro akadaro, Judha akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuramba vachinyatsofunga nezvechinangwa Judha 3, 4, 8, 19-21) Tariro yokuponeswa yaigona kuvasimbisa mukurwira kwavo kuramba vane tsika dzakachena.
chavo achiti: “Vanodiwa, nokuzvivaka pakutenda kwenyu kutsvene tsvene, muchinyengetera nomudzimu mutsvene, zvichengetei muri murudo rwaMwari, pamunenge muchimirira ngoni dzaShe wedu Jesu Kristu muchirangarira upenyu husingaperi.” (13. Tingaratidza sei kuti hatina kupotsa chinangwa chomutsa usina kufanirwa waMwari?
13 Jehovha Mwari anoda kuti vose vaachaponesa vave netsika dzine muenzaniso. (1 VaKorinde 6:9, 10) Zvisinei, kuomerera kutsika dzinodiwa naMwari hakurevi kutonga vamwe. Hatisi isu tinosarudza zvichaitika kune vamwe vanhu nokusingaperi. Asi, Mwari achaita izvozvo, sezvakaudzwa vaGiriki vaiva muAtene naPauro kuti: “Akatara zuva raanoda kutonga naro pasi rinogarwa nokururama nomunhu waakagadza”—Jesu Kristu. (Mabasa 17:31; Johani 5:22) Kana tichirarama nokutenda rudzikinuro rwaJesu hatina chikonzero chokutya kuuya kwezuva rokutonga. (VaHebheru 10:38, 39) Chinhu chinokosha ndechokuti hatimbofaniri ku‘gamuchira mutsa usina kufanirwa waMwari [kuyananiswa kwedu naye nechibayiro chorudzikinuro] topotsa chinangwa chawo’ nokuzvibvumira kuedzwa kufunga uye kuzvibata zvisina kururama. (2 VaKorinde 6:1) Uyewo, nokubatsira vamwe kuti vaponeswe, tinoratidza kuti hatina kupotsa chinangwa chetsitsi dzaMwari. Tingavabatsira sei?
Kuudzawo Vamwe Tariro Yoruponeso
14, 15. Jesu akapa vanaani basa rokuparidza mashoko akanaka oruponeso?
14 Achidzokorora mashoko omuprofita Joeri, Pauro akanyora kuti: “Munhu wose anodana pazita raJehovha achaponeswa.” Ipapo akawedzera kuti: “Zvisinei, vachadana sei pana iye wavasina kutenda? Uyewo, vachatenda sei maari wavasina kunzwa? Uyewo, vachanzwa sei pasina mumwe munhu anoparidza?” Ndima shomanana dzinozotevera, Pauro anotaura kuti kutenda hakungoerekani kwauya; asi, kuno“tevera chinhu chakanzwiwa,” ndiko kuti, “shoko pamusoro paKristu.”—VaRoma 10:13, 14, 17; Joere 2:32.
15 Ndiani achaunza “shoko pamusoro paKristu” kumarudzi? Jesu akapa vadzidzi vake basa iroro—vaya vakatodzidziswa “shoko” racho. (Mateu 24:14; 28:19, 20; Johani 17:20) Patinoita basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi, tiri kungoita izvo muapostora Pauro akanyora pamusoro pazvo, iye zvino achidzokorora mashoko aIsaya achiti: “Dzakanaka sei tsoka dzeavo vanozivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!” Kunyange kana vakawanda vasingagamuchiri mashoko akanaka atinouya nawo, tsoka dzedu dzichiri “dzakanaka” kuna Jehovha.—VaRoma 10:15; Isaya 52:7.
16, 17. Basa redu rokuparidza rinozadzikisa zvinangwai zviviri?
16 Kuita basa iri kunoita zvinangwa zviviri zvinokosha. Chokutanga, mashoko akanaka anofanira kuparidzwa kuitira kuti zita raMwari rirumbidzwe uye kuti vaya vanoda kuponeswa vazive kwokuenda. Pauro akanzwisisa chikamu ichi chebasa racho. Akati: “Chaizvoizvo, Jehovha akatirayira nemashoko aya, ‘Ndakakugadzai sechiedza chemamwe marudzi, kuti imi muve ruponeso kusvika kumigumo yepasi.’” Saka, savadzidzi vaKristu, mumwe nomumwe wedu anofanira kuendesawo shoko roruponeso kuvanhu.—Mabasa 13:47; Isaya 49:6.
17 Chechipiri, kuparidzwa kwamashoko akanaka kunoita kuti kutonga kwakarurama kwaMwari kuve nepokutangira. Nezvokutonga ikoko, Jesu akati: “Mwanakomana womunhu paanosvika ari mumbiri yake, ane ngirozi dzose, ipapo achagara pachigaro chake choumambo chine mbiri. Zvino marudzi ose achaunganidzwa Mateu 25:31-46.
pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi.” Kunyange zvazvo kutonga nokuparadzanisa zvichaitwa “Mwanakomana womunhu paanosvika ari mumbiri yake,” basa rokuparidza nhasi riri kupa vanhu mukana wokuziva hama dzomudzimu dzaKristu uye nokudaro mukana wokushanda vachidzitsigira nokuda kworuponeso rusingaperi rwavo pachavo.—Ramba Une “Chivimbo Chakakwana Chetariro”
18. Tingaita sei kuti ‘tariro yedu yoruponeso’ irambe yakajeka?
18 Kuita kwedu basa rokuparidza nokushingaira inzirawo inotibatsira kuita kuti tariro yedu irambe yakajeka. Pauro akanyora kuti: “Asi tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze kubishaira kwakafanana naikoko kuti muve nechivimbo chakakwana chetariro kusvikira kumugumo.” (VaHebheru 6:11) Saka, mumwe nomumwe wedu ngaapfeke “sengowani tariro yoruponeso,” nokudaro achiyeuka kuti “Mwari haana kutiisa pahasha, asi pakuwanwa kworuponeso naShe wedu Jesu Kristu.” (1 VaTesaronika 5:8, 9) Ngatinyatsoteererawo zano raPetro rokuti: “Sungai pfungwa dzenyu nokuda kwebasa, nyatsosvinurirai; isai tariro yenyu pamutsa usina kufanirwa uchaunzwa kwamuri.” (1 Petro 1:13) Vose vanoita izvozvo vachaona “tariro [yavo] yoruponeso” ichinyatsozadzika!
19. Tichakurukurei munyaya inotevera?
19 Iye zvino, tinofanira kuona sei nguva yasarira gadziriro ino? Tingashandisa sei nguva iyoyo kuti isu navamwe tipone? Tichakurukura mibvunzo iyi munyaya inotevera.
Ungatsanangura Here?
• Nei tichifanira kuita kuti ‘tariro yedu yoruponeso’ irambe yakajeka?
• Ruponeso runobatanidzei?
• Tinofanira kuitei kuti tiwane chipo choruponeso?
• Basa redu rokuparidza rinozadzikisei maererano nechinangwa chaMwari?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
[Mifananidzo iri papeji 10]
Ruponeso runoreva zvakawanda kupfuura kungonunurwa mukuparadzwa